Zvinotaura Bhaibheri
Vakadzi Vanofanira Kudzidzisa Muungano Here?
MUMWE mukadzi anopinda chechi yeRoma akanyora mupepanhau rinonzi USA Today, kuti “Ndakashamisika uye ndakagumbuka nokuti hapana chati chachinja kuvakadzi, panyaya yokuti vagadzwe.” Vanhu vakawanda vanofungawo saizvozvo. Hachisi chokwadi here kuti mune zvimwe zvitendero vakadzi vafundisi, vapristi, mabhishopi, uye ndivanarabhi?
Zvitendero zvacho zvose, zviya zvinorambidza vakadzi kuti vagadzwe sevashumiri (muchiGiriki di·aʹko·nos) uye zviya zvinovabvumira kuparidza vari pamberi muchechi, zvinoti zvinonyatsoita zvinotaurwa neMagwaro. Asi, Bhaibheri haritsigiri pfungwa dzacho dziri mbiri. Sei? Kuti tipindure mubvunzo wacho, tinofanira kutanga takurukura kushandiswa kunoitwa shoko rokuti di·aʹko·nos muBhaibheri.
Muzana Remakore Rokutanga
Shoko rokuti di·aʹko·nos rinorevei kwauri? Vakawanda vangakurumidza kufunga nezvemutungamiriri wechechi, munhurume kana munhukadzi, anotungamirira pakunamata muungano. Asi Bhaibheri haringoshandisi shoko racho pane izvozvo chete. Funga nezvemukadzi wechiKristu ainzi Febhi, akataurwa nezvake nemuapostora Pauro kuti “hanzvadzi yedu kwamuri, mushumiri [di·aʹko·nos] weungano iri muKenkreya.”—VaRoma 16:1.
Ungafungidzira here Febhi achimira pamberi peungano yaiva muKenkreya, achitungamirira pakunamata? Ushumiri hupi hwaiitwa naFebhi? Mutsamba yake yaakanyorera vaKristu vokuFiripi, Pauro akanyora kuti vamwe vakadzi “vakashanda pamwe neni . . . pakuparadzira mashoko akanaka.”—Tisu tatsveyamisa mabhii; VaFiripi 4:2, 3, Contemporary English Version.
VaKristu vemuzana remakore rokutanga vainyanya kuparadzira mashoko akanaka “pachena uye paimba neimba.” (Mabasa 20:20) Vaya vaiita basa iroro vaiva vashumiri. Vaisanganisira vakadzi vakaita saPrisira. Iye nemurume wake, ‘vakatsanangura nzira yaMwari zvakanyatsorurama’ kune mumwe murume aitya Mwari akanga asati abhabhatidzwa semuKristu. (Mabasa 18:25, 26) SaFebhi, zviri pachena kuti Prisira aiva mushumiri aiva neunyanzvi, sezvakanga zvakaita vamwe vakadzi vakawanda.
Basa Rinokudzwa
Ushumiri hwaiitwa pachena raiva basa renhando here, basa rakanga risingakoshi raipiwa vakadzi, varume pavaiita basa rinokosha rokutungamirira ungano? Kana! Nemhaka yezvikonzero zviviri. Kutanga, Bhaibheri rinobudisa pachena kuti vaKristu vose—kusanganisira varume vaiva nemamwe mabasa makuru muungano, vaifanira kuparidza. (Ruka 9:1, 2) Chechipiri, ushumiri hwepachena hwaiva uye huchiri nzira huru iyo vaKristu vose, varume nevakadzi vanozadzisa nayo murayiro waJesu wokuti ‘itai kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivadzidzisa.’—Mateu 28:19, 20.
Pane rimwe basa rinokosha iro vamwe vakadzi vanaro muungano. Pauro akanyora kuti: “Vakadzi vakura . . . ngavave vadzidzisi vezvakanaka; kuti vayeuchidze vakadzi vaduku kuti vade varume vavo, kuti vade vana vavo.” (Tito 2:3, 4) Saka, vakadzi vakura vane ruzivo pakurarama kwechiKristu vane ropafadzo yokubatsira vakadzi vechidiki uye vasina ruzivo rwakawanda kuti vakurewo. Iroro ibasawo rinokudzwa uye rakakura.
Kudzidzisa Muungano
Zvisinei, muBhaibheri hapana panoudzwa vakadzi kuti vamire pamberi peungano kuti vadzidzise. Asi, muapostora Pauro akavarayira kuti “varambe vakanyarara pamisangano.” (Today’s English Version) Nei? Chikonzero chimwe chete chaakanyora ndechokuti zvinhu zviitwe “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaKorinde 14:34, 40) Kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano, Mwari akapa boka rimwe chete basa rokudzidzisa. Kunyange zvakadaro, ona kuti munhu haangopiwi ropafadzo yokutarisira ungano nokuti munhurume chete; ropafadzo yacho inongopiwa chete varume vanonyatsokwanisa.a—1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9.
Basa rakapiwa vakadzi naMwari rinovadzikisira pasi here? Kwete. Yeuka kuti, Jehovha Mwari anovagadza kuti vaite basa rinokosha chaizvo, riya rokupupura nezvake kuvanhu vose. (Pisarema 68:11) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha, varume nevakadzi avo vanoshumira pachena, vakabatsira vanhu vakawanda chaizvo kuti vapfidze uye kuti vaponeswe. (Mabasa 2:21; 2 Petro 3:9) Iroro harisi basa rokutamba naro!
Urongwa hwokuti pave nevarume nevakadzi hunoita kuti pave norugare asiwo huchiratidza kukudza vose. Tingazvienzanisira seizvi: Maziso nenzeve zvinoshanda pamwe chete kuti zvibatsire munhu ari kufamba netsoka kuti ayambuke mugwagwa une motokari dzakawanda. Saizvozvowo, varume nevakadzi pavanoita zvinodiwa naMwari maererano nemabasa avakapiwa, Mwari anokomborera ungano norugare.—1 VaKorinde 14:33; VaFiripi 4:9.b
[Mashoko Omuzasi]
a Onawo kuti masimba akapiwa murume muungano ane paanogumira. Iye anozviisa pasi paKristu uye anofanira kuita maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. (1 VaKorinde 11:3) Vaya vane basa ravanoita muungano vanofanira ‘kuzviisa pasi pomumwe nomumwe,’ vachiratidza kuti vanozvininipisa uye kuti vanoshandira pamwe nevamwe.—VaEfeso 5:21.
b Vakadzi vechiKristu pavanoremekedza basa rakapiwa varume naMwari muungano, vanoratidzawo muenzaniso wakanaka kungirozi dziri kudenga.—1 VaKorinde 11:10.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
● Vakadzi vaiva muungano yechiKristu yepakutanga vaidzidzisa sei? —Mabasa 18:26.
● Ndivanaani vakagadzwa kuti vatarisire ungano?—1 Timoti 3:1, 2.
● Mazuva ano, Mwari anoona sei ushumiri hwevakadzi vechiKristu?—Pisarema 68:11.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
“Jehovha pachake anoti; Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.”—PISAREMA 68:11