Zvinotaura Bhaibheri
Matambudziko Ako Ndeekurangwa naMwari Here?
“Ndinofunga kuti ndiri kurangwa,” anodaro mumwe mukadzi ane makore okuma50 paakaziva kuti aiva nekenza. Achifunga zvakaipa zvaakanga amboita makore akanga apfuura, anogumisa kuti, “Iyi inofanira kunge iri nzira yaMwari yokundiudza kuti ndakaita chivi.”
PAVANOSANGANA nedambudziko, vanhu vakawanda vanofunga kuti ndiMwari anenge achivaranga pamusana pezvakaipa zvavanenge vakamboita. Vamomoterwa nematambudziko akawanda anongoerekana auya, ungavanzwa vachigunun’una vachiti: “Asi ndini ndega here? Ndakapareiko?” Tinofanira kubva tagumisa kuti matambudziko edu chiratidzo chokuti Mwari ari kutitonga here? Matambudziko atinosangana nawo anombova chirango chinobva kuna Mwari here?
Vanamati Vakatendeka Vakatambura
Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri nezvomurume anonzi Jobho. Asina kumbonyeverwa, pfuma yake yakangoerekana yati nhoo kutsakatika. Zvadaro, vana vake gumi vakaurayiwa nechamupupuri. Nenguva isipi pashure paizvozvo, akarwara nedenda rairwadza, raisemesa. (Jobho 1:13-19; 2:7, 8) Matambudziko iwayo akaita kuti Jobho acheme achiti: “Shamhu yaMwari yandirova.” (Jobho 19:21, Bhaibheri Rinoera) Zviri pachena kuti kufanana nevakawanda nhasi, Jobho akafunga kuti airangwa naMwari.
Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti Jobho asati aedzwa, Mwari pachake akanga arondedzera Jobho achiti aiva “murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Tichifunga nezvemashoko aya airatidza kuti aidiwa naMwari, zviri pachena kuti matambudziko aJobho akanga asiri chirango chaibva kuna Mwari.
Kutaura zvazviri, Bhaibheri rizere nenhoroondo dzevanhu vakarurama vakambotambura. Kunyange zvazvo aiva mushumiri waMwari akavimbika, Josefa akatsungirira kugara mujeri
maaisafanira kugara. (Genesisi 39:10-20; 40:15) MuKristu akatendeka Timoti akatambura ‘nokurwara-rwara kwaaigara achiita.’ (1 Timoti 5:23) Kunyange Jesu Kristu, uyo asina kumbotadza, akaitirwa utsinye asati atambura rufu rwairwadza. (1 Petro 2:21-24) Saka zvinenge zvisiri izvo kana tikati dambudziko redu chiratidzo chokuti hatifarirwi naMwari. Kana Mwari asiri iye anokonzera matambudziko, ndiani anoakonzera kana aripo?
Zvinokonzera Matambudziko Edu
Bhaibheri rinoratidza kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye akakonzera matambudziko aJobho. (Jobho 1:7-12; 2:3-8) Uyezve, rinoratidza kuti Satani ndiye honzeri huru yematambudziko atiinawo mazuva ano parinoti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:12) Zvaari “mutongi wenyika ino,” Satani anofurira vanhu vakawanda kuti vaite mabasa akaipa aonesa vanhu chakati tende.—Johani 12:31; Pisarema 37:12, 14.a
Zvisinei, hatifaniri kungokurumidza kupomera Dhiyabhorosi pamatambudziko ose ose atinosangana nawo. Nokuti tine chivi chatakagara nhaka uye hatina kukwana, tinosarudza zvinhu nokusachenjera izvo zvinozokonzera matambudziko edu. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Somuenzaniso, chimbofungidzira munhu anosarudza kusadya zvakanaka kunyange kusazorora zvakanaka. Izvi zvikaita kuti azova nezvinetso zvoutano zvakakomba, anofanira kupomera Dhiyabhorosi here? Kwete, munhu wacho anenge ava kungowana migumisiro inorwadza yokusashandisa uchenjeri zvakanaka. (VaGaratiya 6:7) Muchiitiko chakadai, zvinotaurwa nechirevo cheBhaibheri ndizvo zvinenge zvava kuitika zvinoti: ‘Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake.’—Zvirevo 19:3, Bhaibheri Rinoera.
Chokupedzisira, tinofanira kuziva kuti zvinhu zvakawanda zvisingafadzi zvinotiwira zvinongokonzerwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Chimbofunga nezvomunhu anongoerekana ava kunayiwa nemvura. Kuti ichamuchakwatisa here kana kuti ichamutotesa zvishoma zvinoenderana nokuti ari papi mvura painotanga kunaya. Saizvozvowo, ‘munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ mamiriro ezvinhu asina kunaka angangokurumidza kuita kuti timomoterwe nematambudziko. (2 Timoti 3:1-5) Kuti matambudziko acho achange akakura zvakadini zvinowanzoenderana nenguva yazvaitika uye nemamiriro ezvinhu atinogona kudzora zvishoma kana kuti atisingakwanisi zvachose. Saka izvi zvinoreva here kuti tichangoramba tichitambura?
Matambudziko Ose Ava Kuzopera
Zvinofadza ndezvokuti Jehovha Mwari achapedza matambudziko ose nokukurumidza. (Isaya 25:8; Zvakazarurwa 1:3; 21:3, 4) Panguva ino, anoratidza kuti ane hanya nesu chaizvo nokuti ari kutipa ‘mirayiridzo’ uye “kunyaradza kunobva muMagwaro” kuitira kuti pari zvino tikwanise kutsungirira sezvatiri kutarisira remangwana rakanaka riri pamberi apa. (VaRoma 15:4; 1 Petro 5:7) Panguva iyoyo, vaya vakarurama mukuona kwaMwari vachararama nokusingaperi munyika itsva, vasingambotamburi.—Pisarema 37:29, 37.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti, “The Bible’s Viewpoint: Who Is Satan? Is He Real?” muAwake! yaFebruary 2007.
WAKAMBOZVIBVUNZA HERE IZVI?
◼ Vakaipa ndivo chete vanosangana nematambudziko here?—Jobho 1:8.
◼ Tinofanira kungopomera Dhiyabhorosi pamatambudziko ose atinosangana nawo here?—VaGaratiya 6:7.
◼ Matambudziko achangoramba aripo here?—Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”—Muparidzi 9:11