RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 October pp. 23-26
  • Upenyu Munyika Inenge Yava Paradhiso Zvakare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Munyika Inenge Yava Paradhiso Zvakare
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvichaitwa Kuti Paradhiso Ivepo
  • Zvichange Zvakaita Upenyu Muparadhiso
  • Upenyu Hwaachaita Kuti Huvepo
    Mukai!—2007
  • Tariro Inopiwa Nechitendero chechokwadi
    Mukai!—1999
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Upenyu Huri Nani Hwakapikirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 October pp. 23-26

Upenyu Munyika Inenge Yava Paradhiso Zvakare

JESU akataura nechivimbo nezvekuraramazve, uye akaudza vadzidzi vake kuti izvi zvichaitika zvechokwadi. Akati: ‘Pakusikwazve muchagara nhaka youpenyu husingaperi.’ Jesu airevei paakati “pakusikwazve”?—Mateu 19:25-29.

Maererano nenyaya yakafanana neiyi yakanyorwa nemunyori weBhaibheri Ruka, Jesu akati “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya” vadzidzi vake vaizowana “upenyu husingaperi.” (Ruka 18:28-30) Nei Bhaibheri richiti, kuti “mamiriro ezvinhu epanguva inouya” kwakafanana nekuti “kusikwazve”?

Zviri pachena kuti izvi zvakaitirwa kusimbisa kuti Jehovha Mwari achava nechokwadi kuti zvagara zviri chinangwa chake zvokuti vanhu vararame upenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso zvichaitika. Vanhu vachava vakakwana sezvaiva zvakaita Adhamu naEvha vasati vatadza. Nokudaro “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya” muchava ne“kusikwazve” kwezvaiva zvakaita Paradhiso yaiva mumunda weEdheni.

Zvichaitwa Kuti Paradhiso Ivepo

Paaiva pasi pano, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera hurumende ichashandiswa naMwari kuti pasi rose rive Paradhiso. Akati tinofanira kunyengetera tichiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Mwari akagadza Mwanakomana wake kuti ave Mutongi weUmambo uhwu, huchaita chinangwa chaMwari chokuti pasi rose rive Paradhiso.

Nezvemunhu akagadzwa naMwari kuti ave Mutongi, Bhaibheri rinoti: “Takaberekerwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake. Achanzi . . . Muchinda woRugare. Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi.” (Isaya 9:6, 7) Asi hurumende iyi inenge ichi‘tongwa nemuchinda’ ichaita sei kuti chinangwa chaMwari chiitike?

Bhaibheri rinopindura richiti: “Zvino mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo [hwokutonga kwomuchinda] husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.

Ngatichionai kumira kunenge kwakaita zvinhu kana pasi rose rava paradhiso, “pakusikwazve,” Mwanakomana waMwari paachashandisa simba rake se“Muchinda” muUmambo hwaBaba vake.

Zvichange Zvakaita Upenyu Muparadhiso

Kumutswa kwevakafa

“Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.”—Johani 5:28, 29.

“Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.

Hapasisina kurwara, kuchembera kana kufa

“Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa. Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara.”—Isaya 35:5, 6.

“Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Mafashafasha ezvokudya

“Nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.”—Pisarema 67:6.

“Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; Zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.

Dzimba dzakakodzera uye basa rinofadza munhu wese

“Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.”—Isaya 65:21, 22.

Hapasisina kuparwa kwemhosva, chisimba, kana hondo

“Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:22.

“Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.”—Isaya 2:4.

Hapasisina kutya, runyararo rwava kwese-kwese

“Vachagara vakachengeteka, pasina angavadederesa.”—Ezekieri 34:28.

“Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene; nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:9.

Chokwadi upenyu huchafadza kwazvo kana pasi pose pamira saizvozvo, munhu wese ava kuda Mwari uye achidawo vamwe! (Mateu 22:37-39) Unogona kuva nechivimbo kuti zvipikirwa zvaMwari zvose zvichazadzika. Mwari anoti: “Ndakazvitaura . . ndichazviitawo.”—Isaya 46:11.

Pane zvinhu zvakawanda zvaungada kudzidza nezvaJehovha uye nezvenyika itsva yaakapikira. Semuenzaniso, chii chinoratidza kuti nyika itsva iyi yava pedyo? Umambo hwaMwari huchatsiva sei hurumende dzose dzepasi pano? Zvii zvichaitika zvichakonzera kuti hurumende idzodzo dzitsiviwe? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti uwane mhinduro dzemibvunzo yakadaro. Kuti uwane mamwe mashoko, ona peji 32 yemagazini ino.

Nyika itsva yakarurama yave ichidokwairirwa nevanhu kwenguva yakareba yava kuzosvika. Pavanhu vazhinji vakafa, rufu haasi iwo magumo. Hakusi kuti humwe upenyu huchangovapo chete, asi kutoti ndizvo zvinodiwa naMwari. Chokwadi, kana munhu afa achararamazve! Ndihwo hunonzi “upenyu chaihwo,” “huya huchauya.”—1 Timoti 4:8; 6:19.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Paradhiso, yakaraswa nemhaka yekusateerera kwevanhu vaviri vokutanga, ichavapo zvakare

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe