Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Nyika inogona here kuita kuti pave nezvokudya nezviwanikwa zvinokwanira zvipenyu zvose nguva dzose?
▪ Nyika yedu yakanaka, inogona chaizvo kuraramisa zvinhu zvipenyu. Kunyange zvakadaro, nevanhu vari kuramba vachiwanda uye kukurumidza kushandiswa kwezvinhu zvepasi, ungabvunza kuti: ‘Zvinhu zvatinonyanya kutya ndizvo here zvichaguma zvaitika? Pacharamba paine zvokudya nezviwanikwa zvakakwana here?’
Tichifunga nezvemubvunzo uyu, tinogona kuvimba nezvakavimbiswa naMwari kumhuri yokutanga yevanhu makore 4 000 akapfuura paakati: “Nokuti mazuva ose ayo nyika inoramba iripo, kudyara mbeu nokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, uye masikati nousiku, hazvizombomiri.” (Genesisi 8:22) Saka, zvatinonyatsoziva kuti zuva roga roga zuva rinotobuda chete, tinogonawo kuva nechokwadi chokuti nyika icharamba ichiita kuti pave nezvokudya nezviwanikwa zvinokwanira zvipenyu zvose.
Muna 2004 mumushumo waiva nomusoro unoti “Nyika Inogona Kutipa Zvokudya Here?” mumwe munyori wezvinhu zvakatipoteredza anonzi Alex Kirby akati: “Nyika inogona kuwanira munhu wose zvokudya. Asi kungoti zvokudya zvacho zvinowanzoenda panzvimbo isiriyo, kana kuti zvinodhura kana kuti hazvigoni kuchengetwa kwenguva refu. Saka zvematongerwo enyika ndizvo zvinovhiringidza kuti vanhu vawane zvokudya zvakakwana pane sayenzi.” Kudai pasi rainyotsotarisirwa zvakanaka nezviwanikwa zvaro hapana chikonzero chokutya kuti zvokudya hazvikwani. Somuenzaniso, mumazuva evaIsraeri vekare Mwari akapa murayiro wakajeka wemashandisirwo akanaka evhu. Sezvakazvanyorwa pana Revhitiko 25:4, Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Mugore rechinomwe nyika ngaive nesabata rokuzorora zvakakwana . . . Usadyara mbeu mumunda wako.” Kunyange zvazvo vainge vasingafaniri kushanda gore rechinomwe roga roga, Mwari akavimbisa kuti vaizofara nokuti aizovawanisa zvinhu zvakawanda zvakanaka uye kuti vaisazofanira kuzvidya mwoyo vachityira kuti zvinhu zvaizoperevedza.—Revhitiko 26:3-5.
Kunyange zvazvo pari kuedzwa nemwoyo wose mazuva ano kuderedza kukuvadza pasi nezviwanikwa zvaro, vakawanda vachiri kunetseka kuti zviri kuedza kuitwa izvi zvishoma uye kwangova kudya manonoko. Pana Zvakazarurwa 11:18 ndipo panotaura chichagadzirisa dambudziko iri zvachose. Ipapo Bhaibheri rinoti Jehovha ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika.’ Jehovha haasi chete kuzongobvisa vasiri kutarisira nyika zvakanaka nezviwanikwa zvayo asiwo achava nechokwadi chokuti ichawanira zvokudya zvakawanda vose vanenge vari pairi. Vose vakaoma musoro vasina hanya nechinangwa chaMwari uye vanoparadza nyika kuti zvingovanakira ivo vachaparadzwa. Ukuwo, vaya vanotsigira nechido kutonga kwaJehovha vachaona zvinotaurwa pana Pisarema 72:16 zvichiitika kwavari zvinoti: “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”
Achikurudzirwa norudo rwake rusingaperi nouchenjeri hwake, Jehovha akaita chinangwa chokuti vanhu vazogara uye kutarisira musha wavo—nyika inenge iri paradhiso. (Genesisi 1:28) Paachange ava kutonga, vanhu vanoteerera vachadzidza kushandisa nouchenjeri zviwanikwa zvepasi, vasingapedzi dura repasi rine zvakawanda. Tinoonga chaizvo Mupi ane rudo iyeye, achagutsa zvinhu zvipenyu zvose.—Pisarema 145:16.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
“Zvematongerwo enyika ndizvo zvinovhiringidza kuti vanhu vawane zvokudya zvakakwana pane sayenzi”