RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October pp. 26-29
  • Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyaya Iri Pane Zvaitika Zvacho Here Kana Kuti Zvazvikonzera?
  • Dzidza Kugadzirisa Kana Kuti Kudzivisa Kusawirirana
  • Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisagare Ndichingotevedzera Mukoma Wangu?
    Mukai!—2003
  • Nei Ndichifanira Kuita Kuti Tiwirirane Nevana Vemumba Medu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Neiko Ndichifanira Kuva Gotwe?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 October pp. 26-29

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?

Ungati une ukama hwakaita sei nevamwe vana vomumba menyu?

․․․․․Tiri bhandi nebhurugwa

․․․․․ Tinowirirana zvedu kakawanda kacho

․․․․․ Ndezvokungoti hapana chokuita

․․․․․ Tinogara tichipopotedzana

VAMWE vana vanowirirana zvokuti huya uone. Somuenzaniso Felicia, ane makore 19 anoti, “Munun’una wangu Irena, ane makore 16, ndemumwe weshamwari dzangu dzepamwoyo.”a Carly ane makore 17, anoti nezvehanzvadzi yake Eric ine makore 20: “Tinowirirana zvisina mukare akamboona. Hatimbopopotedzani.”

Asi kune vamwewo vakawanda vanoita zvinoitwa naLauren naMarla. Lauren anoti, “Tinopopotedzana pakanhu kese kese. Hazvina basa kuti kanyaya kacho ndekenhando.” Zvimwe ungabvumirana nezvinotaurwa naAlice ane makore 12 pane zvinoitwa nehanzvadzi yake Dennis ane makore 14. Alice anoti, “Anondisvota zvokuti! Anongopinda mumba mangu achitora zvinhu asina kukumbira uye asingazvidzosi. Dennis chana chaicho!”

Mumba menyu pane mumwe mwana anokusvota here? Ichokwadi kuti vabereki vako ndivo vane basa rokuti mumba muve norunyararo. Asi nokufamba kwenguva, unofanira kudzidza kuwirirana nevamwe. Unogona kudzidza izvi uchiri pamba.

Chimbofunga nezvokupopotedzana kwawakamboita nemukoma wako kana kuti hanzvadzi yako. Munowanzopopotedzana nezvechii? Pane zviri pasi apa isa ✔mumabhokisi anoenderana nezvaunoita, kana kuti nyora chinoita kuti uvire nehasha.

□ Zvinhu zvako. Anongotora zvinhu zvangu asina kukumbira.

□ Kusiyana kweunhu. Ane udyire kana kuti anoita zvinhu asina kufunga kana kuti anoedza kundiudza zvokuita noupenyu hwangu.

□ Kusandiremekedza pazvinhu zvangu. Anongopinda mumba mangu asina kana kumbogogodza kana kuti anoverenga tsamba dzangu pakombiyuta nepaserura asina kundikumbira.

□ Zvimwe. ․․․․․

Zvinogona kuoma kuti usagumbuka kana mumwe mwana womumba menyu achiramba achingoita zvinhu zvinogumbura, achingokuudza zvokuita uye achida kungoziva zvose zvose zvaunoita. Asi chirevo chiri muBhaibheri chinoti: “Kudzvinya mhino ndiko kunobudisa ropa, uye kudzvinya kutsamwa ndiko kunobudisa kupopota.” (Zvirevo 30:33) Kana ukadzvinya mhino inobuda mututu, saka ndizvo zvinoitikawo kana ukaramba wakachengeta chigumbu. Dambudziko racho rinobva ratowedzera. (Zvirevo 26:21) Kana paine zviri kukusvota, ungaitei kuti musasvike pakupopotedzana? Danho rokutanga, kuziva pane nyaya chaipo.

Nyaya Iri Pane Zvaitika Zvacho Here Kana Kuti Zvazvikonzera?

Kunetsana kwevana vomumhuri imwe chete kwakafanana nemburwa. Munhu anooneka kuti ane mburwa nechipundu chisingafadzi kuona chinenge chabuda paganda, asi chinenge chakonzera mburwa yacho utachiona hunenge huri mukati. Saizvozvowo, kusawirirana pakati pevana chiratidzo chokuti pane chiri kukonzera kuti zviitike.

Ungaedza kubvisa mburwa nokuisvina. Asi unenge usina zvauri kuita, ungatosiya vanga kana kuti kutowedzera utachiona hwacho. Zviri nani ndezvokurapa utachiona hwacho uye woita kuti husapararire. Izvi zvakangofanana nematambudziko evana vomumhuri imwe chete. Dzidza kuona pane nyaya chaipo, worega kungotarisa zvinenge zvaitika asi pamudzi wedambudziko racho. Uchakwanisawo kushandisa zano raMambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.”—Zvirevo 19:11.

Somuenzaniso, Alice ambotaurwa nezvake, anoti nezvaDennis, hanzvadzi yake, “Anongopinda mumba mangu achitora zvinhu asina kukumbira uye asingazvidzosi.” Izvozvo ndizvo zvinoitika. Asi unofunga kuti nyaya iri pakuti kudii? Ingangova ine chokuita nokuremekedzana.b

Alice anogona kugadzirisa nyaya yacho nokuudza Dennis kuti asazombopinda mumba make kana kuti asazomboshandisa zvinhu zvake. Asi panenge pasina zvaaita, angatova achipukuta maziso nemaoko abata mhiripiri. Kana Alice akanyatsobatsira Dennis kuti amuremekedze pazvinhu zvake, zvichaita kuti vawirirane zviri nani.

Dzidza Kugadzirisa Kana Kuti Kudzivisa Kusawirirana

Ichokwadi kuti kuziva zvinokonzera dambudziko raungava naro nemwana womumhuri menyu kunongova danho rokutanga rokugadzirisa nyaya yacho. Zvii zvaungaita kuti ugadzirise nyaya yacho uye kuti udzivise kuzopopotedzanazve? Edza kutevedzera matanho matanhatu anotevera.

1. Bvumiranai mitemo yamuchashandisa. Mambo Soromoni akanyora kuti,“Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.” (Zvirevo 15:22) Kuti usagumbuke, tarisa zvinhu zvawati ndizvo zvinokonzera kuti mupopotedzane. Ona kana mungava nemitemo inobatsira kugadzirisa chiri kukonzera dambudziko racho. Somuenzaniso kana muchinetsana panyaya yezvinhu, Mutemo wokutanga ungava wokuti: “Nguva dzose kumbira usati watora chinhu chomumwe.” Mutemo wechipiri ungava wokuti: “Remekedza kodzero yomumwe yokuti, ‘Kwete, haukwanisi kushandisa chinhu ichi.’” Pamunenge muchiisa mitemo iyi, fungai nezvomurayiro waJesu wokuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Kana mukaita izvi, muchaisa mitemo yamunogona kutevedzera mose. Uye kurukurai nevabereki venyu kuti muve nechokwadi chokwadi chokuti vatendera zvamabvumirana.—VaEfeso 6:1.

2. Iwewe tevedzerawo mitemo yacho. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ haubi here?” (VaRoma 2:21) Ungashandisa sei zano racho? Somuenzaniso, kana uchida kuti mumwe wako akuremekedze pazvinhu zvako, unofanirawo kugogodza usati wapinda mumba make kana kuti kumukumbira usati waverenga tsamba dzake pakombiyuta kana paserura.

3. Usakurumidza kufufutirwa nehasha. Sei zano iri rakanaka? Nokuti sezvinotaurwa nechimwe chirevo chiri muBhaibheri, “kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.” (Muparidzi 7:9) Kana uchikurumidza kugumbuka, haumbofari muupenyu hwako. Ichokwadi kuti mumwe wako angaita kana kuti angataura zvinokusvota. Asi zvibvunze kuti, ‘Ndakambomuitirawo izvozvo here?’ (Mateu 7:1-5) Jenny anoti, “Pandaiva nemakore 13, ndaifunga kuti zvandaifunga ndizvo zvainyanyokosha uye ndizvo zvaifanira kuteererwa. Munun’una wangu ndizvo zvaava kuitawo. Saka ndinoedza kuita kuti ndisagumbuke pane zvinhu zvaanotaura.”

4. Kanganwira wobva wakanganwa nezvenyaya yacho. Matambudziko makuru anofanira kukurukurwa uye ogadziriswa. Asi unofanira kubva wangomubvunza kese kese kaanenge aita here? Jehovha Mwari anofara chaizvo kana uchida “kukanganwira kudarika kwomumwe.” (Zvirevo 19:11, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Alison ane makore 19 anoti: “Ini nehanzvadzi yangu Rachel tinogona kupedza kusawirirana kwatinenge taita. Tinokumbirana ruregerero totaura zvatinofunga kuti ndizvo zvaita kuti tisawirirane. Dzimwe nguva ndinongosiya nyaya yacho yakadaro ndozozviona mangwana. Mangwana acho zvinenge zvava kuita sokuti hapana chakamboitika uye handizombotaurizve nezvenyaya yacho.”

5. Itai kuti vabereki venyu vakuyananisei. Kana mukatadza kugadzirisa nyaya inokosha, vabereki venyu vanogona kukubatsirai kuti muite kuti pave norugare. (VaRoma 14:19) Yeukai kuti kukwanisa kugadzirisa kusawirirana musingakumbiri rubatsiro rwevabereki venyu kunoratidza kuti mava vanhu vakuru.

6. Ongawo unhu hwakanaka hwevamwe vana. Vamwe vana vomumba menyu vangangodaro vainewo unhu hwaunofarira. Nyora chinhu chimwe chaunofarira pane mumwe nomumwe wavo.

Zita Chandinofarira

․․․․․ ․․․․․

Pane kungoti nangananga nezvavanokanganisa, wadii kutsvaka mukana wokuvaudza nezvezvinhu zvaunofarira pavari?—Pisarema 130:3; Zvirevo 15:23.

Chokwadi choupenyu: Paunobva pamba, uchaona kuti dzimwe nguva unenge uchigara nevanhu vanokusvota vakadai sevaunoshanda navo uye vamwewo vane utsinye, vasina hanya uye vane udyire. Pamba ndipo paunodzidzira kuti uzova norugare nevanhu vakadai. Kana uine hanzvadzi, mukoma kana kuti munun’una anonetsa kugarisana naye, iva nemaonero akanaka. Ari kutokubatsira kuti uzova nounyanzvi hunokosha muupenyu hwako!

Bhaibheri rinototaura kuti mukoma kana kuti munun’una angasava shamwari yako yepedyo nguva dzose. (Zvirevo 18:24) Asi unogona kusimbisa ushamwari hwako nevana vomumba menyu kana ‘mukaramba muchishivirirana nokukanganwirana,’ kunyange zvazvo vachiita kuti uve ‘nechikonzero chokunyunyuta.’ (VaKorose 3:13) Kana ukaita izvi, hauzonyanyi kusvotwa nevana vomumhuri menyu. Uye iwewo hauzonyanyi kuvagumbukira!

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Kana uchida rumwe rubatsiro, ona bhokisi riri pasi apa.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

● Nei zvichikosha kuona kusiyana kwakaita zvinenge zvaitika uye chaipo pane nyaya?

● Nderipi danho raunoda kunyanyoshandira pane matanhatu ataurwa?

[Bhokisi riri papeji 27]

ZIVA PANE NYAYA CHAIPO

Unoda kunatsiridza here unyanzvi hwako pakuona kuti pane nyaya chaipo ndepapi pakusawirirana kwevana vomumba menyu? Kana uchida, verenga nyaya yakataurwa naJesu yemwanakomana akabva pamba akanopambadza pfuma yake.—Ruka 15:11-32.

Nyatsoongorora zvakaitwa nemukoma wacho, munun’una wake paakadzoka kumba. Wadaro pindura mibvunzo inotevera.

Chii chakaita kuti mukoma wacho agumbuke?

Unofunga kuti nyaya yanga iri papi chaipo?

Baba vavo vakaedza kugadzirisa nyaya yacho sei?

Mukoma wacho aifanira kuitei kuti agadzirise nyaya yacho?

Chifunga nezvokupopotedzana kwawakaita nemwana womumhuri menyu mumazuva mashoma apfuura. Chinyora mhinduro dzako panoperera mibvunzo iyi.

Chii chakaita kuti muburane?

Unofunga kuti ndepapi chaipo pane nyaya?

Ndeipi mitemo yamungabvumirana, kuitira kuti mugadzirise nyaya iyi uye mudzivise kumwezve kusawirirana?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28]

ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO

“Ndinoda kuti vanun’una vangu vave shamwari dzangu kwoupenyu hwose, saka ndinofanira kutanga iye zvino kuita izvozvo.”

“Tinoita zvinhu semhuri uye zvinotibatsira kuti tibatane. Hatichanyanyi kunetsana sezvataimboita.”

“Mune zvimwe zvinhu takasiyana zvisingaiti. Asi, munun’una wangu haana waakafanana naye. Ndinomuda zvokuti dhu!”

“Kudai vana vomumba medu vasipo, ndaisazomboyeuka zvinhu zvose zvinofadza zvataiita. Kune vaya vane vanun’una nevakoma kana hanzvadzi, ndinoti, ‘Musafunge kuti havakoshi!’”

[Mifananidzo]

Tia

Bianca

Samantha

Marilyn

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kunetsana kwevana vomumhuri imwe chete kwakafanana nemburwa, kuti udzipedze unofanira kurapa utachiona kwete kungodzisvina chete

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe