Sei Vanhu Vachiita Hasha Kudai?
ZVINOKONZERA hasha hazvinyatsonzwisisiki. Vesayenzi chaivo vanobvumawo izvi. Asi vanoona nezvekurapwa kwepfungwa vanobvumirana kuti munhu wose ane zvinhu zvinokonzera kuti aite hasha.
Zvinhu zvinoita kuti munhu aite hasha kazhinji inyaya yokusabatwa zvakanaka kana kuti kuitirwa zvakaipa. Zvinogona kuitika kana tichinge taona sokuti tatarisirwa pasi kana kuti hatina kuremekedzwa. Zvimwewo zvinogona kukonzera hasha kuona sokuti tiri kuda kutorerwa simba kana kuti mukurumbira wedu.
Zvinoita kuti munhu aite hasha zvinosiyana pamunhu mumwe nemumwe. Zvimwe zvacho izera, tsika dzekwaunobva uye kuti uri munhukadzi here kana kuti munhurume. Uyezve zvatinoita kana tagumburiswa hazvifanani. Vamwe vanhu vanogumbuka nenguva dziri kure uye kana vagumbuka vanokurumidza kugadzirisa nyaya yacho, asi vamwe havatani kugumbuka uye kana vagumbuka vanogona kuramba vachakagumbuka kwemazuva, kwemavhiki, kwemwedzi, kana kuti kwenguva yakareba.
Munyika yatinorarama muzere nezvinhu zvinogona kuita kuti tigumbuke. Chimwewo zvekare ndechokuti nhamba yevanhu vari kugumbuka pamusana pezvinhu zvenhando iri kuwedzera. Chikonzero nei? Chimwe chacho ndechokuti vanhu vakazara nemafungiro okuda kuita zvakavanakira chete. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Mumazuva okupedzisira . . . vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, . . . vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (2 Timoti 3:1-5) Izvi hazvisi kunyatsorondedzera zviri kuitwa nevanhu vakawanda mazuva ano here?
Chokwadi ndechokuti vanhu vanongozvifunga ivo pachavo vanowanzogumbuka kana zvinhu zvikaita sezvavanga vasingatarisiri. Panewo zvimwe zvikonzero zvinoita kuti kuva nehasha rive dambudziko riri kuramba richikura. Ona zvimwe zvacho.
Muenzaniso Wevabereki
Vana kubva pavanenge vachiri vaduku uye pavanenge vachiyaruka vanotevedzera unhu hwevabereki vavo. Mumwe anoongorora mashandiro anoita pfungwa anonzi Harry L. Mills anotsanangura kuti: “Vanhu vanodzidza kuva nehasha vachiri vaduku nekuona hasha dzinenge dziine vanhu vavanogara navo.”
Kana mwana akakurira mumhuri ine vanhu vanoita hasha patunyaya twenhando, ndozvaanozongoitawo kana akasangana nematambudziko muupenyu. Kukura kwemwana kungafananidzwa nemuti unodiridzwa nemvura yakasangana nemushonga. Muti wacho unogona kukura, asi haukuri zvakanaka, uye unogona kutokanganisika zvachose. Hasha dzinofananidzwa nemvura yakasangana nemushonga, uye vana vanokurira munzvimbo ine vanhu vanongoita hasha kazhinji vanozova nedambudziko rehasha kana vakura.
Maguta Ane Vanhu Vakawandisa
Mugore ra1800, vanhu vanenge vatatu pavanhu 100 voga voga mupasi rose vaigara mumaguta. Muna 2008 nhamba iyi yakakwira kuenda pavanhu 50, uye zvinofungidzirwa kuti panozosvika gore ra2050 nhamba iyi ichakwira zvekare kusvika pavanhu 70. Vanhu pavanoramba vachiwedzera kututirana mumaguta ane vanhu vakawandisa, hasha dzinowedzerawo. Somuenzaniso, Mexico City rimwe remaguta akakura chaizvo uye ane vanhu vakawandisa. Kutadza kufamba zvakanaka kwemotokari mumugwagwa nemhaka yekuwandisa kwadzo ndiko kunonyanya kuita kuti vanhu vaite hasha. Guta iri rine vanhu mamiriyoni 18 uye motokari mamiriyoni 6, zvokuti mumwe mutori wenhau akati “rinenge ndiro guta rine vanhu vanonyanya kunetseka chaizvo kudarika mamwe pasi rose. Motokari dzakawandisa, zvichiita kuti vanhu vave nehasha dzakanyanya.”
Maguta ane vanhu vakawandisa anokonzera kuti vanhu vaite hasha, kusanganisira ruzha uye kusvibiswa kwemhepo, kushomeka kwedzimba, kunetsana kwevanhu vane tsika dzakasiyana, uye kuparwa kwemhosva kwakanyanya. Sezvo zvinokonzera kunetseka zviri kuwedzera, vanhu vanowanzogumbuka uye havatani kuva nehasha.
Kusagadzikana Kweupfumi
Kuderera kwakaita upfumi pasi rose kwakaita kuti kwose kwose vanhu vatange kunetseka uye kuzvidya mwoyo. Mushumo wakabudiswa nesangano reInternational Monetary Fund neUnited Nations International Labor Organization (ILO) muna 2010 wakati: “Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni 210 pasi rose havana mabasa.” Zvinosuwisa ndezvokuti vaya vakapererwa nemabasa havana mari yavakachengeta inogona kuvayamura.
Kunyange vaya vari pamabasa zvinhu hazvisi kuvafambira zvakanaka. Maererano neILO, kushungurudzika kunokonzerwa nenyaya dzebasa i“dambudziko riri kuitika pasi rose.” Mumwe chipangamazano panyaya dzebhizimisi muOntario, kuCanada anonzi Lorne Curtis, anoti ‘vanhu vanotya kupererwa nemabasa uye vanozviona vava kutambura uye izvi zvinoita kuti vakakavadzane nevatungamiriri vavo kana nevamwe vavanoshanda navo vachida kudzivirira basa ravo.’
Rusaruro Uye Kubatwa Zvisina Kunaka
Waizonzwa sei dai waizonzi upinde mumakwikwi ekumhanya wobva waona kuti ndiwe wega wanzi umhanye wakasungwa makumbo necheni. Mamiriyoni evanhu anorwadziwawo chaizvo paanosarurwa nemhaka yedzinza ravo kana kuti nekuda kwezvimwe zvikonzero. Vanhu vanogumbuka pavanotarisana nezvipingamupinyi zvinovatadzisa kuwana basa, dzidzo, dzimba, uye zvimwe zvinhu zvinokosha pakurarama kwavo.
Kumwe kubatwa zvisina kunaka kunoitwa vanhu kunogona kuita kuti vaore mwoyo uye vashungurudzike chaizvo. Zvinosuwisa kuti vazhinji vedu takambobatwa zvisina kunaka. Pava nemakore anodarika 3 000, apo Mambo akachenjera Soromoni akazivisa kuti: “Kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa, asi vakanga vasina munyaradzi.” (Muparidzi 4:1) Kana kubatwa zvisina kunaka kwakazara kwose kwose uye pasina kwokuwana mashoko anonyaradza, zviri nyore kuti munhu aite hasha mumwoyo make.
Vanobudisa Zvinovaraidza
Pane ongororo dzakawanda dzakaitwa kuti paonekwe kuti vana vanokanganiswa sei kana vakaona zvinhu zvinoratidza kurwisana paTV nezvimwewo. James P. Steyer, akatanga inonzi Common Sense Media anoti: “Chizvarwa chinogara chichiona kurwisana kusingaiti hachitani kugumbuka, chinoda kudzorera kana chichinge chavhiringwa, uye hachina tsitsi.”
Ichokwadi hacho kuti vechiduku vakawanda vanoona kurwisana paTV havazopedzisiri havo vava mhondi. Asi maTV nezvimwewo zvava kubudisa vanhu vanorwisana senzira yakanaka yekugadzirisa dambudziko, zvokuti iye zvino chizvarwa chavapo hachichaoni pane chakaipa nokuita zvokurwisana.
Zvinoitwa Nengirozi Dzakaipa
Bhaibheri rinoratidza kuti pane ari kukonzera hasha dzakanyanya dzatiri kuona mazuva ano. Sei richidaro? Pakasikwa vanhu pasi pano, pane imwe ngirozi yakapandukira Mwari Wemasimbaose. Ngirozi iyi yakaipa ndiSatani, uye muchiHebheru zita iri rinoreva kuti “Mupikisi” kana “Muvengi.” (Genesisi 3:1-13) Nekufamba kwenguva Satani akafurira dzimwe ngirozi kuti dzipanduke.
Ngirozi idzodzo dzakapanduka, dzinonzi madhimoni dzakakandirwa pasi pano. (Zvakazarurwa 12:9, 10, 12) Uyezve ‘dzakatsamwa chaizvo,’ nokuti dzinoziva kuti dzangosarirwa nenguva shoma. Saka kunyange kana tisingakwanisi kuona ngirozi idzi, tinogona kuona zvadzinoita. Tinozviona sei?
Nemhaka yechivi chatakaberekwa tiinacho, Satani neboka rake remadhimoni vanotipa miedzo yokuti tiite zvinhu zvakadai se“kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, . . . mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi.”—VaGaratiya 5:19-21.
Dzivisa Hasha
Chokwadi tikafunga nezvematambudziko aya ose uye kunetseka, tinopedzisira tanzwisisa kuti sei vanhu vachigumbuka pavanenge vachiita zvinhu zvakasiyana-siyana zuva nezuva.
Hasha dzinogona kukurira munhu! Nyaya inotevera ichatibatsira kuona kuti tingadzora sei hasha dzedu.
[Bhokisi riri papeji 5]
UNOGONA KUNGE UINE DAMBUDZIKO RAKAKURA KANA . . .
▶ Uchiita hasha pamusana pokumirira uri mumutsetse pachitoro.
▶ Uchigara uchikakavadzana nevaunoshanda navo.
▶ Uchiwanzorara wakasvinura usiku uchifunga nezvezvinhu zvakugumbura zuva iroro.
▶ Zvichikuomera kuti ukanganwire vaya vanenge vakukanganisira.
▶ Uchitadza kuzvidzora nguva zhinji.
▶ Uchigara uchizvidemba nemhaka yehasha dzaunenge waita.a
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko aya atorwa paIndaneti paMentalHelp.net.
[Bhokisi riri papeji 6]
ZVAKAWANIKWA PAKUONGORORA NYAYA YEHASHA
Rimwe sangano rokuEngland, rinonzi Mental Health Foundation, rakabudisa bhuku rinonzi Boiling Point—Problem Anger and What We Can Do About It. Zvimwe zvakabudiswa pakuongorora kwakaitwa ndeizvi:
Vanhu 84 pa100 voga voga vanonetseka vari pabasa kudarika zvavaiita makore mashanu adarika.
Vanhu 65 pa100 voga voga vanoshanda muhofisi vanoshatirwa chaizvo.
Vanhu 45 pa100 voga voga havatani kugumbuka pabasa.
Vanhu vanosvika 60 pa100 voga voga vanorovha basa zvakonzerwa nekushushikana.
Vanhu 33 pa100 vokuBritain vanoita hasha zvekutadza kutaura nevavakidzani vavo.
Vanhu 64 pa100 voga voga vanobvuma kuti vanhu vakawanda vava kuita hasha.
Vanhu 32 pa100 voga voga vane shamwari kana imwe hama yemumhuri ine dambudziko rehasha.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kuva nehasha kunogona kukanganisa sei vana vako?
[Mufananidzo uri papeji 6]
Maonero aunoita hasha anoumbwa nevanobudisa zvinovaraidza here?