Dambudziko Rokuparwa Kwemhosva Richagadziriswa Here?
“Ongororo dzinoratidza kuti vaya vanogara vachipara mhosva kunyange pashure pokunge vabuda mujeri vacharamba vachidzipara munzanga, uye mari inobuda kusanganisira yezvimwe zvisiri mari yakawanda zvikuru.”—Inside the Criminal Mind, Radr. Stanton E. Samenow.
PASINEI nokwaunogara munyika, zvinoita sokuti mhosva dzinotyisa dzinoparwa zuva roga roga. Saka, zvine musoro kuzvibvunza kuti: Zvinhu zviripo mazuva ano zvokuderedza mhosva zvakadai sezvirango zvakaomarara, mitongo yokugarisa vapari vemhosva mumajeri, uye zvichingodaro zviri kubatsira here? Jeri rinochinja vapari vemhosva here? Zvinotokosha ndezvokuti, Vanhu vari kugadzirisa here chinokonzera kuparwa kwemhosva?
Achitaura nezvemitongo inoshandiswa kuderedza mhosva mazuva ano, Dr. Stanton E. Samenow anoti: “Amboravira jeri, [mupari wemhosva] angatonyanya kuchenjera uye kungwara, asi anongopfuurira kushandisa vamwe kuti zvimunakire uye achipara mhosva. Nhamba dzinoratidza vanodzokorora kupara mhosva ishoma chaizvo nokuti dzinongoratidza vaya chete vanobatwa nokuti vanenge vasina kungwaririra.” Kutaura zvazviri, majeri anowanzova zvikoro kunozopedzisira vapari vemhosva kudzidza kupara dzimwe mhosva, nenzira isingaoneki achitovabatsira kunatsiridza unyanzvi hwavo.—Ona bhokisi rinoti “‘Zvikoro Zvokudzidzisa Kuparwa Kwemhosva Here’?” riri papeji 7.
Uyezve, vapari vemhosva vakawanda havarangwi, zvichiita kuti vanotyora mitemo vafunge kuti zvinobatsira kupara mhosva. Mafungiro aya angatoita kuti vave nechisimba zvikuru uye vatsunge kupara dzimwe mhosva. Mumwe mutongi akachenjera akambonyora kuti: “Mutongo zvausina kukurumidza kupiwa pabasa rakaipa, mwoyo yevanakomana vevanhu yakatsunga kwazvo mukati mavo kuti vaite zvakaipa.”—Muparidzi 8:11.
Vanhu Vanopara Mhosva Pamusana Pemamiriro Avo Ezvinhu Here Kana Kuti Nokuda?
Vamwe vanhu vanongofanira kupara mhosva kuti vawane chokurarama nacho here? Samenow anoti, “Ndaiona kuparwa kwemhosva sechinhu chakanaka uye chokuzvipembedza nacho, senzira yokunzvenga nayo urombo, kusagadzikana uye kuora mwoyo zvakazara muupenyu [hwevapari vemhosva].” Zvisinei, pashure pokunge atsvakurudza mashoko akawanda, akachinja mafungiro ake. Akati, “Vanhu vanosarudza voga kupara mhosva. [Munhu] anopara mhosva . . . ‘zvichikonzerwa’ nemafungiro ake, kwete netsika nevanhu vaanorarama navo.” Samenow anotizve: “Zvatinoita zvinobva pamafungiro edu. Tinotanga tafunga zvatinoda kuita tisati tazviita, patinenge tichizviita, uye tazviita.” Saka pane kuona vapari vemhosva sokunge kuti vakakanganiswa nokuti vakamboitirwa mhosva, akasvika pakugumisa kuti “ndivo vanenge vakasarudza voga kurarama vachipara mhosva.”a
Shoko guru pano nderokuti ‘kusarudza.’ Chokwadi, mumwe musoro mukuru wakabuda mupepanhau rokuBritain wakati: “Majaya Omumaguta Anosarudza Basa Rokupara Mhosva Pamusana Pokuda Zvinhu Zvakanaka.” Vanhu vane rusununguko rwokusarudza uye vanogona kusarudza mararamiro avanoda, kunyange pavanenge vari mumamiriro ezvinhu akaoma. Chokwadi, zuva nezuva mamiriyoni evanhu anofanira kutsungirira kusaruramisirwa uye urombo, kana kuti vangave vachirarama mumhuri dzinenge dzisina ukama hwakanaka; asi vasingatyori mutemo. Samenow anoti: “Matsotsi ndiwo anopara mhosva, kwete vavakidzani vakaipa, vabereki vasingagoni kutarisira mhuri, . . . kana kuti kushayikwa kwemabasa. Zvokuda kupara mhosva zviri mupfungwa dzevanhu uye hazvikonzerwi nevanhu vavanorarama navo.”
Kuda Kupara Mhosva Kunotangira Mumwoyo
Bhaibheri rinoti mwoyo ndiwo unotanga kuita kuti munhu apare mhosva, kwete mamiriro ake ezvinhu. Pana Jakobho 1:14, 15 panoti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” Munhu paanofunga zvinhu zvakaipa, anokungura kuita zvishuwo zvakaipa. Izvi zvingazogumisira zvaita kuti munhu aite zvinhu zvinokuvadza. Somuenzaniso, kufarira kuona kana kuti kuverenga zvinhu zvinonyadzisira apo neapo kungaita kuti munhu agume ava kuda zvepabonde zvikuru zvichizoguma zvaita kuti aite zvaanenge achifungidzira, zvichida nokutyora mutemo.
Kusimbisa kunoita nyika kuva noudyire, mari, kuda mafaro uye kuzvigutsa pakare pakarepo ndechimwewo chinhu chinofanira kufungwa nezvacho. Nezvenguva yedu, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Mumazuva okupedzisira . . . , vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vanotyisa, vasingadi zvakanaka, [uye] vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1-5) Zvinosuwisa kuti ichishandisa mafirimu, mitambo yevhidhiyo, mabhuku, uye vanhu vanofanira kuratidza mienzaniso yakanaka asi vachikundikana, nyika iri kusimudzira unhu uhwu hunotoita kuti mhosva dziwande.b Zvisinei, somunhu mumwe nomumwe, vanhu havafaniri kukundwa nezvinhu izvi. Kutaura zvazviri, vamwe vakambokundwa nazvo vakachinja zvachose mafungiro avo nemararamiro avo.
Vanhu Vanogona Kuchinja!
Kana munhu ari mupari wemhosva hazvirevi kuti achangogara achipara mhosva. Bhuku rinonzi Inside the Criminal Mind rinoti kungofanana nokusarudza kungave kwakaita munhu upenyu hwokupara mhosva, saka “anogona kusarudza mararamiro matsva odzidza kurarama upenyu hwakanaka.”
Zvakaitika zvinoratidza kuti vanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vanogona kuchinja.c Zvinongoda kuti munhu ade kuchinja unhu hwake, mafungiro ake, uye zvishuvo zvake kuti zvienderane kwete netsika dzevanhu dzinochinja-chinja asi nemitemo isingachinji yoMusiki wedu. Chokwadi, ndiani anotiziva zviri nani kumudarika? Uyezve, Mwari haana kodzero here yokusarudza zvakanakira nezvakaipira vanhu? Kuti vanhu vazive mitemo yake, akafuridzira varume vanenge 40 vaimutya kuti vanyore bhuku rava kuzivikanwa seBhaibheri Dzvene, rinoshamisa ringakodzera kunzi bhuku rinotungamirira vanhu kuti vafare uye vararame zvine chinangwa.—2 Timoti 3:16, 17.
Zvingasave nyore kuti munhu achinje upenyu hwake kuti afadze Mwari nokuti tinofanira kuedza zvose zvatinogona kuti tikurire zvishuvo zvokutadza. Kutaura zvazviri, mumwe munyori weBhaibheri akatsanangura kupesana kunoita zvishuvo zvake achiti ‘ihondo’ chaiyo! (VaRoma 7:21-25) Akakunda hondo yacho nokuti haana kuvimba nesimba rake asi neraMwari, ane Shoko “benyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.
Simba “Rezvokudya” Zvine Utano
Kuti muviri uve noutano hwakanaka, unoda zvokudya zvinovaka. Uyewo, zvokudya zvacho zvinofanira kunyatsotsengwa zvogayiwa, izvo zvinoda nguva nesimba. Saizvozvowo, kuti tive noutano hwakanaka mune zvokunamata, tinofanira “kutsenga” mashoko aMwari kuitira kuti anyatsopinda mupfungwa dzedu nemwoyo. (Mateu 4:4) Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi . . . , uye Mwari worugare achava nemi.”—VaFiripi 4:8, 9.
Cherechedza kuti tinofanira ‘kuramba tichifunga’ mashoko aMwari kana tichida kubvisa unhu hwekare topfeka unhu hutsva. Zvinoda kushivirira nokuti munhu haangokuri mune zvokunamata munguva pfupi pfupi asina zvaanoita.—VaKorose 1:9, 10; 3:8-10.
Chimbofunga nezvomumwe mukadzi akashungurudzwa mune zvepabonde achiri mwana; akatanga kushandisa zvinodhaka, kunwa, uye kusvuta; uye iye zvino ari kupika jeri kwoupenyu hwose pamusana pemhosva dzakawanda dzaakapara. Ari mujeri akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokushandisa chokwadi chaakadzidza. Chii chakaitika? Unhu hwake hwekare hwakatanga kubva zvishoma nezvishoma ndokupfeka unhu hutsva hwakaita sehwaKristu. Iye zvino haasisiri muranda wemafungiro anokuvadza nezviito zvakaipa. Rugwaro rweBhaibheri rwaanonyanya kufarira ndi 2 VaKorinde 3:17, urwo runoti: “Zvino Jehovha Mudzimu; uye pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” Chokwadi, kunyange zvazvo ari mujeri, ava norusununguko rwaasina kumbova narwo.
Mwari Ane Tsitsi
Mukuona kwaJehovha Mwari, hapana munhu asingagoni kuchinja.d Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akati: “Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.” (Ruka 5:32) Chokwadi, zvakaoma kuti munhu achinje orarama maererano nemitemo yeBhaibheri. Asi vanokwanisa kuchinja ndevaya vanoshivirira uye vanoshandisa zvinhu zvinobatsira zvatinopiwa naMwari, kusanganisira kutsigirwa norudo nevamwe vedu vechiKristu vanokoshesa zvokunamata. (Ruka 11:9-13; VaGaratiya 5:22, 23) Iye zvino, Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichishanyira majeri munyika yose kuti zvidzidzise Bhaibheri pachena varume nevakadzi vepachokwadi vakapara mhosva dzakasiyana-siyana.e Mumajeri akawanda, Zvapupu zvinoitawo misangano yechiKristu vhiki nevhiki.—VaHebheru 10:24, 25.
Kunyange zvazvo vamwe vaimboita zvakaipa vakasiya zvavaiita ndokuva vaKristu vechokwadi, Bhaibheri rinotaura zvakajeka nezvo“kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateu 24:12) Sezvatichaona munyaya inotevera, uprofita uhwu chikamu chikuru chouprofita hukuru hune mashoko akanaka kwazvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanonyanya kupara mhosva pamusana pokurwara nepfungwa, kunyanya munyika dzine vanhu vakavhiringidzika mupfungwa vanongosiyiwa vachidzungaira mumigwagwa uye vachikwanisa kuwana zvombo. Zvisinei, dambudziko iri harisi iro rinonyanya kukurukurwa munyaya ino.
b Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvokuparwa kwemhosva, ona Mukai! yaMarch 8, 1998, mapeji 3-9, “Nyika Isina Utsotsi—Rini?” uye Awake! yaAugust 8, 1985, mapeji 3-12, pasi pomusoro unoti, ‘Migwagwa Yedu Ichange Isisina Matsotsi Here?’
c Magazini ino neimwe yayo, Nharireyomurindi, dzave dzichitaura nezvevanhu vakabayiwa mwoyo nechokwadi cheBhaibheri zvokuti vakasiya mararamiro okupara mhosva. Ona Awake! yaJuly 2006, mapeji 11-13, uye yaOctober 8, 2005, mapeji 20-1, uyewo Nharireyomurindi yaJanuary 1, 2000, mapeji 4-5; October 15, 1998, mapeji 27-9; uye yaFebruary 15, 1997, mapeji 21-4.
d Ona nyaya inoti “Zvinotaura Bhaibheri: Kuva Musoro Mumhuri Kunomborevei Chaizvo?” iri papeji 18.
e Ona bhokisi rinoti “Kubatsira Vasungwa Mune Zvokunamata,” riri papeji 17.
[Mashoko Okukwezva Vaverengi ari papeji 13]
Mamiriyoni ari kutsungirira urombo haapari mhosva
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]
“KUDZOKERA MUJERI PASATI PAPERA MAKORE MAVIRI”
Munyaya huru iyi, pepanhau rokuLondon, kuEngland rinonzi The Times, rakataura kuti muBritain vanopfuura 70 muzana pane vaya vanenge vatongerwa kugara mujeri nemhaka yokupaza vachipinda muzvivako kana kuti kuba vanosungwazve pamusana pokupara imwe mhosva pasati papera makore maviri. Mhosva dzakawanda dzinoparwa nevanhu vanenge vapindwa muropa nezvinodhaka vanenge vachida mari yokutsigira miitiro yavo ine ngozi uye inovakuvadza.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]
“ZVIKORO ZVOKUDZIDZISA KUPARWA KWEMHOSVA HERE”?
“Majeri zvikoro zvokudzidzisa kuparwa kwemhosva,” akanyora kudaro Purofesa John Braithwaite mubhuku rake rinonzi UCLA Law Review. Mubhuku rake rinonzi Inside the Criminal Mind, Dr. Stanton E. Samenow anoti “vapari vemhosva vakawanda vanodzidza kubva pamhosva dzavakambopara,” asi vanodzidza kuita zvinhu zvinokuvadza zvisingadiwi nenzanga. Anoti, “Mujeri munhu anova nenguva yakawanda nomukana wokudzidza kuti ave nyanzvi pakupara mhosva. . . . Kutaura zvazviri, vamwe vanotozova shasha chaidzo dzokupara mhosva, vachipara mhosva kwazvo asi vachiita nouchenjeri kuti vasabatwa.”
Mune chimwe chitsauko, Samenow anoti: “Jeri harichinji unhu hwomupari wemhosva. Pasinei nokuti munhu wacho ari mujeri kana kuti kwete, anova neshamwari, anodzidza mazano matsva, uye anoudzawo vamwe vake mamwe mazano.” Mumwe wechiduku akanga apara mhosva akati: “Kuiswa mujeri kwakaita kuti ndive mudzidzisi wokuparwa kwemhosva ane unyanzi.”