RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 April pp. 10-13
  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 3

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 3
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhoroondo Dzakavimbika
  • Uprofita Hwakavimbika
  • Chipikirwa Chaunogona Kuvimba Nacho
  • Bhabhironi Rine Simba Simba Renyika Guru Rechitatu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhaibheri Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 2
    Mukai!—2012
  • Kumuka Nokuwa kweChifananidzo Chikuru
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 4
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 April pp. 10-13

Bhuku Raunogona Kuvimba Naro​—Chikamu 3

Bhabhironi Munhoroondo dzeBhaibheri

Nyaya ino ndeyechitatu panyaya nomwe dziri mumagazini e“Mukai!” dzinokurukura nezvemasimba enyika manomwe anotaurwa munhoroondo dzeBhaibheri. Chinangwa chacho ndechokuratidza kuti Bhaibheri rakavimbika uye rakafuridzirwa naMwari uye mashoko aro anopa tariro yokuti kutambura kwose kunokonzerwa nokutonga kwevanhu kweutsinye kuchapera.

GUTA reBhabhironi rekare raiva rakanaka zvechokwadi uye raiva mubani rakaorera anenge makiromita 80 kumaodzanyemba kweBaghdad yemazuva ano. Bhabhironi rairatidzika serisingakundiki pamusana pemasvingo aro maviri akanga akasimba uye akanga akapoteredzwa nemugero wemvura. Guta racho raizivikanwa netemberi dzakanaka zvikuru, mapindu airembera, uye shongwe dzetemberi. Serimwe remaguta makurusa ekare, Bhabhironi rakapiwa zita rokuti guta rinoshamisa.

MuBhaibheri, rinonzi “Tenzikadzi woUmambo” uye raiva guta guru resimba renyika yose rechitatu munhoroondo yeBhaibheri. (Isaya 47:5) Kungofanana noumambo hweIjipiti uye hweAsiriya hwakahutangira, Umambo hweBhabhironi hwakaita basa rinokosha chaizvo munhoroondo yeBhaibheri, zvinotibatsira kuwiriranisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvaro uye zvinotaurwa nemamwe mabhuku enyika.

Nhoroondo Dzakavimbika

Bhuku reBhaibheri raDhanieri rinotiudza kuti murume anonzi Bheshazari akambotonga samambo muBhabhironi. (Dhanieri 5:1) Zvisinei, mamwe mashoko enyika akataurwa kare anoti kunyange zvazvo Bheshazari aiva nesimba, haana kumbobvira ava mambo. Bhaibheri raireva nhema here? Vanochera matongo vakafukunura midziyo yevhu mumatongo eguta reUri muMesopotamia. Magwaro aya akanyorwa necuneiform akanga ari pane mumwe mudziyo wevhu aibatanidza munyengetero waMambo weBhabhironi Nabhonidhasi nezva“Bel-sar-ussur, mwanakomana wangu mukuru.” Zvakazowanikwa pave paya zvakazoratidza kuti Bheshazari “akatonga panzvimbo yababa vake kweinopfuura hafu yenguva yavaiva mambo, panguva yose iyoyi aaiita sokuti ndiye aitova mambo,” rinodaro New Bible Dictionary.

Nhoroondo dzinoratidzawo kuti Bhabhironi rekare raiva guta raiva nevanhu vaida zvokunamata zvikuru, rakakurumbira pane zvokuongorora nyeredzi uye kushopera. Somuenzaniso, pana Ezekieri 21:21, tinoverenga kuti mambo weBhabhironi akasarudza kuita zvokushopera kuti azive kana aifanira kurwisa Jerusarema. Bhaibheri rinotaura kuti mambo ‘akatarira muchiropa.’ Akashandisirei chiropa? VaBhabhironi vaishandisa nhengo iyi pakufembera. Bhuku rinonzi Mesopotamian Astrology rinotiudza kuti panzvimbo imwe muBhabhironi rekare, vanochera matongo vakaona “zvifananidzo zvezviropa 32 [zvevhu], zvose zvakanyorwa” nezvemashura.

Mumwe mucheri wematongo anozivikanwa zvikuru Nelson Glueck akamboti: “Ndakachera kwemakore makumi matatu ndiine Bhaibheri muruoko uye tirauro iri mune rumwe ruoko, uye munyaya dzinotaura zvakaitika kare handina kumboona Bhaibheri richireva nhema.”

“Ndakachera kwemakore makumi matatu . . .

Uprofita Hwakavimbika

Waizoti kudii kana mumwe munhu akakuudza kuti guta rakakura seHarare, Johannesburg, kana kuti London richava dongo risingagarwi? Zviri pachena kuti waisazobvuma. Asi, izvozvo ndizvo zvakaitika kuBhabhironi rekare. Pachine makore anenge 200, munenge mugore ra732 B.C.E., Jehovha Mwari akafuridzira muprofita wechiHebheru Isaya kuti anyore uprofita pamusoro pokuparadzwa kweBhabhironi raiva nesimba. Akanyora kuti: “Bhabhironi, kushongedzwa kwoumambo, . . . richava sepaya pakaparadzwa Sodhoma neGomora naMwari. Harizombogarwi, uyewo harizorambi riripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.”—Isaya 13:19, 20.

Asi nei Mwari akafanotaura nezvokuparadzwa kweBhabhironi? Muna 607 B.C.E., mauto eBhabhironi akaparadza Jerusarema uye akatora vakanga vasara ndokuenda navo kuBhabhironi, kwavaiitirwa utsinye. (Pisarema 137:8, 9) Mwari akafanotaura kuti vanhu vake vaizofanira kutsungirira kubatwa zvine utsinye kwemakore 70 nokuda kwemabasa avo akaipa. Uye Mwari aizovanunura ovaita kuti vadzokere kunyika kwavo.—Jeremiya 25:11; 29:10.

Sezvakanga zvataurwa neShoko raMwari rouprofita, muna 539 B.C.E., makore 70 okuva nhapwa kwevaJudha zvaakanga ava kuda kupera, guta reBhabhironi raiita serisingakundiki rakarakashwa nemauto eMedhiya nePezhiya. Nokufamba kwenguva, guta rakava murwi wematongo—sezvakanga zvafanotaurwa. Hapana munhu aigona kufanotaura zvinhu zvaizonyatsoitika saizvozvo. Pasina mubvunzo, kuprofita, kana kuti kufanotaura zviitiko pachine nguva, kunosiyanisa Munyori weBhaibheri—Mwari wechokwadi, Jehovha—nevamwewo vanamwari.—Isaya 46:9, 10.

AKAFANOTAURWA NEZITA

Humwe uprofita hunoshamisa zvikuru pamusoro pokuwa kweBhabhironi hwaisanganisira aizorikunda wacho, Mambo Koreshi wePezhiya. Anenge makore mazana maviri Koreshi asati ava kutonga, Jehovha Mwari akamutaura nezita uye akafanotaura kuti ndiye aizokunda Bhabhironi.

Achifanotaura nezvokukunda kwaizoita Koreshi, Isaya akafuridzirwa kuti anyore kuti: “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi pamberi pake, . . . kuti ndimuvhurire masuo ane madhoo maviri, zvokuti kunyange magedhi haazovharwi.” Mwari akafanotaurawo kuti Rwizi rwaYufratesi rwaizopwa.—Isaya 45:1-3; Jeremiya 50:38.

Vanyori venhoroondo vechiGiriki Herodotus naXenophon vanotsigira kuzadzika kweuprofita uhwu hunoshamisa. Vanotaura kuti Koreshi akatsausa Rwizi rwaYufratesi, achiita kuti mvura yarwo idzikire. Mauto aKoreshi akabva akwanisa kupinda muguta racho nepamagedhi aro, akanga asiyiwa akavhurika. Sezvakanga zvafanotaurwa, Bhabhironi raiva nesimba ‘rakangoerekana’ rawa muusiku humwe chete.—Jeremiya 51:8.

Chipikirwa Chaunogona Kuvimba Nacho

Pane humwezve uprofita huri kuzadzika zvinoshamisa mazuva ano. Uprofita hwacho hunosanganisira Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari uye hope dzaakarota nezvechifananidzo chikuru. Muviri wacho wakanga uine zvikamu zvishanu—musoro, chipfuva nemaoko, dumbu nezvidya, makumbo, uye tsoka—wakaumbwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. (Dhanieri 2:31-33) Zvikamu zvacho zvaimiririra hurumende dzinotevedzana, kana kuti umambo, hwakatanga neBhabhironi uye hwaipfuurira kusvikira kuSimba reNyika rechinomwe munhoroondo yeBhaibheri, reBritain neAmerica.—Dhanieri 2:36-41.

Dhanieri anotaura kuti zvakashandiswa pakuumba tsoka uye zvigunwe zvechifananidzo chacho zvainge zvakasiyana zvinoshamisa. Sei? Simbi chaiyo yakatsiviwa nemuvhenganiswa wesimbi nevhu nyoro. Dhanieri akatsanangurira Nebhukadhinezari kuti: “Zvamakaona simbi yakasangana nevhu nyoro, huchavhengana nevanakomana vevanhu; asi hahuzonamatirani, sezvinoita simbi isingabatani nevhu rakaumbwa.” (Dhanieri 2:43) Chokwadi, kuvhenganisa simbi nevhu kunobudisa chinhu chisina kusimba, uye ‘hazvinamatirani.’ Izvi zvinonyatsorondedzera nyika yatiri kurarama mazuva ano isina kubatana mune zvematongerwo enyika!

Dhanieri anotaurawo nezvechimwe chinhu chinokosha chaizoitika. Muhope dzake, Mambo Nebhukadhinezari akaona dombo rakavezwa mugomo guru. Dombo iri rakasimudzwa, “rikarova chifananidzo chacho kutsoka dzacho dzesimbi nevhu rakaumbwa, rikadziparadza.” (Dhanieri 2:34) Zvinorevei izvozvo? Dhanieri anopindura kuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo [munguva yesimba renyika rokupedzisira], Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:44) Uprofita ihwohwo hwaitaura nezveUmambo hwakasiyana nehurumende dzinozivikanwa nevanhu. Jesu Kristu, Mesiya, ndiye Mambo wahwo. Sezvakataurwa munyaya dzakapfuura, Jesu achapwanya Satani nevateveri vake vose, vanhu uye midzimu, zvobva zvaita kuti pave norugare nerunyararo pasi nekudenga.—1 VaKorinde 15:25.

BHABHIRONI GURU

Bhuku romuBhaibheri reZvakazarurwa rinotaura nezvehure rokufananidzira rinonzi “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5) Hure iri rinomiririrei? Uchapupu hunoratidza kuti isangano rezvitendero.

Bhabhironi rekare raiva guta rainyanya kuitwa zvechitendero, raiva netemberi dzinopfuura 50 dzakakumikidzwa kuna vanamwari vakawanda. VaBhabhironi vaidavira muna vanamwari vatatu vatatu uye vaidavira kuti kana munhu afa, mweya wake unoenda kunyika iri pasi ine rima. Funk & Wagnalls New Encyclopedia rinoti nezvenyika iyoyo, “kurarama kwevanhu pashure perufu ndehumwe upenyu hunoraramwa asi husingafadzi uye hunorwadza.”

Nokufamba kwenguva, dzidziso idzodzo dzakapararira munyika yose. Mazuva ano, dzidziso idzodzo, kana kuti dzimwe dzakagadziriswa, dzinogona kuwanika muzvitendero zvechiKristudhomu. Zvitendero izvi zvose zvinoumba chikamu chikuru chesangano renyika yose rezvitendero, Bhabhironi Guru!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe