RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 January pp. 4-5
  • Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kutambura Kwatiri Kuita Kunokonzerwa naMwari Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 January pp. 4-5

Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?

VAKURU vezvitendero vanofunga kuti vanoziva mhinduro yomubvunzo uyu vanowanzodzidzisa kuti kutambura chitori chirango chinobva kuna Mwari. Somuenzaniso, pashure pokudengenyeka kwakaitika kuHaiti, mumwe mupristi womuguta guru reko akaudza vanhu vesangano rake kuti njodzi iyi yairatidza kuti pane zvakanga zviri kutotaurwa naMwari. Vamwewo vanotaura maonero akasiyana-siyana anoita vamwe. Mumwe purofesa wezvitendero wokuAmerica akati vanhu vakawanda vanoti: “Kuronga kunoita Mwari njodzi dzakadai hakukwanisi kunzwisiswa nemunhu uye hazvisi zvedu kuti tizive. Chedu chete kuva nokutenda.”

Asi ichokwadi here kuti matambudziko anosangana nevanhu inyaya yokuti zvinhu zvakatogara zvakatorongwa naMwari? Mhinduro yakajeka yeBhaibheri ndeyokuti kwete. Jehovha Mwari haana kumbobvira aronga kuti vanhu vazotambura. Asi kuti vanhu vaviri vokutanga ndivo vakapandukira utongi hwaMwari, vakazvidzikira mitemo yavo yezvakanaka nezvakaipa. Vakapira Mwari gotsi uye vakakohwa zvavakadyara. Matambudziko atiri kuona nhasi imhaka yechisarudzo chakaipa chavakaita, kwete kuti Mwari ndiye akakonzera kutambura kwevanhu. Bhaibheri rinoti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Matambudziko anogona kungowira munhu wose kunyange vaya vanonamata Mwari. Chimboona mienzaniso inotevera:

  • Muprofita Erisha aiva nechirwere chisingarapiki.—2 Madzimambo 13:14.

  • Muapostora Pauro akanyora kuti akaramba ‘aine nzara uyewo aine nyota, asina zvokupfeka, achiitirwa zvakaipa, uye asina musha.’—1 VaKorinde 4:11.

  • Mumwe muKristu anonzi Epafrodhito airwara uye paiva nezvaiita kuti ‘asuruvare.’—VaFiripi 2:25, 26.

Hapana patinombonzwa kuti varume vatatu ava vaitambura nemhaka yokuti vairangwa naMwari pamusana pezvivi zvavo. Bhaibheri rinoratidza pachena kuti Mwari haasi iye anoita kuti vanhu vatambure. Rinoratidzawo zvinhu zvitatu zvinowanzokonzera kutambura.

Zvisarudzo Zvatinoita

“Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Zviri pachena kuti munhu anosarudza kusvuta, kutyaira asingatevedzeri mitemo yomumugwagwa kana kuti anopambadza mari pakupedzisira achakohwa zvaanodyara.

Chimwewo chinogona kukonzera kuti titambure zvisarudzo zvoudyire zvinoitwa nevamwe. Mamwe mabasa anoitwa nevanhu ndeeudhiyabhorosi chaiwo, akadai sokuurayiwa kwoutsinye kwakaitwa vanhu nehurumende yeNazi uye kumbunyikidzwa kwevana. Vamwe vanoita zvisarudzo zvinozoita kuti vamwe vanhu vatambure.

Zvinongoerekana Zvaitika

Muzana remakore rokutanga C.E., imwe shongwe huru yokuJerusarema yakawondomoka ikauraya vanhu 18. Jesu paaitaura nezvenjodzi iyi akati: “Munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here? Ndinokuudzai kuti kwete!” (Ruka 13:4, 5, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Jesu aiziva kuti njodzi iyi yakanga isiri nyaya yokuti chirango chaibva kuna Mwari. Aiziva kuti Shoko raMwari raiti: “Vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Matambudziko akawanda anowanzoitika munhu asingatarisiri kana kuti rinenge richingoriwo dambudziko rinenge rakonzerwa nevamwe. Somuenzaniso, zviri kuonekwa kuti matambudziko ari kusangana nevanhu inyaya yokuti vanhu havateereri nyevero uye zvimwe zvivako zvinenge zvisina kuvakwa zvakasimba kuitira pakauya njodzi. Saka njodzi dzinongoerekana dzaitika dzinokonzera kuti kutambura kuwedzere pavanhu vakawanda.

“Mutongi Wenyika Ino”

Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (Johani 12:31; 1 Johani 5:19) “Akaipa” iyeye ndiSatani Dhiyabhorosi, ngirozi ine simba inorondedzerwa ichinzi “mutongi wesimba remhepo.” Satani ndiye anokusvudzira “mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” (VaEfeso 2:2) Dzimwe mhosva dzakadai sekuuraya rumwe rudzi uye kumbunyikidzwa kwevana dzinorovesa hana zvokuti vamwe vakapedzisira vati aya mabasa adhiyabhorosi chaiwo.

Saka zvoreva here kuti moyo waMwari haumbobatwi-batwi nematambudziko atinosangana nawo? Pane zvaachaita here kuti apedze matambudziko aya uye anozvigona here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe