RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 January pp. 19-22
  • Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupedza Chikoro Kana Kuchisiyira Panzira?
  • Kusiyira Chikoro Panzira Kwakaipirei?
  • Zvakanakira Kusasiyira Chikoro Panzira
  • Ndosiyira chikoro panzira here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Zvoupenyu Hwangu​—Chikoro Uye Vezera Rako
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndosiya Chikoro Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 January pp. 19-22

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?

Unofunga kuti unofanira kurega chikoro wava mugwaro ripi?

․․․․․

Vabereki vako vanoda kuti urege chikoro wava mugwaro ripi?

․․․․․

MHINDURO mbiri dzawanyora pamusoro apa dzakafanana here? Kunyange dzakafanana uye uchiri kuenda kuchikoro, pangava nemazuva aunganzwa uchida kusiya chikoro. Wakambofunga zvakafanana nezviri kutaurwa pasi apa here?

● “Dzimwe nguva ndaishushikana zvokuti ndaisada kubuda mumagumbezi. Ndaizvibvunza kuti, ‘Ndinoenderei kuchikoro kunodzidza zvinhu zvandisingazombofi ndakashandisa?’”—Rachel.

● “Kakawanda ndainzwa ndakaneta nechikoro zvokuti ndaingoda kuchisiya ndotsvaka basa. Ndainzwa sokuti hapana zvandaidzidza kuchikoro uye kuti zvaiva nani kuti ndiende kubasa kwandaizowana mari.”—John.

● “Manheru oga oga ndaipedza maawa mana ndichiita homuweki! Ndainzwa ndadhamba nebasa rekuchikoro, mapurojekiti uye bvunzo zvairamba zvichingonaya zvokuti ndakanzwa sokuti ndakanga ndisingachazvigoni uye ndava kuda kusiya chikoro.”—Cindy.

● “Takanzi taizobhombwa, vanhu vatatu vakaedza kuzviuraya, mumwe chete akatozviuraya uye paiva nechikwata chaiita zvekurwa. Dzimwe nguva zvaibva zvanyanyisa zvokuti ndaida kurega chikoro!”—Rose.

Wakambosangana nematambudziko akafanana neaya here? Kana wakasangana nawo, zvii zvakakuita kuti ude kusiya chikoro?

․․․․․

Zvimwe iye zvino wava kunyatsofunga nezvokusiya chikoro. Zvisinei, ungaziva sei kuti wava kurega pamusana pokuti yava nguva yokuti udaro kana kuti wava kufinhwa nechikoro zvokuti wava kuda kuchisiya? Kuti tipindure mubvunzo uyu, tinofanira kutanga tatsanangura zvinorehwa nokusiya chikoro.

Kupedza Chikoro Kana Kuchisiyira Panzira?

Ungatsanangura sei kusiyana kwakaita kupedza chikoro nokuchisiyira panzira?

․․․․․

Waizviziva here kuti mune dzimwe nyika zvakajairika kuti vechiduku vapedze chikoro pashure pokudzidza kwemakore mashanu kana kuti masere? Mune dzimwewo, vadzidzi vanotarisirwa kuti vadzidze kwemakore gumi kusvika kugumi nemaviri. Saka pasi pose hapana makore chaiwo anonzi ndiwo okudzidza uye hapana gwaro chairo rinonzi ndiro raunofanira kugumira.

Uyewo, dzimwe nyika dzingabvumira mudzidzi kuti aitire zvimwe zvidzidzo kumba kana kuti zvose, asingaendi kuchikoro nguva dzose. Vadzidzi vanobvumirwa nevabereki vavo kuti vadzidze vari kumba vanenge vasiri kusiyira chikoro panzira.

Zvisinei, kana uri kufunga nezvokurega chikoro iwe usati wachipedza, ungava uchiita zvokuenda kuchikoro kana kuti uchidzidzira kumba, unofanira kufunga nezvemibvunzo inotevera:

Mutemo unoti chii? Sezvambotaurwa, mitemo inotaura kuti mudzidzi anofanira kudzidza kusvika papi inosiyana munyika nenyika. Kwaunogara, mutemo unoti unogona kurega chikoro wasvika papi? Wati wasvika ipapo here? Kana ukasateerera zano reBhaibheri ‘rokuzviisa pasi pevanhu vane masimba makuru’ worega chikoro usati wasvika panodiwa nomutemo, unenge uri kusiyira chikoro panzira.—VaRoma 13:1.

Ndakadzidza kusvika pandinoda here? Unoda kuti dzidzo yako ikubatsire kuitei? Hauna chokwadi here? Unofanira kuziva! Kana usingazivi, unenge wakafanana nomunhu ari muchitima asingazivi kwaari kuda kuenda. Saka gara pasi nevabereki vako wozadza pepa rakanzi “Zvandinoda Kuita Nedzidzo Yangu,” riri papeji 28. Kuita izvozvo kuchakubatsira kuramba uchifunga nezvezvinangwa zvako uye kuchakubatsira iwe nevabereki vako kuronga kuti uchatora nguva yareba sei uri kuchikoro.—Zvirevo 21:5.

Vadzidzisi vako uye vamwe vanhu vachatokupa mazano okuti unofanira kudzidza kusvika papi. Kunyange zvakadaro, vabereki vako ndivo vane simba rokuita chisarudzo chokupedzisira. (Zvirevo 1:8; VaKorose 3:20) Kana ukarega chikoro usati wasvika pamunenge makabvumirana nevabereki vako kuti ugumire, unenge uri kusiyira chikoro panzira.

Nei ndiri kuda kusiyira chikoro panzira? Ngwarira kuzvifurira. (Jeremiya 17:9) Vanhu vanowanzopa zvavanoti ndizvo zvikonzero zvakanaka pakuita zvinhu zvokungozvifunga pachavo.—Jakobho 1:22.

Nyora pano zvikonzero zvakanaka zvaungava nazvo zvokuti usiyire chikoro panzira.

․․․․․

Nyora pano zvikonzero zvokungozvifunga zvokuti usiyire chikoro panzira.

․․․․․

Zvikonzero zvipi zvakanaka zvawanyora? Ungarega chikoro nokuti unenge uchida kubatsira pakutsigira mhuri yako nemari kana kuti kuita basa rokubatsira vamwe kuti vadzidze nezvaMwari. Zvikonzero zvokungozvifunga zvingava zvokusada kunyora bvunzo kana kuti kusada kuita homuweki. Dambudziko racho nderokuziva kuti chii chinonyanya kuita kuti udaro—chikonzero chacho chakanaka here kana kuti ndechokungozvifunga?

Tarisazve zvawanyora, isa manhamba kubva pa1 kusvika ku5 pazvikonzero zvinoita kuti ude kusiyira chikoro panzira uye uchizviita nokutendeseka (1 ichiratidza chisinganyanyi kukosha, uye 5 chinonyanya kukosha). Kana uri kusiya chikoro kuti unzvenge matambudziko, ungangozoona kuti unenge wazvinyengera.

Kusiyira Chikoro Panzira Kwakaipirei?

Kusiyira chikoro panzira kwakafanana nokusvetuka kubva muchitima usati wasvika kwauri kuenda. Muchitima macho mungadaro musiri kunakidza uye vanhu varimo vasina ushamwari. Asi kana ukasvetuka kubvamo, zviri pachena kuti hauzosviki kwaunenge uchienda uye ungangokuvara zvakaipa. Saizvozvowo, ukasiyira chikoro panzira, ungangotadza kuzadzisa zvinangwa zvako zvokudzidza uye uchakurumidza kuva nematambudziko, mamwe acho achazouya pave paya seanotevera:

Matambudziko achakurumidza kuvapo: Zvinganyanya kukuomera kuti uwane basa, uye kana ukariwana, ringangokupa mari shoma pane yawaizowana kudai wakapedza chikoro. Kuti uwane zvinodiwa pakurarama, ungatofanira kushanda kwemaawa akawanda mumamiriro ezvinhu angatova akaipa pane auri kuona kuchikoro iye zvino.

Matambudziko achazouya pave paya Zvakatsvakurudzwa zvinoratidza kuti vaya vanosiyira chikoro panzira vangangova neutano husina kunaka, kubereka vana vachiri vaduku, kuguma vava mumajeri uye kuzopona nekubatsirwa nezvirongwa zvinoyamura vanoshayiwa.

Kupedza chikoro hakurevi hako kuti hauzosangani nematambudziko iwayo. Asi nei ungazviomesera zvakadaro nokusiyira chikoro panzira?

Zvakanakira Kusasiyira Chikoro Panzira

Kana wakafoira bvunzo munguva ichangopfuura kana kuti zvinhu zvisina kukufambira zvakanaka kuchikoro, unganzwa uchida kuchisiya, uchiona sokuti chero dambudziko raungasangana naro mune ramangwana ringaita sepasina kana zvichienzaniswa nenhamo yauinayo iye zvino. Asi usati watora nzira yaunofunga kuti iri nyore, funga kuti vadzidzi vane mashoko ambotaurwa vanotii nezvokubatsirwa kwavakaitwa pamusana pokuti havana kusiyira chikoro panzira.

● “Ndakadzidza kutsungirira uye kuva munhu akasimba. Ndakadzidzawo kuti kana uchida kunakidzwa nokuita chimwe chinhu, unofanira kuita kuti zvidaro. Kuramba ndichienda kuchikoro kwakaita kuti ndidzidze zvinhu zvandaizoshandisa ndapedza chikoro.”—Rachel.

● “Iye zvino ndava kuziva kuti kana ndikashanda nesimba, ndinogona kuzadzisa zvinangwa zvangu. Kuchikoro chesekondari ndiri kudzidzira kugadzira zvinhu zvichazondibatsira kuti ndikwanise kuita basa randinoda rokugadzira michina yokudhinda.”—John.

● Chikoro chakandidzidzisa kuti ndingagadzirisa sei matambudziko angu, mungava mukirasi kana kuti kumwewo. Kuziva zvokuita pandinosangana nezvipingamupinyi kuchikoro, pakugarisana nevamwe zvakanaka uye panyaya dzeutano kwakanyatsondibatsira kuti ndiite zvinhu somunhu mukuru.”—Cindy.

● “Chikoro chakandibatsira kugadzirira matambudziko andaizosangana nawo kubasa. Ndakasanganawo nezvakawanda zvakaita kuti ndide kuongorora zvikonzero zvokutenda kwangu, saka kuva kuchikoro kwakaita kuti ndinyatsova nechokwadi nezvandinodavira.”—Rose.

Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo. Anoshivirira ari nani kupfuura anozvikudza.” (Muparidzi 7:8) Saka pane kusiyira chikoro panzira, gadzirisa matambudziko aunosangana nawo kuchikoro uchishivirira. Kana ukadaro, uchaona kuti zvichazoitika zvichange zvakakunakira.

Dzimwe nyaya dzakanzi “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti, pawww.watchtower.org/ype

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

● Kuva nezvinangwa zvenguva duku mune zvedzidzo kungakubatsira sei kushandisa nguva yaunenge uri kuchikoro zvinobatsira?

● Nei zvichikosha kufunga nezvebasa rauchada kuita kana wapedza chikoro?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 20]

ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO

“Kuenda kuchikoro ndiko kwakaita kuti ndifarire kuverenga. Zvakanaka chaizvo kukwanisa kunzwisisa pfungwa uye manzwiro emumwe munhu nokuverenga.”

“Ndinowanzonetseka kuziva kuti ndezvipi zvandinofanira kutanga kuita. Asi dai ndisina kuenda kuchikoro zvingadai zvakatooma kupfuura zvazviri! Kuenda kuchikoro kunondibatsira kuita zvinhu zvakarongeka, uye kuita zvinhu zvinokosha.”

[Mifananidzo]

Esme

Christopher

[Bhokisi riri papeji 21]

ZVINANGWA ZVANGU ZVINE CHOKUITA NEDZIDZO

Chinangwa chikuru chedzidzo ndechokukugadzirira kuti uwane basa rinozokubatsira kutsigira uye kutarisira mhuri yaungazova nayo. (2 VaTesaronika 3:10, 12) Wakatosarudza basa raunoda kushanda here uye kuti kuenda kuchikoro kungakubatsira sei kuti urigadzirire? Kuti uone kana dzidzo yako ichizokubatsira, pindura mibvunzo inotevera:

Zvii zvandinokwanisa kuita? (Somuenzaniso, unowirirana nevamwe here? Unofarira kushanda nemaoko ako here, uchigadzira-gadzira zvinhu? Unogona here kuongorora nekugadzirisa matambudziko?)

․․․․․

Mabasa api andingaita angaita kuti ndishandise matarenda angu?

․․․․․

Kwandinogara kunowanika mabasa akaita sei?

․․․․․

Zvidzidzo zvipi zvandiri kuita iye zvino zvichandibatsira kuzowana basa?

․․․․․

Zvidzidzo zvipi zvandingaita iye zvino zvinogona kundibatsira kunyatsozadzisa zvinangwa zvangu?

․․․․․

Yeuka kuti chinangwa chako ndechokuti uve nedzidzo yaunokwanisa kushandisa. Saka usabva wanyanyisa nokuramba uchingodzidza—woita semunhu anoramba ari “muchitima” nokusingaperi achingoitira kuti asaita mabasa aanotarisirwa kuita somunhu mukuru.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

MASHOKO KUVABEREKI

“Vadzidzisi vangu vanosvota!” “Ndinopiwa homuweki yakawandisa!” “Ndinoita zvokutambura kuti ndipase—ndinozvinetserei zvangu?” Nemhaka yokuvhiringidzika kwakadaro, vamwe vechiduku vanonzwa vachida kusiyira chikoro panzira vasati vawana ruzivo runokosha rwavanofanira kuzoshandisa muupenyu. Mungaitei kana mwanakomana kana kuti mwanasikana wenyu achida kusiyira chikoro panzira?

Ongororai maonero amunoita dzidzo. Maiona kudzidza sokutambisa nguva here, sokuti muri mujeri ramaifanira kutsungirira kusvikira pamunozokwanisa kuita zvinhu zvamunofarira? Kana zvakadaro, vana venyu vanogona kukutevedzerai. Chokwadi ndechokuti, dzidzo yakakwana inogona kuvabatsira kuwana “uchenjeri hunobatsira nemano okufunga”—unhu hunodiwa kuti vazova vanhu vakuru vanobudirira.—Zvirevo 3:21.

Mupei zvokushandisa. Vamwe vana vangadai vachipasa havazivi kuti vanofanira kudzidza sei, kana kuti mamiriro avo ezvinhu anenge asina kunyatsokodzera kuti vaite kudaro. Nzvimbo yakanaka yokudzidzira inogona kusanganisira dhesiki rakarongedzwa zvakanaka nechiedza chakakwana uye zvokushandisa pakutsvakurudza. Munogona kubatsira mwana wenyu kuti afambire mberi, pane zvokuchikoro kana zvokunamata, nokumudzidzisa uye kuita kuti awane zvose zvinomubatsira kuti afungisise mazano uye pfungwa itsva dzaanenge achidzidza.—1 Timoti 4:15.

Ivaiwo nezvamunoita. Onai vadzidzisi uye vanachipangamazano sevanhu vokubatsirana navo, kwete vavengi. Onanai navo. Zivai mazita avo. Taurai navo nezvezvinangwa zvemwana wenyu uye matambudziko ake. Kana mwana wenyu achigara achifoira, edzai kuona chikonzero chacho. Somuenzaniso, mwana wenyu anofunga kuti kugona kuchikoro kunoita kuti vamwe vamuonese chakati tende here? Haasi kuwirirana nemumwe mudzidzisi here? Zvakadini nezvidzidzo zvacho? Zvinodzidzwa nemwana wenyu zvinofanira kumubatsira zvishoma nezvishoma kuti aite zvaanokwanisa zvozoita zvichioma nokufamba kwenguva kwete kubva angoomerwa pakutanga. Chimwe chikonzero chingava chokuti: Angave aine zvimwe zviri kumukanganisa zvakadai sekusaona zvakanaka kana kunonoka kubata zvaanenge achidzidza here?

Kana mukavawo nezvamunoita pakudzidza kwemwana wenyu, kuchikoro uye mune zvokunamata, mukana wokuti abudirire uchawedzerawo.—Zvirevo 22:6.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kusiyira chikoro panzira kwakafanana nokusvetuka muchitima usati wasvika kwauri kuenda

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe