RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 1 p. 16
  • Bhaibheri Rinotii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari ndiye anokonzera kutambura here?
  • Kutambura kuchapera here?
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?
    Mukai!—2012
  • Mwari Anonzwa Sei Nekutambura Kwauri Kuita?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 1 p. 16
Amai vakagumbatira mwana wavo panguva yehondo

Panyika pakazara nematambudziko asi tingati ndiMwari here ari kuakonzera?

Bhaibheri Rinotii?

Mwari ndiye anokonzera kutambura here?

Ungati kudii?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Zvimwe

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!” (Jobho 34:10) Mwari haambokonzeri zvinhu zvakaipa kana kuti kutambura kuri kuita vanhu panyika.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Matambudziko akawanda atinosangana nawo anokonzerwa naSatani Dhiyabhorosi, “mutongi wenyika.”​—Johani 14:30.

  • Kutambura kwatinoita kunokonzerwawo nezvakaipa zvinoitwa nevanhu.​—Jakobho 1:14, 15.

Kutambura kuchapera here?

Vamwe vanoti vanhu vanokwanisa kupedza matambudziko kana vakaisa misoro pamwe, asi vamwe vanoona sekuti zvinhu zviri kuitika munyika hazvifi zvakachinja. Unofungei?

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mwari achabvisa kutambura panyika. “Rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Mwari achashandisa Jesu kuti abvise kutambura kuri kukonzerwa naDhiyabhorosi.​—1 Johani 3:8.

  • Vanhu vanoita zvakanaka vachararama nekusingaperi murugare pano panyika.​—Pisarema 37:9-11, 29.

Kuti uzive kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura, verenga chitsauko 11 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe