RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 2 p. 7
  • 4 Kuregererana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 4 Kuregererana
  • Mukai!—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI?
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • ZVAUNGAITA
  • Zvaungaita Kuti Ukanganwire Mumwe Wako
    Mukai!—2013
  • Zvaungaita Kuti Usaramba Uine Chigumbu
    Mukai!—2014
  • Chinokosha 6: Kukanganwirana
    Mukai!—2010
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 2 p. 7
Murume nemudzimai vari kudzima moto

Kuregererana kunogona kudzimura chimoto

VAKAROORANA

4 Kuregererana

ZVINOREVEI?

Kuregerera kubvisa chigumbu kana hasha mumwoyo mako kana wakanganisirwa. Kuregerera munhu hakurevi kuti wava kurerutsa nyaya yacho, kana kuti uri kuita sekuti hapana chamboitika.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”​—VaKorose 3:13.

“Kana uchida mumwe munhu, hauzongotarisi zvaanokanganisa asi uchatarisawo zvakanaka zvaanoedza kuita.”​—Aaron.

NEI ZVICHIKOSHA?

Kuchengeta chigumbu kunoita kuti usafara uye kunogona kukanganisa utano hwako newanano yako.

“Murume wangu akambondirwadzisa zvisingaiti. Akakumbira ruregerero asi zvakambondiomera kumuregerera. Ndakazomuregerera hangu, asi ndinozvidemba kuti ndakanonoka. Kunonoka kumuregerera kwakaita kuti timbonetsana.”​—Julia.

ZVAUNGAITA

ZVIONGORORE

Kana mumwe wako akazotaura kana kuita chinhu chinokurwadza, zvibvunze kuti:

  • ‘Handina kugumbuka zvenhando here?’

  • ‘Anyanya kunditadzira zvekuti ndingatoda kuti andikumbire ruregerero here kana kuti ndinogona hangu kungosiyana nazvo?’

KURUKURA NEMUMWE WAKO

  • Tinozoregererana papera nguva yakareba sei?

  • Tingaitei kuti tikurumidze kuregererana?

MAZANO

  • Kana watadzirwa, usafunga kuti mumwe wako azviita nemaune.

  • Edza kuregerera mumwe wako uchiyeuka kuti “tose tinokanganisa kazhinji.”​—Jakobho 3:2.

“Zviri nyore kuregererana kana tese takanganisa, asi hazvisi nyore kana ari munhu mumwe chete akanganisa. Zvinotoda kuzvininipisa kuti uregerere mumwe munhu.”​—Kimberly.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kurumidza kugadzirisa nyaya.”​—Mateu 5:25.

Kuchengeta chigumbu kunoita kuti usafara uye kunogona kukanganisa utano hwako newanano yako

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe