RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 April pp. 3-4
  • Uri Muranda Wemari Here Kana Kuti Uri Tenzi Wayo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Muranda Wemari Here Kana Kuti Uri Tenzi Wayo?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rimwe Divi Renyaya Yacho
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushandisa Mari Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Shandisa Mari Yako Nokuchenjera
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 April pp. 3-4

Uri Muranda Wemari Here Kana Kuti Uri Tenzi Wayo?

URI kurwariswa nemari here? Zvinonzi vanhu vakawanda munyika yose vari kurwariswa nayo. Zvinomborevei izvozvo?

Mumwe anoongorora utano hwepfungwa kuUnited Kingdom anonzi Dr. Roger Henderson, munguva ichangopfuura iyi akadana izvi achiti, “chirwere chemari,” kureva zviratidzo zvinoitika pamuviri uye mupfungwa zvinoratidza kuti vanhu vari kuzvidya mwoyo pamusana pemari. Zviratidzo zvacho zvinosanganisira kusafema zvakanaka, kutemwa nomusoro, kurutsa, kuita mapundu, kusafarira kudya, kungogumbuka-gumbuka, kutya, uye kufunga zvisingavaki. Henderson anoti, “Kuzvidya mwoyo pamusana pemari ndiyo honzeri huru yokushushikana kwevanhu.”

Hazvifaniri kushamisa kuziva kuti mumwedzi ichangopfuura vanhu vakawanda vave vachirwariswa nemari. Zvinetso zvemari munyika dzakawanda zvave zvichikonzera kuti vanhu vakawanda pasi rose varasikirwe nemabasa, dzimba, uye mari yavaive vakazvichengetera. Masangano makuru anoita nezvemari akaparara, uye kunyange nyika dzakapfuma dzakatora matanho echimbi-chimbi kuitira kudzivirira matambudziko ezvoupfumi. Munyika dzichiri kusimukira, vanhu vari kushungurudzwa nokukwira kwemitengo yezvokudya nezvimwe zvinhu zvinoshandiswa mazuva ose.

Matambudziko anokonzerwa nemari anoitikawo munguva dzapanenge paine zvinhu zvakawanda zvokushandisa. Mumakore achangopfuura zvoupfumi pazvaibudirira, vanhu vakawanda vaishungurudzika pamusoro pemari. Somuenzaniso, rimwe pepanhau rokuSouth Africa rinonzi, The Witness rakati, “kupambadza mari, kunyanya kuda purofiti, uye kudisa zvinhu” kwaipararira muAfrica sechirwere. Pepanhau racho rakanyora zviratidzo “zvechirwere ichi,” rakati zvinosanganisira “kushushikana, zvikwereti, kupambadza, kushanda zvakanyanya, kunzwa sokuti hausi kupiwa zvakakwana, shanje uye kuora mwoyo.” Kudzikira kuri kuramba kuchiitika kwoupenyu hwevanhu muAfrica kwakanzi kuri kukonzerwa nemari.

Matambudziko emari asati atanga, India yakambobudirira kwazvo mune zvoupfumi. India Today International inoti munyika yacho muna 2007 “vanhu vaishandisa mari pamwero mukuru zvaitonyatsooneka.” Asi panguva iyoyo, hurumende yeko yaityira kuti kubudirira kweIndia kwaizoguma kwawedzera kusagadzikana kunyange chisimba.

Panguva iyoyo, chizvarwa chitsva chevaduku vapfuura zera rokuyaruka muUnited States vaiva netsika yokupambadza mari vachitenga zvinhu zvoumbozha. Zvisinei, mashandisiro avaiita mari akanga asingaiti kuti vafare. Vatsvakurudzi vakati kuva nemari yakawanda zvakadai ndiko kwainyanya kukonzera udhakwa, kuora mwoyo, uye kuzviuraya kwevanhu ikoko. Imwe ongororo yakaratidza kuti pasinei nemari yakawanda nepfuma, “vanhu vasingasviki chikamu chimwe chete muzvitatu kuAmerica” ndivo vakati “vari kunyatsofara.”

Rimwe Divi Renyaya Yacho

Ukuwo, munguva dzakanaka nedzisina kunaka, vanhu vakawanda vapfumi nevarombo havanyanyi havo kuzvidya mwoyo pamusana pemari nezvinhu. Nei paine kusiyana kwakadai?

Mune mumwe mushumo waiva nomusoro waiti The Meaning of Money, vatsvakurudzi vakaona kuti vamwe vanhu “vanokurudzirwa nemari uye vanodzorwa nemari muupenyu hwavo. Izvi zvingakonzera kushushikana uye zvirwere zvepfungwa.” Kusiyana neizvi, vakatizve: “Zvinoita sokuti vaya vanoronga zvakanaka mari yavo vanobudirira pane zvavanenge vachiita uye vane manzwiro akanaka. Ndivo vanatenzi vemari uye havasi varanda vemari . . . Tingatiwo vaya vanogona kuronga zvakanaka mashandisiro avanoita mari yavo havanyanyi kushungurudzika, uye kuzvidya mwoyo.”

Unoona sei mari? Unonzwa sei nezvokusagadzikana kweupfumi hwenyika? Uri tenzi wayo here kana kuti uri muranda? Zvichida hauna zvinoratidza kuti uri kurwariswa nemari. Kunyange zvakadaro, pasinei nokuti wakapfuma here kana kuti uri murombo, tose tinombovhiringidzwa nematambudziko anokonzerwa nemari. Chimboona kuti zvaunoita nemari yako zvingakubatsira sei kuti uve nepfungwa dzakagadzikana uye mufaro muupenyu.

Mari inogona kuva tenzi wako kana . . .

  • Usingakurukuri nezvemari pamusana pokuzvidya mwoyo kwainokonzera

  • Ichiwanzokonzera kukavadzana mumhuri

  • Uchingoipambadza

  • Uchigara uchinetseka nezvezvikwereti

  • Usina chokwadi kuti unotambira marii

  • Usina chokwadi chokuti unoshandisa marii

  • Usina chokwadi kuti une chikwereti chakakura zvakadini

  • Zvikwereti zvako zvakakurisa kudarika zvawaitarisira

  • Uchiwanzononoka kubhadhara zvikwereti zvako

  • Uchingokwanisa kubhadhara mari shoma pamakadhi ako ezvikwereti

  • Uchibhadhara zvikwereti zvako nemari yawanga wakachengetera zvimwe zvinhu

  • Uchiita rimwe basa kuti ungobhadhara zvikwereti zvako

  • Wakatora zvimwe zvikwereti kuti ubhadhare zvikwereti zvekare

  • Uchishandisa mari yaunenge wabhenga kuti ubhadhare zvikwereti zvinongogara zviripo

  • Uchizviwana usingagoni kupedza mwedzi uchine mari

  • Uchiwana zvakaoma kuunganidza mari yakawanda

  • Muviri wako uine zvinoratidza kuti uri kuzvidya mwoyo pamusana pemari

Zvakabva mubhuku rinonzi: Money Sickness Syndrome, rakanyorwa naDr. Roger Henderson

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe