RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 April pp. 10-11
  • Ungagarisana Sei Nevamwe Zvakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungagarisana Sei Nevamwe Zvakanaka?
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kanganwira Nomwoyo Wose
  • Tauriranai
  • Iva Nomwoyo Murefu
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kanganwira Nomwoyo Wako Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Vavarira Kuva Norugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kanganwiranai Nomwoyo Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 April pp. 10-11

Zvinotaura Bhaibheri

Ungagarisana Sei Nevamwe Zvakanaka?

BHAIBHERI rinoti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Nemhaka yokuti munhu wose ari panyika anotadza, unhu hwakasiyana-siyana hwatinahwo hunoita kuti dzimwe nguva timbotosvorana. Kana izvi zvikaitika todii kuti tigarisane nevamwe zvakanaka?

Bhaibheri rine mazano anobatsira. Rinoti Musiki wedu Jehovha ndi“Mwari worugare.” (VaHebheru 13:20; Pisarema 83:18) Mwari anoda kuti vana vake vose vari pano panyika vagarisane zvakanaka. Panyaya iyi, iye ndiye anotanga kuratidza kuti zvinoitwa sei. Vanhu vekutanga vakatadzira Mwari zvikabva zvavhiringa ukama hwavo naMwari. Mwari akabva angotora matanho okuti vayanane. (2 VaKorinde 5:19) Ona zvinhu zvitatu zvaunogona kuita kuti ugarisane nevamwe zvakanaka.

Kanganwira Nomwoyo Wose

Bhaibheri rinotii? “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.”—VaKorose 3:13.

Nei zvisiri nyore? Zvimwe une ‘chikonzero chine musoro chokunyunyutira mumwe’ uye unonzwa sokuti unofanira kurega kushamwaridzana nemunhu iyeye. Unogona kufungawo kuti akutadzira wacho ngaatange akumbira ruregerero. Asi kana munhu wacho asingazivi kuti akutadzira kana kuti akafunga kuti iwe ndiwe wakakanganisa, nyaya yacho haiperi.

Zvii zvaungaita? Kana kari kanyaya kaduku Bhaibheri rinoti mukanganwire nomwoyo wose. Yeuka kuti kudai Mwari aingoti nangananga nezvose zvatinokanganisa, hapana munhu aizonzi haana mhosva. (Pisarema 130:3) Bhaibheri rinoti “Jehovha ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo. Nokuti iye anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”​—Pisarema 103:8, 14.

Onawo zvinotaurwa nechirevo ichi cheBhaibheri: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.” (Zvirevo 19:11) Uchenjeri hunoita kuti munhu aone chakonzera dambudziko, uye kuziva kuti sei vamwe vanhu vachiita zvavanoita kana kutaura zvavanotaura. Saka zvibvunze kuti, ‘Chaita kuti munhu uyu andigumbure inyaya yokuti anga ane zviri kumunetsa here, achirwara, kana kuti akaneta?’ Kunzwisisa zvikonzero zvechokwadi zvaita kuti munhu wacho akugumbure, kunogona kuderedza hasha dzako uye kunobatsira kuti umuregerere.

Tauriranai

Bhaibheri rinotii? “Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mhosva yake iwe naiye muri moga. Kana ikakuteerera, wawana hama yako.”​—Mateu 18:15.

Nei zvisiri nyore? Hasha, kutya uye kunyara zvinogona kuita kuti usaenda kunotaurirana nemunhu wawakanganisirana naye. Unogona kupindwa nekapfungwa kokuudzawo vamwe nezvenyaya yenyu uchida kuti vakutsigire, asi kuita izvi kunogona kutowedzera dambudziko.

Zvii zvaungaita? Kana nyaya yacho iri hombe, uye uchinzwa kuti haungagoni kungosiyana nayo, taura nemunhu wacho. Edza kuita zvinotevera pakugadzirisa nyaya yacho:

(1) Gadzirisa nokukurumidza: Usaverengere. Ukaverengera dambudziko racho rinozokura. Edza kushandisa zano raJesu rokuti: “Kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.”​—Mateu 5:23, 24.

(2) Usabatanidza vamwe munyaya yacho: Ngwarira kuudza vanhu nezvenyaya yacho. “Pedzerana mhosva yako nowokwako, uye usabudisa zvakavanzika zvomumwe.”​—Zvirevo 25:9.

(3) Musapopotedzana: Rega kutsvaka kuti ane mhosva ndiani. Chinangwa chako ndechokuti muve norugare, kwete kuratidzana kuti ane mhosva ndiani. Edza kushandisa shoko rokuti “ini” pane kuti “iwe.” Zvingava zvakanaka kuudza munhu kuti “Ini handina kufara nokuti . . . ” pane kuti “Iwe ndiwe wa . . . ” Bhaibheri rinoti: “Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.”​—VaRoma 14:19.

Iva Nomwoyo Murefu

Bhaibheri rinotii? “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Asi, ‘kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe.’”​—VaRoma 12:17, 20.

Nei zvisiri nyore? Kana uchida kugadzirisa nyaya yacho asi iye obva aramba kutaura newe kazhinji unonzwa uchida kubva waramwawo.

Zvii zvaungaita? Iva nemwoyo murefu. Vanhu vanosiyana-siyana pakugumbuka uye pakunzwisisa kwavo. Vamwe vanotora nguva yakareba hasha dzisati dzaserera; vamwewo vachiri kudzidza kuti vave neunhu hwechiKristu. Ramba uchiratidza mutsa nerudo. “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka,” rinodaro Bhaibheri.​—VaRoma 12:21.

Kuti tigarisane nevamwe zvakanaka, tinofanira kuzvininipisa, kunzwisisa, kuva nemwoyo murefu, uye kuva nerudo. Kugarisana nevamwe zvakanaka kunoita kuti upenyu hunakidze!

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Chii chichakubatsira kukanganwira vamwe nemwoyo wose?​—VaKorose 3:13.

● Kuti ugadzirise dambudziko nemunhu wawakakanganisirana naye unofanira kuitei?​—Mateu 5:23, 24.

● Ungaitei kana ukaona kuti kuedza kwawaita kuti uve nerugare nemumwe munhu kwaramba?​—VaRoma 12:17-21.

[Mashoko ari papeji 11]

“Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.”—ZVIREVO 19:11

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe