RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October p. 30
  • “Rwiyo Chete Ndirwo Rungangodiwa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rwiyo Chete Ndirwo Rungangodiwa”
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Usava Nemafungiro Enyika Paunenge Uchironga Muchato
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mutsa weMerita Unounza Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ndingaitei Kana Ndichirwara?​—Chikamu 2
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kumbanira Murwiyo rwoUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 October p. 30

“Rwiyo Chete Ndirwo Rungangodiwa”

● Juliana aiva hanzvadzi yakura yechiKristu yaidiwa chaizvo yokuPhilippines. Akanga abatwa nechirwere chokukanganwa chinonzi Alzheimer. Akanga asisakwanisi kuziva kunyange vana vake. Kunyange zvakadaro, ndaienda kunoona Juliana pose pandaiva pedyo nekwaaigara.

Juliana aigara akangorara uye akangoti ndee panze nepahwindo. Zvakanga zvakaoma kuva naye, nokuti akanga asisandiyeuki. Aindidzvokora, asi asingamboratidzi kuti andiziva. Ndakamubvunza kuti, “Muchiri kufunga nezvaJehovha here?” Ndakamuudza zvakanga zvaitika muushumiri, ndikamubvunza mimwe mibvunzo asi hapana chakaratidza kuti akanzwisisa. Ndakabva ndatanga kuimba rwiyo. Zvakazoitika zvakandibaya mwoyo!

Juliana akatendeuka ndokunditarira, akatanga kuimba pamwe neni. Pasina nguva ndaifanira kurega kuimba nokuti ndaisaziva nemusoro mashoko acho ose mumutauro weTagalog unotaurwa ikoko. Asi Juliana akaramba achiimba. Akayeuka mitsetse yacho yose iri mitatu. Ndakakumbira munhu wandaiva naye kuti anokumbira bhuku renziyo kune chimwe Chapupu chaigara pedyo. Akabva angouya naro. Ndaisaziva nhamba yerwiyo rwacho asi zvakangoitikawo kuti ndakavhura peji yacho chaiyo. Takabva taimba rwiyo rwacho rwose pamwe chete! Pandakabvunza Juliana kana pane dzimwe nziyo dzaaiyeuka, akatanga kuimba rwiyo rworudo rwekare rwechiFilipino.

Ndakati, “Aiwa Juliana, kwete rwiyo rweparedhiyo asi rwokuImba yoUmambo.”a Ndakabva ndatanga kuimba rumwe rwiyo rwaiva mubhuku redu renziyo, uye akabva angotanga kuimba rwiyo rwacho pamwe neni. Chiso chake chakanga chava kuratidza kufara. Iye zvino akanga asisina kungoti tuzu asi akanga ava kunyemwerera chaizvo.

Panguva iyi vavakidzani vakanga vati unga unga vachida kuona kuti ndiani akanga achiimba. Vakamira pahwindo vakatitarira uye vachiteerera. Zvaifadza chaizvo kuona kubayiwa mwoyo kwakaitwa Juliana nenziyo! Dzakanga dzaita kuti ayeuke mashoko erwiyo rwacho.

Ndakadzidza pane zvakaitika izvi kuti hauzivi kuti chii chingabaya mwoyo wevaya vasisakwanisi kunzwisisa kana kuti kukurukura nevamwe. Rwiyo chete ndirwo rungangodiwa.

Pasina nguva refu zviri pamusoro apa zvaitika, Juliana akafa. Ndakayeuchidzwa nezvechiitiko chacho pandaiteerera nziyo itsva dzakarekodhwa dzinobaya mwoyo dzakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 2009. Ungabvunza Zvapupu zvekwaunogara kuti ungawana sei nziyo idzi dzakanaka chaizvo, dzinobaya mwoyo.

[Mashoko Omuzasi]

a Iri izita renzvimbo dzokunamatira dzeZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe