RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 10/8 pp. 17-19
  • Neiko Ndichifanira Kuva Gotwe?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndichifanira Kuva Gotwe?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinetso Zvokuva Gotwe
  • Kurwisana Navakoma
  • Betsero
  • Kuita Zvakanakisisa Zvaunogona Mumugariro Wako
  • Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?
    Mukai!—2010
  • Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Nei Ndichifanira Kuita Kuti Tiwirirane Nevana Vemumba Medu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Munin’ina Wangu Achiwana Ngwariro Yose?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 10/8 pp. 17-19

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Ndichifanira Kuva Gotwe?

Gotwe rinokombamira kurangarirwa so“mucheche” wemhuri.

“Ndinovenga idi rokuti ndinofanira kutsiva zvikanganiso zvakaitwa navakoma vangu.”

“Mukoma wangu anondirova paanova nezvinetso.”

‘NDINI gotwe revashanu,’ anonyora kudaro Lilia. ‘Uye hakufadzi zvikuru. Handiwanzokubatanidzwa mumibato yemitezo yemhuri nokuti hapana munhu anoda kunetswa no“mucheche.” Hanzvadzi dzangu navakoma vanotovenga kunditarisira. Ndinonzwa somutoro nguva dzose. Padzimwe nguva ndinonzwa semwana bedzi nemhaka yokuti ndinofanira kupedza nguva yakawanda ndichitamba ndoga.’

Faye akanga ari gotwe ravana vana. Iye anoyeuka, kuti: “Vabereki vangu vaidavira zvaitaurwa nomukoma wangu kupfuura zvandaitaura. Uye ava vakuru vakanga vane shamwari dzavo vamene. Ndakava ane ushoma.”

Iwe uri gotwe mumhuri yenyu here? Ipapo ungava nenhamo dzakafanana. Vamwe vangakuwana kuchisetsa kuziva kuti uri “mucheche” wemhuri. Asi sezvaunoziva, kuva gotwe kungasava chinhu chokusetswa nacho.

Zvinetso Zvokuva Gotwe

Unonzwa, somuenzaniso, kuti mukoma wako kana kuti hanzvadzi anobatwa zvakanaka here? Ungava nechikonzero chokunzwa neiyi nzira. Munguva dzeBhaibheri dangwe raifarikanya nzvimbo yakasiana yokudiwa; gotwe raiiswa shure kana toreva nezveropafadzo dzakati nemitoro. (Enzanisa naGenesi 25:31; 43:33.) Nhasi, vabereki vachiri kukombamira kukuva nekariro dzakakwirira dzomwana wavo mukurusa. Kwete kuti vanomuda zvikuru kupfuura vamwe vana, asi nemhaka yokuti ndiye mukuru, angapiwa mutoro wokutarisira vanun’una vake. Iye ndiye anotanga kukura, uye somuuyo, anowanzopiwa ropafadzo dzakati dzinoshuviwa norusununguko.

Gotwe, kunyanguvezvo, rinokombamira kurangarirwa so“mucheche” wemhuri uye rinogona kudzorwa chose chose nechidakadaka chavabereki! Mukadzi akanokorwa mashoko mubhuku rinonzi Sibling Rivalry, rakanyorwa naSeymour V. Reit, anoyeuka, kuti: “Ndakanga ndiri gotwe mumhuri yedu . . . Ndakaitwa mucheche ndokutarisirwa zvakati nyanyei, kunyange navamwe vana vakura mumhuri. Chokwadika ndakakufarikanya, asi ndinofunga kuti kwakanditunhidza zvishomanene. Kungave kwakanditadzisa kukura, kwakanditadzisa kutarisana nedenho.”

Vabereki vako vangapfuurawo zvine mufungo mukuedza kukudzivirira. Vangabvumira vakoma vako kuenda neshamwari dzavo asi vangaomerera pakuti urambe uri pamba—kana kuti ukurumidze kudzoka zvokuti unganzwa kuti hapatongorina chikonzero chokuenda!

Uri gotwe, ungava nyajambwa weenzaniso dzakawanda dzisina kururama. “Apo ndinova mumugariro umo vabereki vangu vanondishatirirwa kana kuti kungoita chimwe chinhu chakashata pamba,” anochema kudaro Karl wamakore 16 okukura, “vabereki vangu vanotaura kuti, ‘Alan haaiti kudaro’ kana kuti, ‘Neiko usingachenesi kamuri rako saAlan?’” Uye kana mukoma wako akanga ane chimiro chokupandukira pazera rako, ngwarira! Vabereki vako vangaedza nesimba kudzivisa chinhu chimwe chetecho kuitika. “Ndinovenga idi rokuti ndinofanira kutsiva zvikanganiso zvakaitwa navakoma vangu,” anonyunyuta kudaro mumwe musikana. “Nemhaka bedzi yokuti mukoma wangu akakumbira motokari ndokuenda kwaakanga aisingafaniri kuenda, handigoni kukumbira motokari yacho!”

Kurwisana Navakoma

Chinetso chako chikuru, kunyanguvezvo, chingava nzira yaunobatwa nayo navakoma vako. Vangaratidza ruremekedzo ruduku rwokuva woga kwako kana kuti rwezvinhu zvako zvomunhu oga. Vangakuita chiseko nguva dzose kana kuti mhumho nokuda kwokukanganisa kwavo. “Mukoma wangu anondirova paanova nezvinetso,” anonyunyuta kudaro mumwe mukomana muduku.

Susannah muduku anodudza chinowanzoparira bonderano dzakadaro navakoma. Iye anoti: “Ndinofunga kuti kurovana kwakawanda kunongova kudzvinyirira uye kuda kuziva ane maruramiro echimwe chinhu.” Ndekwomuzvarirwo bedzi kuda chidakadaka chavabereki, kuzivikanwa, uye tendero. Uye sezvo kuchiwanzova kusingabviriri vabereki kubata vana vavo zvakafanana, bonderano nepfundepfunde zvingatanga. Tateguru Jakobho “akanga achida Josefa kupfuura vamwe vana vake vose.” Chii chakava kuita kwavakoma vake? “Vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.” (Genesi 37:3, 4) Segotwe, ungawana rutivi rukuru rwengwariro nechidakadaka zvavabereki vako. Kana zvakadaro, vakoma vako vanganzwa vane ruvengo kwauri. “Ndakafunga kuti munun’una wangu aiwana chinhu chiri chose chaaida,” anodaro musikana achiri kuyaruka ari dangwe anonzi Roseanna. “Ndakaziva kuti ndaiva neshanje naye.”

Betsero

Kunyanguvezvo, kuva gotwe kune betsero dzakati. Vabereki vako vangava vari nani mune zvemari kupfuura zvavaiva savabereki vatsva. Nokudaro ungafarikanya betsero dzokunyama, dzakadai sokuva nekamuri rako umene, iro vakoma vako vasina kuva naro pazera rako. Uye nepo dzimwe pwere dzisingadi zvinhu zvokukuurirwa, zvipfeko zvinobva kuvakoma zvingakupa hwadhiropu huru zvikuru kupfuura ine vamwe vezera rako!

Imwe betsero ndirwo ruzivo rwokuzviwanira vabereki vako vakawana mukurera mwana. (Enzanisa naVaHebheru 5:14.) Kutaura idi, vakoma vako nehanzvadzi vangave ‘vakavatsamwisa’ savabereki. Vadzidza muzvikanganiso zvavo zvakapfuura, vabereki vako vangava vasinganyanyoitiri hanya uye vanoregeredza mumitoro yavo yakafanira, vasingakombamiri kukuraira. Ungava nomwero wakati worusununguko urwo vakoma vako vasina kufarikanya pazera rako.

Kungova bedzi navakoma nehanzvadzi ibetserewo. Warangarira utsinye uhwo vakoma vanowanzoratidzirana, ikoku kungava kwakakuti omerei kudavira. Kashoma, kunyanguvezvo, vakoma vanovengana zvomenemene. Kutaura idi, mumwe musikana wamakore 13 okukura akabvuma, kuti: “Mukoma wangu anondinetsa nguva dzose. Asi mwoyo wangu unomuda zvikuru.” Vakoma vako nehanzvadzi vanogona kuva manyuko oushamwaridzani, ufambidzani, uye zano. Mukoma anotogona kubatira somuenzaniso womutoro kwauri, zvikurukuru kana iye ari anotya Mwari. Uri kuenda gore rako rokutanga rechikoro chapamusoro (sekondari) here? Mukoma wako angakwanisa kukubetsera kugadziridza. Vabereki vako pakupedzisira vakakupa tendero yokushandisa zvizoro zvinotsvindisa here? Zvimwe mukoma wako angakuratidza nzira yokuzvishandisa nayo.

Nenzira inofadza, bhuku rinonzi Sibling Rivalry rinotizve: “Magotwe . . . anokombamira kukuva ane ushamwari zvikuru uye naanoda kuva pamwe zvikuru kupfuura dangwe kana kuti vapakati uye anodiwa navamwe vana. Sezvo vakarovedzana nokushanda namazera akasiana uye vachiwirirana, vakasununguka pamwe chete navezera ravo kunze kwemhuri.”

Kuita Zvakanakisisa Zvaunogona Mumugariro Wako

Uchiri kunzwa kuti gotwe rinowana ganhuriro here? Eya, kungakufadza kuziva kuti dangwe navana vapakati vanowanzonyunyuta zvikuru kuti mugariro wavo woupenyu ndiwo une ngwavaira zvikuru! Chinokosha, ipapoka, haisiri nzvimbo yauri mumhuri, asi dziri nhamburiko dzaunoita kushandisa nheyo dzeBhaibheri.

Somuenzaniso, kana uchinzwa kuti vabereki vako vanonyanyodzivirira, taura nhau dzacho navo nenzira youkuru. “Pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Kupfurikidza nokuva ‘ane rugare uye ane mufungo,’ unogona kutaurirana ndokukarakadza bvumirano dzinogamuchirika—panzvimbo pokunyunyuta apo zvinhu zvisingaitiki nenzira inokufadza. (Jakobho 3:17, 18) Kana ukanyimwa ropafadzo yavakapa vakoma vako, usashatirwa. Bvumikisa kuti une mufungo uye unokwanisa kupfurikidza nokuita zvakanakisisa zvaunogona mumabasa api naapi vabereki vako vanokupa.—Enzanisa naRuka 16:10.

Nheyo dzeBhaibheri dzichakubetserawo kuchengeta rugare navakoma vako. Unoda kuva woga here? Ipapo shandisa Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe uye remekedza kuva voga kwavo nezvinhu. (Mateo 7:12) Unovenga kusekwa here? Ipapo bata vakoma vako no“rukudzo” uye dzivisa kutanga kutsamwisa. (VaRoma 12:10) Unotsamwisa here nemhaka yokuti unonzwa kuti vari kukuregeredza kana kuti vari kukusiya? Usazviparadzanisa kuva woga. ‘Taura’ navo, muchikurukura nhau nenzira yakaterama, youkuru. (Zvirevo 25:9) Nguva zhinji inongova zvayo nhau yokudzidza kukanganwira. (VaEfeso 4:32; VaKorose 3:13; 1 Petro 4:8) Asi kana uchinzwa kuti mukoma ari kukubata zvisina kufanira kana kuti kukutuka, ita kuti vabereki vako vazive chiri kuitika. Ipapo bedzi vanogona kuita basa ravo ro‘kutungamirira ndangariro’ vana vavo.—VaEfeso 6:4.

Aiwa, kuva mudukusa hakusati kuchiita kuti uve “mucheche.” Uye hakufaniri kudzivisa kukura kwendangariro kana kuti umudzimu hwako. Segotwe, unogona kutanga kunzwira tsitsi, kusava noudyire, kudisa kugoverana, mano okufambidzana navamwe—zvidzidzo zvichakubetsera mumakore anouya.

[Mufananidzo uri papeji 18]

“Neiko ndisingabatanidzwi mumitambo yose?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe