RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 January p. 8
  • Chinokosha 6: Kukanganwirana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinokosha 6: Kukanganwirana
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Kuti Ukanganwire Mumwe Wako
    Mukai!—2013
  • 4 Kuregererana
    Mukai!—2018
  • Kushamwaridzana Kwacho Kwanyanya Here?
    Mukai!—2013
  • Kuyanana Kunoita Here?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 January p. 8

Chinokosha 6: Kukanganwirana

“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.”—VaKorose 3:13.

Zvakunoreva. Vakaroorana vanobudirira vanodzidza pane zvakaitika kare, asi havadzokeri kuzvigumbu zvekare vachizvishandisa pane chese chese chaitika, vachiti “Unogara wakanonoka” kana kuti “Haumboteereri.” Murume nemudzimai vanobvuma kuti ‘zvakanaka kuti varegerere kudarika.’—Zvirevo 19:11.

Nei kuchikosha. Mwari “akagadzirira kukanganwira,” asi vanhu havawanzodaro. (Pisarema 86:5) Kana zvavakakanganisirana kare zvikasagadziriswa, zvingaita kuti zvigumbu zviwedzere kusvikira kukanganwirana kwava kuita sokuti hakuchaiti. Vangaramba kutaura manzwiro avanoita, vachiramba vasina hanya nemanzwiro emumwe. Vose vanonzwa vari muukama husina rudo hwavasingakwanisi kubuda mahuri.

Edza kuita izvi. Tarira mifananidzo yekare uine mumwe wako yamakatorwa muchangoroorana kana kuti pamaipfimbana. Edza kumutsazve rudo rwawaiva narwo matambudziko asati amuka ayo akachinja maonero awaiita mumwe wako. Chifunga nezveunhu hwawakada pawakatanga kuonana naye.

◼ Unhu hupi hwaunonyanya kuyemura pamumwe wako iye zvino?

◼ Funga zvimwe zvakanaka zvingaguma zvaitika pavana vako pamusana pokuwedzera kwako kuva munhu anoregerera.

Sarudza zvokuita, wozviita. Funga chinhu chimwe chete kana zviviri zvauchaita kuti usabatanidza zvigumbu zvekare nokusawirirana kwaungaita nemumwe wako iye zvino.

Wadii kurumbidza mumwe wako pamusana peunhu hwake hwaunoyemura?—Zvirevo 31:28, 29.

Funga zvimwe zvauchaita zvinoratidza kuti unokanganwira vana vako.

Wadii kukurukura nevana vako nyaya yekukanganwira uye kuti kukwanisa kukanganwira kungabatsira sei vose vari mumhuri?

[Mufananidzo uri papeji 8]

Ukakanganwira, zvinoita sokuti chikwereti chabhadharwa. Hauzoedzi kuchibvunzazve

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe