“Kudzidza Bhaibheri Kunobatsira Matsi”
NYAYA yaiva nemusoro uyu yakabudiswa mumagazini yematsi muCzech Republic. Munyori wayo, Zdeněk Straka, akarumbidza Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza mutauro wemasaini kuti zvibatsire matsi.
Chii chakaita kuti VaStraka vanyore nyaya iyi? Muzhizha ra2006, vakapinda Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha muPrague, uye purogiramu yacho yaishandurirwa mumutauro wemasaini kuti ibatsire matsi 70 dzaivapo. Gore negore, Zvapupu zvaJehovha zvinoronga magungano munyika yose kuti zvidzidzise Bhaibheri uye kuti zviwadzane zvichikurudzirana. Matsi dzinenge dziripowo. Mune rimwe gore richangopfuura, pamagungano ose akaitwa, 96 acho akaitwa nemutauro wemasaini chete munyika yose uyewo mamwe 95, akashandurirwa mumutauro wemasaini.
Pakaitwa gungano racho muPrague, ungano yemutauro wemasaini iri muguta racho, yaidzidza Bhaibheri nematsi 30. Vaya vanodzidza Bhaibheri vanobatsirwa nezvavanodzidza sezvinoratidzwa nenyaya inotevera.
Vhiki yoga yoga, Markéta anoenda kunodzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi matsi anobva kuMongolia anogara kure nemakiromita anenge 100. Mutauro Wemasaini weCzech wakasiyana nokure neweMongolia, saka Markéta anotofanira kushandisa pfungwa kuti asainire mudzidzi wacho zvinonzwisisika. Asi zviri kuitwa naMarkéta zviri kubatsira. Paakanga ava nepamuviri pechipiri, mudzidzi waMarkéta akanga afunga zvokupabvisa asi akazochinja pfungwa. Markéta akati, “Pandakamubvunza kuti nei akanga asarudza kusabvisa pamuviri pacho, akasaina kuti, ‘Jehovha haabvumiri kuti munhu abvise pamuviri.’ Ndakafara kuziva kuti akanga anzwisisa kuti Mwari anoona sei upenyu!”a
Munyika yose, matsi dzakawanda dziri kuwana zivo yakarurama pamusoro paMwari nokudzidza Shoko rake. Sezvadzinoswedera pedyo naMwari uye dzowana mufaro mukuru, dziri kubatsirwa muupenyu hwadzo.—Isaya 48:17, 18.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nokuti Bhaibheri rinotii nezvokubvisa pamuviri, ona Mukai! yaJuly 2009, mapeji 3-9.
[Bhokisi riri papeji 10]
WAIZVIZIVA HERE?
● Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa maDVD ematsi mumitauro yemasaini 43. Mavhidhiyo ematsi anowanika paIndaneti pakanzi www.pr2711.com.
● Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga kuti pave nemapoka 59 anoshandurira mumitauro yemasaini kuitira kuti matsi dziwane maDVD akawanda.
● Munyika yose, mune ungano dzinopfuura 1 200 dzemitauro yemasaini dzeZvapupu zvaJehovha.
[Dhiagramu riri papeji 10]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
www.pr2711.com