RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/01 p. 1
  • Tarisira Kuwana Matsi Mundima Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tarisira Kuwana Matsi Mundima Yako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jehovha Akakomborera Basa Remaoko Angu
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • “Kudzidza Bhaibheri Kunobatsira Matsi”
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 6/01 p. 1

Tarisira Kuwana Matsi Mundima Yako

1 Jehovha ari kukoka vanhu achiti: “‘Uya!’ . . . Wose anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvak. 22:17) Nhamba inowedzera yematsi iri pakati pevaya vanobvuma kudana uku. Somugumisiro, mumakore mashomanana apfuura, ungano imwe yomutauro wemasaini uye mapoka maviri omutauro wemasaini zvakavambwa muZimbabwe.

2 Kunyange zvazvo hama dziri muungano nemapoka omutauro wemasaini dzichinyanya kuparidzira matsi uye vanhu vane nzeve dzisinganyatsonzwi zvakanaka vari mundima dzavo, kune vakawanda vakadaro vasati vawanikwa ndokupupurirwa munyika muno.

3 Ungabatsira Sei? Uri munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, wakaona vanhu vachishandisa mutauro wemasaini here? Pane munhu waunoziva kubasa kwako kana kuchikoro ane matsi mumhuri make here? Tarisira kuwana matsi sezvaunoita mabasa ako ezuva nezuva. Asi ungava sei nechokwadi chokuti vachabvuma uchapupu hwoUmambo?

4 Kupa Uchapupu: Taurira ungano kana boka romutauro wemasaini riri pedyo kuti matsi yacho inogarepi. Matsi dzakawanda dzinokurumidza kufambira mberi pakudzidza chokwadi padzinenge dzichikwanisa kusonganirana neZvapupu zviri matsi pamisangano yeungano inoitiswa mumutauro wemasaini wadzinonzwisisa. Munyika muno, ungano yomutauro wemasaini inonzi Oribi iri paJuru Growth Point uye mapoka maviri omutauro wemasaini ari muUngano yeEastlea neyeGreendale. Naizvozvo, vanyori veungano vari munharaunda idzi vanofanira kutumira mashoko pamusoro pematsi dzose kumapoka aya.

5 Zvakadini kana pasina mumwe munhu ari pedyo anogona kubatsira matsi mune zvokunamata munzanga yako? Ungabatsira sei? Wadii kudzokerazve wotaura nedzimwe nhengo dzemhuri dzinonzwa? Kumbira kuratidza vhidhiyo yomutauro wemasaini kuitira kuti matsi yacho ifarire. Vamwe vaparidzi vakatodzidza Mutauro Wemasaini womuZimbabwe kuti vagone kukurukura nematsi zvinobudirira zvikuru. (Mab. 16:9, 10) Bhurocha raAnodei riri kuwanikwa pavhidhiyo muMutauro Wemasaini wokuAmerica newokuBritain, uye bhuku raZivo riri kuwanikwa muMutauro Wemasaini wokuAmerica. Kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri uchishandisa zvishandiso izvi kwakatova nemigumisiro yakanaka.

6 Nokutarisira kuwana matsi dziri munharaunda yako, unogona kudzipa mukana wokutora mvura youpenyu pachena.—Mat. 10:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe