Kuramba Ndakabata Zvakasimba Ruoko Rworudyi rwaMwari
◼ Jezreel wokuMexico akaberekwa aine chirwere cheganda chinonzi congenital lamellar ichthyosis chisingawanzobati vanhu. Chaiita kuti ganda rounenge muviri wake wose riomarare richikwatuka-kwatuka. Jezreel anotsanangura kuti, “Izvi zvinoita kuti ndisembure vamwe, asi hosha yacho haitapukiri.”
Kubvira Jezreel paaiva mucheche, akarapwa muzvipatara zvakasiyana-siyana. Ava nemakore maviri, akaiswa muwadhi iri kwayo yoga isina utachiona kuti adzivirirwe. Asi hapana chakaita kuti ganda rake rive nani. Akabatsirwa nachiremba wepfungwa kuti akwanise kurarama nokusagamuchirwa kwaaiitwa nevamwe.
Vanhu vanofunga kuti chirwere chaJezreel chingatapukira vanowanzotambira kure naye. Izvi zvakanga zvakanyanya kumuomera paaiva mwana achida kutamba nevamwe vana. Anoyeuka kuti, “Vaindiseka uye vaindipa mazita aisvota akadai sokuti Chitunha Chakaomeswa uye Chimunhu Chinobva Kunyika Yomuchadenga.”
Asiwo, kuva nechirwere ichi chinoonekwa nevamwe kwakapa Jezreel mikana yokutaura nevamwe nezvetariro yake inobva muBhaibheri. Vanhu vanowanzoenda kwaari vachimubvunza kana akatsva. Paanoti haana kutsva, vanobvunza nei achiita seakatsva. Anotsanangura chirwere chake cheganda ovaudza kuti iye zvino hapana mushonga wokuchirapa unozivikanwa.
Anobva awedzera kuti, “Ndine tariro yakanaka chaizvo munyika, nokuti Jehovha Mwari anopikira kuti vaya vanoteerera mitemo yake vachagara munyika itsva isina zvirwere kana kurwadziwa.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kutaura nezvechirwere chake seizvi kwakaita kuti Jezreel atange kudzidzisa vamwe vanhu Bhaibheri, uye anofara chaizvo kuti vakawanda vavo vava Zvapupu zvaJehovha.
Jezreel anoti, “Ndinoonga chaizvo kuti ndakaberekerwa mumhuri yevaKristu, uye kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndine shamwari dzepedyo. Hapana imwe yadzo inondiramba pamusana pezvandakaita. Ndakabhabhatidzwa ndine makore 17, uye mumakore 14 akatevera, ndakava neropafadzo dzakawanda dzokushumira Musiki wangu.”
Jezreel anoyeuka mashoko aJehovha anokurudzira ari pana Isaya 41:10, 13, anoti: “Usatya, nokuti ndinewe. . . . Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama. Nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”
Kuramba akabata ruoko rworudyi rwaJehovha kwakabatsira Jezreel kuti asanyanya kunetseka nezvingafungwa nevamwe uye kuti atsungirire matambudziko anounzwa nechirwere chake. Pamwe nevamwe vane mamiriyoni, Jezreel anomirira kuzadzika kwechipikirwa chaMwari chakanaka chaizvo.