Kudzora Hasha
VAMWE vanoti kana vakurirwa nehasha vanorova madziro kana kurova-rova pamubhedha senzira yokuderedza nayo hasha dzavo. Pfungwa iyi yakakurudzirwa nomumwe muzivi wechiGiriki anonzi Aristotle makore 2 000 apfuura. Izvi zvinonzi zvinoitirwa kuderedza hasha dzomunhu.
Nechokwokutanga kwemakore ekuma1900, mumwe anoona nezvekushanda kwepfungwa wekuAustria anonzi Sigmund Freud akatsigira pfungwa iyi. Akati kana munhu akaramba achikuvarira mudundundu asingabudisi hasha dzake zvinogona kupedzisira zvaita kuti arware mupfungwa. Saka Freud akati unofanira kubudisa hasha dzako pane kudzivharira mukati.
Kuma1970 nekuma1980, vanoongorora vakaona kuti pfungwa yaitaurwa naAristotle haisi yechokwadi. Nemhaka yeizvi mumwe anoona nezvekushanda kwepfungwa anonzi Carol Tavris akanyora kuti: “Tinofanira kusiyana zvachose nepfungwa yaAristotle. Ongororo yakaitwa haimbotsigiri pfungwa yekuti kuona vanhu vachirwisana kunoita kuti hasha nokuvenga zvine munhu zviderere.”
Mumwe anoona nezvekushanda kwepfungwa, Gary Hankins akati: “Ongororo inoratidza kuti kubudisa hasha dzose sezvakakurudzirwa naAristotle kazhinji kunotoita kuti unzwe kusagadzikana.” Nyanzvi dzinoona nezvemashandiro akanaka epfungwa hadzizombobvumirani nezvakataurwa naAristotle. Asi vanhu vakawanda vakabatsirwa chaizvo neBhaibheri panyaya yekuti vangaderedza sei hasha dzavo.
“Rega Kutsamwa”
Pfungwa yekuti udzore hasha dzako inotsanangurwa zvakanaka nemunyori wepisarema Dhavhidhi. Akati: “Rega kutsamwa, usiye hasha; usashatirwa kuti ungoita zvakaipa.” (Pisarema 37:8) Nzira inoita kuti usataura kana kuita chimwe chinhu chinoita kuti uzozvidemba ndeyekurega ‘kushatirwa.’ Izvi zviri nyore kutaura pane kuzviita. Asi unogona kuzviita! Ngationei nzira nhatu dzinogona kukubatsira kuti udzore hasha dzako.
Usanyanya Kutsamwa
Kana wagumburwa, dzikama. Edza kusakurumidza kutaura changouya mumusoro. Kana kuri kuti hasha dzakukurira uye ungangotadza kuzvidzora, shandisa zano iri remuBhaibheri rekuti: “Kutanga kwokukakavara kwakaita somunhu anovhurira mvura; saka ibva kupopotedzana kusati kwatanga.”—Zvirevo 17:14.
Ndizvo zvakabatsira murume anonzi Jack kuti akunde dambudziko rake rekutsamwa. Baba vake vaidhakwa zvekudhakwa zviya uye vaitsamwa chaizvo. Jack paaikura akabva angotevedzera unhu hwababa vake. Anoti: “Pandaigumbuka ndaitanga kubvunda. Ndaingorutsa mashoko uye ndairova.”
Asi zvinhu zvakazochinja apo Jack akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akaziva kuti Mwari anogona kumubatsira kudzora kutsamwa kwake. Uye zvechokwadi akachinja! Rimwe zuva Jack paakatukwa newaanoshanda naye nemashoko asingaiti, akati: “Ndakanzwa hasha dzichiyerera mumuviri wangu. Pfungwa dzokuda kumurova dzakambouya.”
Chii chakabatsira Jack kuti adzikame? Anoti: “Ndinoyeuka ndichinyengetera, ndichiti ‘Ndapota Jehovha, ndibatsirei kuti ndizvidzore!’ Ndakabva ndanzwa kugadzikana kwandanga ndisati ndamboita muupenyu hwangu, uye ndakakwanisa kubvapo.” Jack akaenderera nokudzidza Bhaibheri. Ainyengetera kakawanda achifungisisa rugwaro rwakadai saZvirevo 26:20, inoti: “Kana pasina huni, moto unodzima.” Jack akazokwanisa kukunda dambudziko rake rekutsamwa.
Dzidza Kudzikama
“Mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama.” (Zvirevo 14:30) Kushandisa chokwadi ichi chiri muBhaibheri kunogona kuvandudza pfungwa, muviri uye kunamata kwako. Tanga nokudzidzira dzimwe nzira dzinoita kuti udzikame, dzinobatsira kuti uzvidzore pahasha. Kuita zvinotevera kunobatsira vanhu kuti vaderedze kutsamwa kunokonzerwa nekunetseka:
● Imwe nzira yokukurumidza kuderedza kutsamwa kwako ndeyokufemera mukati zvine simba.
● Paunenge uchifemera mukati zvine simba, taura nechomumwoyo mashoko anoita kuti udzikame akadai sokuti, “dzikama” kana kuti “siyana nazvo.”
● Isa pfungwa dzako pane zvinhu zvaunofarira zvakadai sokuverenga, kuteerera nziyo, kuita basa mugadheni kana kuti kuita zvimwe zvinhu zvinokuvaraidza.
● Gara uchiita maekisesaizi uye kudya zvokudya zvinovaka muviri.
Gadziridza Mafungiro Ako
Hazvingaiti hazvo kuti ubva wasiyana zvachose nevanhu vanokugumbura kana kuti nezvinhu zvinoita kuti ugumbuke, asi unogona kudzidza kudzora hasha dzako. Izvi zvinosanganisira kuchinja mafungiro aunoita.
Vanhu vanofunga kuti zvinhu zvose zvichafamba zvakanaka vanowanzova nedambudziko rehasha. Nemhaka yei? Nokuti kana mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu chikasaita zvinoenderana nezvavanga vachifunga vanokurumidza kugumbuka. Saka kukurira dambudziko iri zvakanaka kugara uchiziva kuti “hapana munhu akarurama, kana mumwe chete zvake . . . Vanhu vose vakatsauka, vose zvavo.” (VaRoma 3:10, 12) Saka kana tikafunga kuti chose chose chinofanira kufamba zvakanaka tinenge tichizvinyengera.
Hatifaniri kutarisira kuti isu kana kuti vamwe tibve tanyatsoita zvose zvose nenzira yakanaka. Bhaibheri rinoti: “Tose tinokanganisa kazhinji. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana.” (Jakobho 3:2) Saka “hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Kana tikanyepedzera kuda kuzviita vanogona kuita zvinhu zvose nemazvo tichapedzisira taora mwoyo.
Nemhaka yokuti tiri vanhu vane zvivi, apo neapo tinombogumbuka. Asi zvatinoita kana tagumbuka zvinosiyana. Muapostora Pauro akanyevera vaKristu vaainamata navo kuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Saka, kana tikadzora hasha dzedu tinogona kuratidza zvatinonzwa nenzira yakanaka, isingakuvadzi vamwe.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8, 9]
DZIDZA KUDZIKAMA
Femera mukati zvine simba
Isa pfungwa dzako pazvinhu zvaunofarira
Ita maekisesaizi nguva dzose