Pfungwa Dzokuda Kuzviuraya Padzinombouya
GORE rimwe nerimwe zviuru zvevanhu kuUnited States zvinoedza kuzviuraya. Bhaibheri rinotaura chikonzero chinoita kuti vanhu vakawanda vagumirwe zvokupedzisira vafunga kuzviuraya. Rinotsanangura kuti tiri kurarama ‘munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ Upenyu huri kuomera vanhu zvokuoma zviya. (2 Timoti 3:1; Muparidzi 7:7) Munhu paanoona sokuti nhamo dzoupenyu dzamukunda anogona kufunga kuti kuzviuraya ndokuzvipedza. Kana pfungwa dzakadaro dzichimbouya mumusoro mako ungaitei?
Hausi Woga Une Dambudziko!
Kunyange hazvo zvingaita sokuti dambudziko rako iguru, yeuka kuti hausi iwe woga, uye zvinosuwisa kuti anenge munhu wose ari kusangana nedambudziko mazuva ano. Bhaibheri rinoti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Zvingaita sokuti dambudziko rako harisi kuzofa rakapera, asi zvinhu zvinowanzochinja nokufamba kwenguva. Nedambudziko rako iri, zvii zvaungaita kuti ubatsirwe?
Udza mumwe munhu akura waunovimba naye zviri kukudya mwoyo. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Murume akarurama anonzi Jobho anotaurwa muBhaibheri haana kukuvarira mukati asi akaudza vamwe zvaimunetsa. Paakaona sokuti upenyu hwake ‘hwaisemesa,’ akabva ati: “Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu. Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!” (Jobho 10:1) Kuudza vamwe zviri kukunetsa kunogona kuderedza kuzvidya mwoyo uye kunogona kuita kuti utange kuona zvakanaka matambudziko ako.a
Nyengetera kuna Mwari uchimuudza zvose zviri pamwoyo pako. Vamwe vanofunga kuti munyengetero ndewokungoita kuti munhu anzwe searerukirwa, asi handizvo zvinotaurwa neBhaibheri. Pisarema 65:2 inoti Jehovha Mwari “Munzwi womunyengetero,” uye 1 Petro 5:7 inoti: ‘Iye ane hanya newe.’ Bhaibheri rinodzokorora radzokororazve kukosha kwokuvimba naMwari. Pamwe pacho ndeapa:
“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—ZVIREVO 3:5, 6.
“[Jehovha] achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye achavaponesa.”—PISAREMA 145:19.
“Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.”—1 JOHANI 5:14.
“Jehovha ari kure nevakaipa, asi anonzwa minyengetero yevakarurama.”—ZVIREVO 15:29.
Kana ukaudza Mwari matambudziko auri kusangana nawo, achakubatsira. Ndokusaka Bhaibheri richikukurudzira kuti ‘uvimbe naye nguva dzose, udurure mwoyo wako pamberi pake.’—Pisarema 62:8.
Kana Pava Kudiwa Rubatsiro Rwechipatara
Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vakawanda vanozviuraya vanenge vaine chirwere chinonzi depression.b Ndicho chikonzero nei zvichikosha kuti vawane rubatsiro rwechipatara. Chiremba anogona kumunyorera mishonga kana kumuudza kuti asadya zvimwe zvinhu. Kunze kwokunwa mishonga chete, dzimwe nguva kuitawo maekisesaizi kunobatsira. Kuenda kuchipatara kwakabatsira vakawanda chaizvo.c
Bhaibheri rine mashoko akawanda anogona kukubatsira uye kuita kuti uve netariro. Somuenzaniso, pana Zvakazarurwa 21:4 panoti, Jehovha Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Mwari ndiye ari kuvimbisa izvi, saka kufunga nezvemashoko aya kunogona kukunyaradza.
Zvapupu zvaJehovha zviri kuudza vanhu vakawanda pasi rose nezvetariro iyi iri muBhaibheri. Izvi zviri kuita kuti vakawanda vave netariro yechokwadi mumazuva ano azere matambudziko. Kana uchida kunzwa zvakawanda enda paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri kwaunogara kana kunyorera kukero iri papeji 5 yemagazini ino. Unogonawo kuenda paIndaneti pawww.watchtower.org.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vakatsvaka rubatsiro kunzvimbo dzinoyamura vanhu vanofunga kuzviuraya kana kuti kuenda kwachiremba anoona nezvepfungwa.
b Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvechirwere chedepression, ona Mukai! yeChirungu yaJuly 2009 mapeji 3-9.
c Mukai! haiti marapiro akati ndiwo akanaka kudarika akati. Munhu oga oga ndiye anofanira kuongorora marapirwo aanoda asati aita chisarudzo.
[Bhokisi riri papeji 16]
MAGWARO EMUBHAIBHERI ANOGONA KUKUBATSIRA
● “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.
● “Ndakabvunza Jehovha, iye akandipindura, akandinunura pazvinhu zvose zvaindityisa.”—Pisarema 34:4.
● “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”—Pisarema 34:18.
● “Anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.”—Pisarema 147:3.
[Bhokisi riri papeji 17, 18]
KANA UKAVA NEPFUNGWA DZOKUDA KUZVIURAYA . . .
Udza mumwe munhu akura waunovimba naye zviri kukudya mwoyo
Nyengetera kuna Mwari uchimuudza zvose zviri pamwoyo pako
Enda kwachiremba
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
RUBATSIRO RWUNGAPIWA NEHAMA NESHAMWARI
Vanhu vomumba neshamwari kazhinji ndivo vanotanga kuona kuti nhingi ari kufunga kuzviuraya. Munogona kuponesa upenyu hwake kana mukakurumidza kumubatsira. Ratidzai kuti muri kumunzwirawo tsitsi paanenge achitaura nemi. Ratidzai kuti muri kunzwisisa dambudziko rake. Bhaibheri rinoti: “Taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Kurudzirai ane dambudziko kuti awane rubatsiro uye kana zvichiita, onai kuti aenda here kunowana rubatsiro rwacho.