Chazvakaipira Kuva Nehasha
Mumwe murume akatenga zvekudya paresitorendi achibva ashatirwa chaizvo paakaona sekuti akanga anonokerwa. Akabva aenda kwaiva nemushandi wepo, achibva amuvhundutsira, akamusundidzira pakaunda, ndokubva amukwatura mbama. Akabva angohwapura zvekudya zvacho ndokubuda muresitorendi.
TOSE zvedu tinombogumbuka. Takaberekwa tichikwanisa kuratidza rudo, kuva netariro, kunetseka, kusuruvara, kutya uyewo hasha. Saka hazvishamisi kana tichimbova nehasha. Asi hasha dzine mwero dzinobatsira. Somuenzaniso, dzinobatsira kana dzichiita kuti munhu ashinge kukurira zvipingamupinyi kana matambudziko.
Kubva panyaya yataona yemurume wekutenga zvekudya paresitorendi, hasha dzinewo zvadzakaipira. Vamwe vanokurumidza kugumbuka kudarika vamwe uye kana vagumbuka haumbokwanisi kuvadzora. Vamwe kana vachinge vagumburwa, vanoita zvekupotsera mashoko kana kuti kutorova chaiko. Hasha ndidzo dzinenge dzava kuvatonga pane kuti vadzidzore. Hasha dzakadaro dzisingadzorwi dzakaipa.a
Vaya vane dambudziko rekutadza kudzora hasha dzavo vanopedzisira vavhiringa vamwe uye kuzvivhiringa ivo pachavo. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita kuti tunyaya tudukuduku tupedzisire twaita nyaya hombe inozokonzera matambudziko makuru. Imboona mienzaniso inotevera:
Mumwe murume akapfurwa nepfuti paaifamba neshamwari dzake nokuti bhegi reshamwari yake rakagumha murume wacho pavaifamba mumugwagwa waiva uzere vanhu.
Mumwe mukomana ane makore 19 aitamba mutambo wepamavhidhiyo wairatidza kurwisana. Kamwana kemusikana wake kaiva nemwedzi 11 kakabva kamuvhiringidza, mukomana uyu achibva adyiwa. Nehasha, mukomana uyu akatadza kuzvidzora achibva arova kamwana aka kusvika kafa.
Kune nyaya dzakangoda kufanana neidzi dziri kuitika pasi rose dzinoratidza kuti vanhu vakawanda vane dambudziko rokudzora hasha dzavo. Sei vanhu vari kuwedzera kuita hasha kudai?
[Mashoko Omuzasi]
a Bhurocha rakanzi Boiling Point—Problem Anger and What We Can Do About It rinotsanangura kuti hasha dzisingadzorwi dzinovhiringa munhu muupenyu kusanganisira mafungiro, manzwiro kana kuti maitiro aanoita zvinhu uye ukama hwake nevamwe vanhu.
[Bhokisi riri papeji 3]
Kugumbuka kwagara kuri matiri. Saka kugumbuka hakuna kuipa chero bedzi tichidzora hasha dzedu. Asi nyaya dzino dziri kukurukura nezvehasha dzisingadzorwi, idzo dzinogona kukanganisa vamwe nesu pachedu mupfungwa, mumuviri, uye pakunamata.