Vaverengi Vanobvunza Kuti
Matambudziko Oupenyu Kurangwa naMwari Here?
Zvimwe zvinhu zvinorwadza zvakamboitika muupenyu hwako zvakamboita here kuti ubvunze kana ari Mwari akaita kuti utambure? Kungoerekana warwara, tsaona inosiya munhu ava chirema, kana kungoerekana mumwe munhu womumhuri afa zvingaita kuti tifunge kuti Mwari ndiye ari kutiranga.
Asi ziva kuti zvinotonyaradza ndezvokuti Mwari anoda kuti vanhu vafare uye vasatambura. Izvi zvinooneka pakusika kwakaita Mwari vanhu vokutanga, akavaisa “mumunda weEdheni,” bindu rakanga rakaita separadhiso, maizorarama vanhu vasingatamburi.—Genesisi 2:15.
Zvinosuwisa ndezvokuti, vanhu vokutanga vakasarudza kuramba upenyu uhwu hwakanga hwakanaka ndokurega kuteerera Mwari nemaune. Izvi zvakaguma nokutambura kwete kwavo chete asiwo kwevana vavo vose kusanganisira isu. Nei? Zvakaitika zvingafananidzwa nezvinoguma zvaitika kana baba vemba vakatyora chibvumirano chokubhadhara rendi, mhuri yacho yose inodzingwa pamba pacho uye inoomerwa noupenyu. Saizvozvowo, vanhu vose vari kutambura pamusana pokupanduka kwakaita vanhu vokutanga. (VaRoma 5:12) Makore akatevera gare gare, mumwe murume akanga akarurama Jobho akachema achiti dai kurwadziwa kwake nokutambura ‘zvaizoiswa pachikero,’ zvaizo“rema kupfuura jecha romumakungwa.”—Jobho 6:2, 3.
Chimwe chinhu chinoita kuti titambure ndechokuti tinotadza kufanoona zviri mberi. Somuenzaniso, chimbofungidzira kuti imwe kambani yokuvaka dzimba yakavaka ndokudzitengesa munzvimbo inozivikanwa kuti inogara ichiitika moto. Usingazivi zvose izvi, wakatenga imwe yedzimba dzacho uye unogara ipapo. Ungave usiri kuzvipinza mungozi here iwe nemhuri yako? Chero matambudziko api neapi angaitika haanganzi kuranga kuri kubva kuna Mwari, tingadaro here? Bhaibheri rinotaura mashoko aya echokwadi anoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.
Zvisinei, zvinonyaradza kuziva kuti kunyange zvazvo tose tichitambura, chinangwa chaMwari ndechokuti asunungure vanhu vose pakutambura munguva pfupi ichatevera. Nguva iyoyo paichasvika, hauzombotamburi, hauzombooni, kunyange kunzwa nezvokutambura. Misodzi yokusuwa, kurwadziwa, rufu, uye kuchema zvichange “zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Vimbiso inonyaradza ndeyokuti vanhu havazombovaki dzimba uye kurima zvirimwa kuti zviparadzwe nehondo kana kuti nenjodzi. Asi “vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isaya 65:21-25.
Kunyange zvazvo uri kumirira Mwari kuti azobvisa kutambura zvachose, ungaitei pari zvino kuti usanyanya kutambura? Chokutanga uye chinokosha ndechokuita izvi zvinokurudzirwa neBhaibheri: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.” (Zvirevo 3:5) Tarira kwaari kuti akutungamirire uye akunyaradze. Nyatsoteerera uchenjeri hwaMwari huri muBhaibheri. Huchakubatsira kuti ukwanise kusarudza nouchenjeri uye kukudzivirira pamatambudziko aya aunogona kudzivisa.—Zvirevo 22:3.