RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 17 pp. 134-139
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ukoshi Hwedzidzo
  • Chikoro Nebasa
  • Kuva Munhu Ari Nani Zvikuru
  • Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?
    Mukai!—2011
  • Ndoita Sei Kana Ndisingafariri Chikoro?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose
    Mukai!—1996
  • Ndosiyira chikoro panzira here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 17 pp. 134-139

Ganhuro 17

Ndinofanira Kurega Chikoro Here?

JACK ave ari mukuru mukuru wavapindi vechikoro kwaanopfuura makore 25. Nokudaro pwere inorovha kuenda kuchikoro inoomerwa chose kuuya nepembedzo isina kutombonzwiwa naJack. “Ndakaudzwa chinhu chiri chose navana,” anodaro, “chakadai sokuti ‘Ndaifunga kuti ndaizorwara nhasi’ . . . ‘Sekuru vangu vokuAlaska vakafa.’” Pembedzo ino“diwa chose” yaJack ndeipiko? Iyo yakabva kuvakomana vatatu vakataura kuti ivo “havati vaigona kuwana chikoro nokuti kwakanga kune mhute yakasviba kuti ndo-o.”

Idzi pembedzo dzisina kutsiga nomutoo unonyadzisa dzinoenzanisira kusada kune pwere zhinji chikoro, kunowanzotangira pakusakendenga (“Ndinofunga kuti, chakafanira”) kusvikira kukuvenga chaikwoikwo (“Chikoro chinonhuwa! Ndinochivenga”). Somuenzaniso, Gary aimuka nokuda kwokuenda kuchikoro uye nokukurumidza anonzwa mudumbu make. Iye akati, “Ndaisvika pedyo nechikoro, uye ndaidikitira zvikuru kwazvo ndokuva noruzazu . . . Ini ndaitofanira bedzi hangu kudzoka kumba kwangu.” Pwere zhinji nomutoo wakafanana dzinotambura kutya zvikuru chikoro—chimwe chinhu vanachiremba vanoidza kuti kutyiwa kukuru kwechikoro. Kunowanzonyandurwa namasimba masimba okuchikoro, utsinye hwavezera radzo, uye dzvinyiriro yokuwana mamakisi akanaka. Pwere dzakadaro (kupfurikidza nepesvedzero yakati yavabereki) dzingaenda kuchikoro, asi dzinotambura nhamo inopfuurira uye kunyange dambudziko rokunyama.

Nomutoo usingashamisi chiverengero chinokatyamadza chepwere chinosarudza hacho kusatongoenda kuchikoro! MuUnited States moga bedzi, zuva riri rose vadzidzi vane mamirioni maviri nehafu muzvikoro zvokutanga nezvapamusoro vanorovha! Imwe nyaya iri muThe New York Times yakawedzera kuti vazhinji zvikuru (vanenge chikamu chimwe chete chavatatu) “vanopfuurira kurovha” muzvikoro zvapamusoro zvomuGuta reNew York “zvokuti kunenge kusingabviri kuvadzidzisa.”

Dzimwe pwere dzichiri kushandisa nhano huru zvikuru. “Chikoro chakanga chichifinha, chichinyanyova norumano,” rakadaro jaya rinonzi Walter. Iro rakarega chikoro chapamusoro (chikoro chesekondari). Ndozvakaitawo musikana anonzi Antonia. Iye akanga achiva nechinetso nebasa rake rokuchikoro. “Ndaizogona sei kuita basa kana ndakanga ndisinganzwisisi zvandakanga ndichirava?” akabvunza kudaro. “Ndakanga ndigere ikoko ndichingoramba ndichiva dofo, naizvozvo ndakasiya.”

Sezvinobvumwa, zvinetso zvakakomba zvinotapura gadziriro dzechikoro kupote nyika. Asika ichochi chikonzero chokurashikirwa nefariro yose muchikoro ndokurega here? Ko kurega kungava nemiuyoi paupenyu hwako gare gare? Ko pane zvikonzero zvakanaka zvokuramba uri muchikoro kutosvikira wapedza here?

Ukoshi Hwedzidzo

Michael akadzokera kuchikoro kundowana dhipuroma rinowirirana nechikoro chapamusoro. Paakabvunzwa chikonzero nei, akati, “Ndakaziva kuti ndaida dzidzo.” Asika chii chiri “dzidzo” chaizvoizvo? Mano okudzokorora ndaza inoorora yamaidi here? Iwawa haaiti dzidzo sezvo murwi wezvitina usingaiti imba.

Dzidzo inofanira kukugadzirira nokuda kwoupenyu hwoukuru hunobudirira. Allen Austill, mudzidzisi mukuru wechikoro kwamakore 18, akataura nezve“dzidzo inokudzidzisa mafungire, kupedza zvinetso, zviri zvine mufungo nezvisina mufungo, mano ehwaro okusanofunga, kuziva chiri chiratidzo nokuziva batano dziri pakati pamativi nechinhu chose. Kuita zvisarudzo nemitsaukano iyoyo, kudzidza madzidzire.”

Uye chikoro chinokodzera sei? Mazana amakore akapfuura Mambo Soromoni akanyora zvirevo zvino“kupa uchenjeri kuna vasina ruzivo rwokuzviwanira, zivo kujaya uye mano okufunga.” (Zvirevo 1:1-4) Hungu, kusava noruzivo rwokuzviwanira kunova pamwe chete noupwere. Zvisinei, chikoro chinogona kukubetsera kutarisira ndokukudziridza mano okufunga. Aya haazati achingovawo zvawo mano okurondedzera maidi asiwo kuanzvera ndokubudisa mifungo inobetsera inobva maari. Kunyange zvazvo vazhinji vakatsoropodza nzira inoita nayo zvikoro kudzidzisa, chikoro chinokugombedzera chaizvoizvo kushandisa ndangariro yako. Chokwadi, kupedza zvinetso zvamasvomu ejometiri kana kuti kuziva nomusoro ndaza yemisi yenhau hakungaratidziki kuva kune chokuita noupenyu hwako panguvayo. Asi sokunyora kwakaita Barbara Mayer muThe High School Survival Guide: “Handi munhu ari wose achayeuka maidi ari ose nezivo duku izvo vadzidzisi vanoda kuisa pabvunzo, asi unyanzvi hwakadai sokudzidza mutoo wokufunda nawo, mutoo wokurondedzera nawo, hahuzati huchizotongokanganwika.”

Vanapurofesa vatatu vapayunivhesiti vakadzidza miuyo yenguva refu yefundo vakataura nenzira imwe cheteyo kuti “vakadzidziswa zviri nani zvikuru vane zivo yakapamhama neyakadzika zvikuru isati ichingova hayo maidi amabhuku asiwo yavanhu vaunorarama navo pamwe chete, uye kuti sezvingabvira zvikuru vanotsvaka zivo ndokurereudzirwa kumanyuko amashoko . . . Mitsauko iyi inowanzova yakavapo pasinei hapo nokukwegura uye makore mazhinji okubviswa muchikoro.”—The Enduring Effects of Education.

Chinoisvokosha chazvose, dzidzo inogona kukushongedzera kuita mitoro yako yechiKristu. Kana wakawana miitiro yakanaka yefundo uye wakagona unyanzvi hwokurava, unogona kufunda nyore nyore zvikuru Shoko raMwari. (Pisarema 1:2) Wadzidza muchikoro nzira yokutaura nayo iwe umene, unogona nyore nyore zvikuru kudzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri kuna vamwe. Zivo yenhau, sayenzi, jiogirafi, nemetsi nenzira yakafanana inobetsera uye ichakubetsera kurondedzerera vanhu vemigariro yakasiana-siana, fariro, nezvitendero.

Chikoro Nebasa

Chikoro chine revo huru pamusoro pekariro dzako dzomunguva yemberi dzebasa. Chinodaro sei?

Mambo Soromoni akachenjera akataura nezvomushandi anounyanzvi, kuti: “Iye achazvimisa amene pamberi pamadzimambo; haazozvimisi amene pamberi pavanhu venhando.” (Zvirevo 22:29) Ikoku kuchiri kunoitika nhasi. “Kana pasina unyanzvi, zvinhu zvizhinji muupenyu zvinogona kuita kuti urambe uri shure,” akadaro Ernest Green weU.S. Department of Labor.

Nomutoo unonzwisisika, ipapoka, mufungo webasa kuna avo vanorega chikoro hauna kutsarukana. Walter (anokorwa mashoko pakuvamba-vamba) akadzidza ikoku nenzira yakaoma. “Ini ndakaita kumbiriso kazhinji kazhinji zvikuru nokuda kwamabasa uye handati ndaigona kuawana nokuti ini ndakanga ndisina dhipuroma.” Iye akabvumawo, kuti: “Dzimwe nguva vanhu vanoshandisa mashoko andisinganzwisisi, uye ndinonzwa ndiri fuza.”

Kushaiwa basa kwavane mazera amakore 16 kusvikira ku 24 vari varegi vechikoro chapamusoro “kunenge kwakawanda nakaviri kupinda kuye kwavezera ravo vakakunda chikoro uye kuti kunenge kwakawanda nekatatu kupinda kuye kwemwero wose wokushaiwa basa.” (The New York Times) “Avo vasingapfuuridziri dzidzo yavo vari kupfigira kunze banza,” akawedzera kudaro munyori F. Philip Rice mune rake bhuku rinonzi The Adolescent. Mumwe munhu akarega haana kugona unyanzvi hukuru sezvingabvira hunodikanirwa kuita mabasa akapfava zvikurusa.

Paul Copperman anonyora mubhuku rake rinonzi The Literacy Hoax, kuti: “Fundo yazvino uno inoratidzira kuti kunenge kunoda mwero wokurava wegiredhi rechinomwe kuva nebasa somubiki, mwero wegiredhi rechisere kuva nebasa samakanika, uye mwero wegiredhi rechipfumbamwe kana kuti rechigumi kuva nebasa samabharani wemigove.” Anopfuurira kuti: “Ndinodavira kuti kutaura kuno mufungo kuti basa rokuva mudzidzisi, mukoti, akaundendi, kana kuti injinia ringada mwero wakakwirira zvikuru wamano okurava.”

Sezvinooneka, ipapoka, vadzidzi vanozvishandisa vamwe kukudzidza unyanzvi hukuru, hwakadai sokurava, vachava namabanza ari nani zvikuru ebasa. Asika chii chiri imwe betsero yenduramo inogona kuwanwa mukupinda chikoro?

Kuva Munhu Ari Nani Zvikuru

Betsero iyoyo yenduramo ndeyokuziva masimba ako noutera. Michelle, uyo achangobva kuwana basa munzvimbo yekomupiyuta, akati: “Muchikoro ndakadzidza mutoo wokushanda nawo mudzvinyiriro, mutoo wokutsungirira nawo muedzo nomutoo wokutaura nawo ini ndimene.”

‘Chikoro chakandidzidzisa mutoo wokurangarira nawo kundikano,’ inodaro imwe pwere. Aiva nekombamiro yokurangarira vamwe, uye kwete iye amene, sechisakiso chokusabudirira kwake. Vamwe vakabetserekana nomuitiro wakarovedzwa wechikoro. Vazhinji vanotsoropodza zvikoro nokuda kwaikoku, vachitaura kuti iwowu unogomadza ndangariro dzepwere. Bva Soromoni akakurudzira pwere “kuziva uchenjeri nechirango.” (Zvirevo 1:2) Muzvikoro umo chirango chinokurira zvakabudisa chaizvoizvo ndangariro zhinji dzakarovedzwa, asi dzinogona kuita zvinhu.

Naizvozvo kunoita mufungo wakanaka kwauri kuti ushandise zvizere makore ako echikoro. Unogona sei kuita saizvozvo? Ngatitange nebasa rako rokuchikoro iro rimene.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko pwere zhinji dzine murangariro usina kutsarukana wechikoro? Unorangarira seiko pamusoro penhauyo?

◻ Chikoro chinobetsera sei munhu kukudziridza mano okufunga?

◻ Kurega chikoro kungatapura sei mano ako omunguva yemberi okuwana basa, uye nei?

◻ Ndedzipi dzimwe betsero dzomunhu oga dzingavapo somuuyo mukugara muchikoro?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 135]

“Ndakanga ndigere ikoko ndichingoramba ndichiva dofo, naizvozvo ndakasiya”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 138]

“Fundo yazvino uno inoratidzira kuti kunenge kunoda mwero wokurava wegiredhi rechinomwe kuva nebasa somubiki, mwero wegiredhi rechisere kuva nebasa samakanika, uye mwero wegiredhi rechipfumbamwe kana rechigumi kuva nebasa samabharani wemigove”

[Mifananidzo iri papeji 136]

Chirango chaunodzidza muchikoro chinogona kukubetsera nokuda kwoupenyu hwako hwose hwasara

[Mufananidzo uri papeji 137]

Kariro dzebasa dzakadzimaidzika kuna avo vasati vagona kudzidza unyanzvi hukuru hunodzidziswa muchikoro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe