RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 11/15 pp. 3-4
  • Upenyu Huri Nani Hwakapikirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Huri Nani Hwakapikirwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hupi Hwaungada?
  • Shamwari dzaMwari Dzichagara muParadhiso
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Paradhiso Yapasi
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Unogona Kuva Neramangwana Rinofadza!
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Upenyu Munyika Inenge Yava Paradhiso Zvakare
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 11/15 pp. 3-4

Upenyu Huri Nani Hwakapikirwa

UNGADA kusava nezvinetso izvo zvinoita kuti upenyu huve hwakaoma here? Unoda kurarama munyika umo upenyu huri hunofadza sezvauri muchiono chinoratidzirwa pamabutiro emberi neeshure emagazini ino here? Nyatsotarira mufananidzo iwoyo. Vanhu vane zvokudya zvakawanda. Vachafarikanya chaizvoizvo zvokudya zvinonaka izvozvo. Munhu ari wose ari kufara. Vanhu vamadzinza akasiyana-siyana vane rugare nomumwe nomumwe. Kunyange mhuka dzine rugare! Hapana vari kurwa. Hapana murombo. Hapana ari kurwara. Pane mhoteredzo dzakaisvonaka, miti yakaisvonaka, uye mvura isina kusvibiswa, yakachena. Mamiriro ezvinhu akaisvonaka zvakadini!

Pasi rino richazombova rakadaro here? Hungu, richava paradhiso. (Ruka 23:43) Mwari, uyo akasika pasi, akakuita chinangwa kuti vanhu vafarikanye upenyu huri nani papasi riri paradhiso. Uye unogona kuvapo!

Upenyu Hupi Hwaungada?

Paradhiso yapasi yomunguva yemberi ichava yakasiyana sei nenyika yatinorarama mairi zvino? Pari zvino, vanhu vanopfuura bhiriyoni imwe vanorumwa nenzara zuva riri rose. Asi muParadhiso iyo Mwari akaita chinangwa nokuda kwapasi, munhu ari wose achava nezvokudya zvakawanda. Bhaibheri rinopikira, kuti: “Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese.” (Isaya 25:6) Hakusati kuchizova neperevedzo yezvokudya, nokuti Bhaibheri rinoti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.

Nhasi, vanhu vakawanda vanogara muzvitumba namataundi ane dzimba dzisina kutsarukana, kana kuti vanotamburira kubhadhara rendi yavo. Vamwe havana musha uye vanorara mumugwagwa. Maererano neWorld Health Organization, anenge mamiriyoni 100 evana vemunyika yose haana pokugara. Asi muParadhiso iri kuuya, munhu ari wose achava nomusha waanoti ndowake amene. Shoko raMwari rinoti: “Vachavaka dzimba nokugara imomo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.”—Isaya 65:21.

Vakawanda vanoshanda mabasa avasingadi. Vanowanzoshanda kwenguva yakareba uye zvakaoma asi vanogamuchira mari shomanene. Anenge munhu 1 pavanhu 5 vari vose munyika anorarama nemari iri pasi pe$4 250 pagore. MuParadhiso iri kuuya, zvisinei, vanhu vachafarikanya basa ravo uye vachaona migumisiro yakanaka kubva mariri. Mwari anopikira, kuti: “Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo.”—Isaya 65:22, 23.

Pari zvino chirwere nehosha zviri kwose kwose. Vakawanda mapofu. Vamwe imatsi. Vamwe havagoni kufamba. Asi muParadhiso, vanhu vachava vasununguka pachirwere nehosha. Jehovha anoti: “Hakuna ugere imomo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Nokuda kwaavo vakatoremara, chipikirwa chinofadza ndeichi: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka se[mukono we]nondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”—Isaya 35:5, 6.

Pari zvino, kune kutambura uye kurwadziwa, kusuruvara uye rufu. Asi muParadhiso pasi pano, zvinhu zvose izvozvi hazvisati zvichizovapo. Hungu, kunyange rufu haruzovipo! Bhaibheri rinoti: “Mwari umene uchava navo . . . Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Nenzira yakajeka, ipapoka, Paradhiso yapasi yakapikirwa naJehovha ichareva upenyu huri nani nokuda kworudzi rwomunhu. Asi tinogona sei kuva nechokwadi chokuti ichauya? Ichauya rini, uye sei? Unofanira kuitei kuti ugovamo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe