Unogona Kubatsirwa
‘MAPIRITSI okukotsirisa makumi mana nemapfumbamwe mukapu imwe chete. Ndoanwa here kana kuti ndorega?’ mumwe murume ane makore 28 muSwitzerland akazvibvunza kudaro. Mudzimai wake nevana vakanga vamusiya, uye akanga aora mwoyo zvikuru. Zvisinei, pashure pokuamedza, akataura oga achiti: ‘Kwete. Handidi kufa!’ Zvinofadza kuti akapona kuti azotaura nyaya yacho. Pfungwa yokuda kuzviuraya haigumi norufu nguva dzose.
Maererano nevayaruki vanoedza kuzviuraya, Alex Crosby weU.S. Centers for Disease Control and Prevention akati: “Ukagona kuzvidzivisa kunyange kwemaawa mashomanana, unogona kuzvimisa. Unogona kutodzivisa kuzviuraya kwakati kuti kana ukapindira wobatsira. Unogona kuponesa upenyu hwavo.”
Paaishanda paLifesaving and Emergency Center paJapan Medical College, Purofesa Hisashi Kurosawa akabatsira mazana evanhu vaida kuzviuraya kuti vave nechido chokurarama. Hungu, nokupindira kweimwe nzira, upenyu hunogona kununurwa. Rubatsiro rupi runodiwa?
Kutarisana Nezvinetso Zvisiri Pachena
Sezvataurwa munyaya yapfuura, vaongorori vanoti 90 kubva muzana yevanozviuraya vairwara nepfungwa kana kuti vaiva nechinetso chokudhakwa. Nokudaro, Eve K. Mościcki weU.S. National Institute of Mental Health, anoti: “Tariro inopfuura dzose yokudzivisa kuzviuraya mumazera ose ndeyokudzivisa zvinetso zvepfungwa nokupindwa muropa nezvinodhaka.”
Zvinosuruvarisa kuti vazhinji vane zvinetso zvakadaro havafariri kutsvaka rubatsiro. Nemhaka yei? “Nokuti vanhu vanofunga zvisiri izvo munzanga,” anodaro Yoshitomo Takahashi wepaTokyo Metropolitan Institute of Psychiatry. Anowedzera kuti zvinoguma zvaitika ndezvokuti kunyange vanhu vanonyatsoziva kuti havanzwi zvakanaka vanozeza kutsvaka kurapwa pakarepo.
Kunyange zvakadaro, vamwe havaregi nyadzi dzichivamisa. Hiroshi Ogawa, mushamarari wepaterevhizheni anozivikanwa zvikuru ave achibudisa chirongwa chake pachake muJapan kwemakore 17, akabvuma kuruzhinji kuti anomboora mwoyo uye kuti akapotsa azviuraya. “Kuora mwoyo kungafananidzwa nokurwara nedzihwa kwendangariro,” akadaro Ogawa. Akatsanangura kuti munhu wose anogona kurwara naro asi achigona kupora.
Taura Nomumwe Munhu
“Kana mumwe munhu ari oga nedambudziko rake, kazhinji anoriona serakakura chaizvo zvisina mwero uye risingagadzirisiki,” anodaro Béla Buda, mukuru mukuru wezvoutano muHungary ane mashoko ambotaurwa. Iyi pfungwa inosimudzira uchenjeri huri muchirevo chekare chiri muBhaibheri chinoti: “Unozviparadzanisa navamwe unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.
Teerera mashoko iwayo okuchenjera. Usazvirega uchitambura nezvinetso zvakakura woga. Tsvaka mumwe munhu waungavimba naye. Ungati, ‘Asi handina wokuvimba naye.’ Maererano nomumwe mazvikokota woutano hwepfungwa Dr. Naoki Sato, vazhinji vanofunga kudaro. Sato akati varwere vangasataurira vamwe vanhu nyaya dzavo nokuti havadi kuzvifumura.
Munhu angaudza ani anomuteerera? Munzvimbo dzakawanda anogona kuenda kumasangano okudzivirira kuzviuraya kana kuridzira runhare mapoka akagadzirira kuteerera vari mumatambudziko kana kutsvaka chiremba anonyatsozivikanwa anobata nezvinetso zvepfungwa. Asi vamwe vanamazvikokota vane kumwe kwavanoziva kunowanika rubatsiro—chitendero. Chitendero chingabatsira sei?
Vakawana Rubatsiro Rwavaida
Marin, imwe ndonda inogara muBulgaria, akanga ava nechido chakasimba chokuzviuraya. Rimwe zuva akawana magazini yechitendero inonzi Nharireyomurindi, inobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Akapindura chikumbiro chaivapo chokuti ashanyirwe neZvapupu zvaJehovha. Marin anorondedzera zvakazoitika: “Vakandidzidzisa kuti upenyu chipo chinobva kuna Baba vedu vokudenga uye kuti hatina kodzero yokuzvikuvadza kana kupfuudza upenyu hwedu nemaune. Nokudaro, ndakadzora pfungwa yangu yekare yokuda kuzviuraya ndikatangazve kuda upenyu!” Marin akawanawo tsigiro yorudo kubva muungano yechiKristu. Kunyange zvake achiri ndonda, anoti: “Mazuva angu azara nomufaro norunyararo, uye azara nezvinhu zvinofadza zvokuita—zvandiri kutoshayira nguva! Zvose izvi nemhaka yaJehovha neZvapupu zvake.”
Murume wechiduku wokuSwitzerland ataurwa patangira nyaya ino akabatsirwawo neZvapupu zvaJehovha. Nhasi anotaura nezvo“mutsa weimwe mhuri yechiKristu” yakamutora ikagara naye. Anowedzera kuti: “Gare gare, nhengo dzeungano [yeZvapupu zvaJehovha] dzakatanga kuita madzoro kundikoka kuzodya zuva nezuva. Chakabatsira kwakanga kusiri chete kugamuchirwa nomufaro asi kukwanisa kutaura nomumwe munhu.”
Murume uyu akakurudzirwawo zvikuru nezvaakadzidza muBhaibheri, kunyanya paakadzidza nezvorudo rwaMwari wechokwadi Jehovha rwaanarwo kuvanhu. (Johani 3:16) Zvechokwadi, Jehovha Mwari anokunzwa pauno‘durura mwoyo wako’ pamberi pake. (Pisarema 62:8) “Meso [ake] anotarira-tarira kumativi ose enyika yose,” kwete kuti atsvakire vanhu mhaka, asi “kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Jehovha anotipikira kuti: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:10.
Pamusoro pechipikirwa chaMwari chenyika itsva, murume wokuSwitzerland akati: “Izvi zvakabatsira zvikuru kurerutsa kukangaidzika kwangu.” Tariro iyi, inorondedzerwa se“chinhu chinobata mweya,” inosanganisira chipikirwa choupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano.—VaHebheru 6:19; Pisarema 37:10, 11, 29.
Upenyu Hwako Hunokosha Kune Vamwe
Ichokwadi kuti ungasangana nemamiriro ezvinhu anoita kuti unzwe souri woga zvachose uye kuti ufunge kuti kunyange ukafa hapana ane basa newe. Zvisinei, yeuka kuti: Pane musiyano mukuru pakati pokunzwa uri woga uye kuva woga. Munguva inotaurwa muBhaibheri muprofita Eriya akanzwa kusurukirwa zvikuru muupenyu. Akati kuna Jehovha: “Vakauraya vaprofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu.” Hungu, Eriya akanzwa ava oga zvachose—uye paiva nechikonzero chokuti adaro. Vamwe vaprofita vakawanda kwazvo vakanga vaurayiwa. Iye pachake aida kuurayiwa, uye aitotiza kuti asaurayiwa. Asi akanga ari oga zvechokwadi here? Kwete. Jehovha akaita kuti azive kuti kwaiva nevanhu vanenge 7 000 vakatendeka, saiye, vaiedza kushumira Mwari mumazuva iwayo aisuwisa. (1 Madzimambo 19:1-18) Zvakadini newe? Kungadaro kuri kuti hausi woga sezvaunofunga here?
Pane vanhu vane hanya newe. Unogona kufunga nezvevabereki vako, wawakaroorana naye, vana vako, uye shamwari dzako. Asi pane vamwe. Muungano yeZvapupu zvaJehovha, unogona kuwana vaKristu vakakura mumudzimu vanokufarira, vachanzwa zvaunotaura uye vachanyengetera newe uye vachakunyengeterera. (Jakobho 5:14, 15) Uye kunyange kana munhu wose asina kukwana akakusiya, kune Mumwe asingazokusiyi chero zvodini. Mambo Dhavhidhi wekare akanyora kuti: “Nokuti baba vangu naamai vangu vakandirasa, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Hungu, Jehovha ‘ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Usafa wakakanganwa kuti unokosha kuna Jehovha.
Upenyu chipo chinobva kuna Mwari. Ichokwadi kuti upenyu pane dzimwe nguva hunganzwika somutoro kwete sechipo. Zvisinei, unogona kufungidzira here manzwiro awaizoita dai waipa mumwe munhu chipo chinokosha iye ochikanda kwakadaro uko asina kumbochishandisa? Isu vanhu vasina kukwana hatisati tatombotanga kushandisa chipo choupenyu. Bhaibheri rinotoratidza kuti upenyu hwatiri kurarama iye zvino hausi kunyange “upenyu chaihwo” mukuona kwaMwari. (1 Timoti 6:19) Hungu, munguva pfupi iri kutevera upenyu hwedu huchave hwanyatsozara, hwanyatsova nechinangwa, uye hwava kufadza kupfuura zvahuri. Zvingadaro sei?
Bhaibheri rinoti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Edza kufungidzira zvichava zvakaita upenyu hwako pachazadzika mashoko iwayo. Usamhanye-mhanye. Edza kuva nomufananidzo wakanaka weremangwana. Mufananidzo iwoyo hakusi kurota. Sezvaunofungisisa mabatiro akaita Jehovha nevanhu vake munguva dzakapfuura, chivimbo chako maari chichawedzera uye mufananidzo iwoyo uchawedzera kuva chinhu chaicho kwauri.—Pisarema 136:1-26.
Zvingati torei nguva kuti uzonyatsotanga kufarira kurarama. Ramba uchinyengetera kuna “Mwari wokunyaradza kwose anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Jehovha achakupa simba raunoda. Achakudzidzisa kuti upenyu hwakakodzera kuhurarama.—Isaya 40:29.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]
Ungabatsira sei Munhu Anoita Seanoda Kuzviuraya?
Unofanira kuitei kana mumwe munhu akakuudza kuti anoda kuzviuraya? “Teerera zvakanaka,” inopa zano iri U.S. Centers for Disease Control and Prevention (CDC). Murege ataure manzwiro aanoita. Zvisinei, kazhinji kacho munhu anoda kuzviuraya anoda kugara oga uye haadi kutaura nevanhu. Ziva kuti ari kurwadziwa uye kuti ari kunzwa asina tariro. Kana ukataura zvakanaka kuti wakacherechedza kumwe kuchinja muunhu hwake, unogona kuita kuti ataure uye akuudze zviri kumunetsa.
Paunenge uchiteerera, ratidza kunzwira tsitsi. “Zvakakosha kusimbisa kuti upenyu hwomunhu wacho hwakakosha kwauri uye kune vamwe,” inodaro CDC. Muudze kuti kufa kwake kuchakurwadza chaizvo uyewo vamwe. Batsira munhu wacho kuona kuti Musiki wake ane hanya naye.—1 Petro 5:7.
Vanamazvikokota munyaya iyi vanotiwo unofanira kubvisa chinhu chipi nechipi icho munhu angashandisa kuzviuraya—kunyanya pfuti. Kana zvikaratidza kuti zvakaoma, ungada kukurudzira munhu wacho kuti aende kwachiremba. Muzviitiko zvakanyanya kuipa, pangava pasina zvaunokwanisa kuita asi kudaidza amburenzi.
[Bhokisi riri papeji 29]
‘Mwari Achandikanganwira Here Nemanzwiro Andiri Kuita?’
Kusonganirana neZvapupu zvaJehovha kwakabatsira vakawanda kukurira pfungwa dzokuda kuzviuraya. Asi, hakuna munhu nhasi asina nhamo uye asingaori mwoyo. VaKristu vakambofunga zvokuzviuraya kazhinji kacho vanozozvitongesa kuti vakafungirei zvakadaro. Kunzwa vaine mhaka kwacho kunotowedzera kuvaremedza. Saka kunzwa kwakadaro kungaitwa sei?
Zvakanaka kucherechedza kuti vamwe varume nevakadzi vakatendeka vomunguva inotaurwa muBhaibheri vakataura kuvenga kwakakura kwavaiita upenyu. Pane imwe nguva Ribheka, mudzimai watateguru vechiHebheru Isaka, akanga achinetseka nematambudziko omumhuri zvokuti akati: “Ndanetswa noupenyu hwangu.” (Genesi 27:46) Jobho, uyo akarwadziwa nokurasikirwa nevana vake, utano hwake, pfuma yake, uye kuremekedzwa kwaaiitwa munzanga, akati: “Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu.” (Jobho 10:1) Mosesi akambochema kuna Mwari achiti: “Chindiurayai henyu kamwe.” (Numeri 11:15) Eriya, muprofita waMwari, akamboti: “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu.” (1 Madzimambo 19:4) Uye muprofita Jona akaramba achiti: “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”—Jona 4:8.
Jehovha akashora vanhu ava here nemhaka yemanzwiro avaiita? Kwete. Akatochengetedza mashoko avo muBhaibheri. Zvisinei, zvakakosha kucherechedza kuti hapana mumwe wevakatendeka ava akarega manzwiro aaiita achimuita kuti azviuraye. Jehovha aivakoshesa; aida kuti vararame. Chokwadi ndechokuti Mwari ane hanya kunyange noupenyu hwevakaipa. Anovakurudzira kuchinja nzira dzavo kuti ‘varambe vachirarama.’ (Ezekieri 33:11) Anotoda chaizvo kuti vaya vanoda kumufadza varambe vari vapenyu!
Mwari akapa chibayiro chorudzikinuro chomwanakomana wake, ungano yechiKristu, Bhaibheri, uye ropafadzo yomunyengetero. Mukana uyu wokutaura naMwari—munyengetero—uripo nguva dzose. Mwari anogona uye achanzwa vose vanosvika kwaari nomwoyo wokuzvininipisa uye zvepachokwadi. “Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa, kuti tiwane ngoni uye tiwane mutsa usina kufanirwa nokuda kwokubetserwa panguva yakafanira.”—VaHebheru 4:16.
[Bhokisi riri papeji 28]
Mudiwa Wako Akazviuraya Here?
Mumwe munhu paanozviuraya, mhuri uye shamwari dzepedyo dzinokangaidzika mupfungwa zvikuru. Vakawanda vanozvipa mhaka nokuda kwezvinenge zvaitika. Vanotaura mashoko akaita seaya: ‘Dai ndakangoti garei kweimwe nguva yakati kuti naye zuva riya,’ ‘Dai ndisina hangu kutaura mashoko aye,’ ‘Dai ndakaita chimwe chinhu kuti ndimubatsire.’ Zvavanenge vachireva ndezvokuti, ‘Dai ndakaita zvakati nezvakati, mudiwa wangu angadai achiri mupenyu.’ Asi, zvakarurama here kuzvipa mhaka yokuzviuraya kwomumwe munhu?
Yeuka kuti zviri nyore chaizvo kuzoziva zviratidzo zvokuda kuzviuraya munhu wacho atozviuraya. Panguva ino zvinhu hazvina kudaro. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo woga ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, uye hapana mumwe munhu anogona kuziva zvinoufadza.” (Zvirevo 14:10, Tanakh) Dzimwe nguva hazvitomboiti kuti uzive kuti mumwe munhu ari kufungei kana kuti ari kunzwa sei. Vanhu vakawanda vanoda kuzviuraya havakwanisi kuudza vamwe vanhu zviri kutsi kwemwoyo yavo, kunyange vomumhuri mavo chaivo.
Nezvezviratidzo zvomunhu angada kuzviuraya, bhuku rinonzi Giving Sorrow Words rinoti: “Chokwadi ndechokuti hazvisi nyore kuona zviratidzo zvakadaro.” Bhuku iri rinowedzera kuti kunyange kana ukaona zvimwe zviratidzo, izvozvo zvoga hazvipi vimbiso yokuti waikwanisa kudzivisa kuzviuraya kwacho. Pane kuti uzvitambudze, unogona kunyaradzwa nemashoko aMambo akachenjera Soromoni okuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Mudiwa wako haasi kutambudzwa muhero ine moto. Uye kushungurudzwa kwakaita kuti azviuraye kwapera. Haasi kutambura; akazorora zvake.
Zvingava zvakanaka kuti iye zvino uise pfungwa dzako pautano hwevapenyu, kusanganisira hwako. Soromoni akaenderera mberi achiti: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose” uchiri mupenyu. (Muparidzi 9:10) Unogona kuva nechokwadi chokuti upenyu hwemangwana hwevanhu vanenge vazviuraya huri mumaoko aJehovha, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.a
[Mashoko Omuzasi]
a Uchawana mashoko akanaka nezvenguva yemberi yevanhu vakazviuraya munyaya inoti “The Bible’s Viewpoint: Suicides—A Resurrection?” muMukai! yechiRungu yaSeptember 8, 1990.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Upenyu hwako hunokosha kune vamwe vanhu
[Mufananidzo uri papeji 26]
Taura nomumwe munhu