Zvakanaka Here Kubiridzira Kuti Ubudirire Pabvunzo?
URI kuenda kuchikoro here? Kana uchienda, zvimwe unoziva vamwe vaunodzidza navo vanobiridzira kuti vapase. Chokwadi ndechokuti dambudziko iri riri kuitika munzvimbo dzakawanda. Muna 2008, rimwe sangano rinonzi Josephson Institute rakaita ongororo pavana 30 000 vari kusekondari kuUnited States, uye vana 64 pa100 voga voga vakabvuma kuti gore iroro vakanga vabiridzira. Asi zvinofungidzirwa kuti nhamba yacho chaiyo inofanira kunge yakatokura zvokuti vanodarika 75 pavana 100 voga voga vakabiridzira.
KuEurope nyaya yokubiridzira yakatonyaya chaizvo, kunyanya vaya vanoshandisa zvinhu zvevamwe vanhu vachiita sokunge ndezvavo. Imwe nyaya yakabudiswa muimwe magazini yepaIndaneti inonzi Digithum inoti, “Chimwe chiri kuita kuti dambudziko iri riwedzere inzvimbo dzepaIndaneti dzinotengesa mibvunzo nemhinduro zvebvunzo dzichazonyorwa nevana vechikoro, mabhuku kana kuti nyaya zvinofanira kuzonyorwa nevana vepayunivhesiti.”
Nemhaka yei kubiridzira iri nyaya iri kunetsa kudai? Kubiridzira kune zvakunobatsira here? Zvakanaka here kuti uve munhu akatendeseka kunyange zvichizoita kuti usanyanya kubudirira?
Sei Kubiridzira Kwanyanya Kuwanda?
Kuparara kwetsika. “Vadzidzisi vakawanda vanoti chiri kunyanya kuita kuti vanhu vabiridzire inyaya yokuparara kwetsika uye kuda kungoita zvakakunakira usingafungi vamwe,” rinodaro bhuku rinonzi American School Board Journal. Mumwe mwana wechikoro ari kuita zvidzidzo zvinozoita kuti aende kuyunivhesiti anoti: “Tose . . . takabiridzira; taida kuti tipase kuti tigowana nzvimbo muzvikoro zvepamusoro. Taiva vana vakanaka uye vane tsika; taiva takasiyana nevanhu vasina tsika . . . Chataingoda ndechokuti tiwane nzvimbo kumayunivhesiti akanaka.” Kunyange vamwe vabereki vari kubatwawo nemusungo uyu. Nemhaka yokuti vanoda kuti vana vavo vabudirire, vabereki vanobvumira vana vavo kuti vabiridzire kana kuti vanoita sokunge kuti havasi kuona kubiridzira kuri kuti mwana asi ivo vachizviona zvichibva zvaita kuti vana vasava netsika dzakanaka.
Chishuwo chokuda kubudirira. Kubva pane zvakataurwa naDonald McCabe, uyo akatanga sangano rinonzi International Center for Academic Integrity, vana vanobiridzira vanofunga kuti kuva munhu akatendeseka kunoita kuti zvinhu zvisakufambira zvakanaka kana zvichienzaniswa nevanobiridzira vasingabatwi.
Kushandiswa kwemichina yemazuva ano. Michina yemazuva ano inoita kuti vana vechikoro vabiridzire zvemhando yepamusoro pasina kutemekana musoro. Vanogona kukopa paIndaneti uye kupawo vamwe mapepa ebvunzo dzavachanyora uye mhinduro dzebasa ravanopiwa nevadzidzisi vavo kuti vanoitira kumba. Kazhinji kacho, vashoma-shoma ndivo vanobatwa uye izvi zvinobva zvatopa vamwe chivindi chokuita tsika iyi.
Kutevedzera zvakaipa zvinoitwa nevamwe. Vechiduku havasi ivo voga vari kubiridzira, kunyange vanhu vakuru vari kubiridzirawo—mumakambani makuru, mune zvematongerwo enyika, mune zvemitambo, kunyange mumba chaimo, umo vabereki vanobiridzira panyaya yokubhadhara mitero. Munyori webhuku rinonzi The Cheating Culture, anonzi David Callahan akati: “Kana vanhu vanoremekedzwa uye vanoyemurwa vachibiridzira, ndofunga zvakangofanana nokuudza vechiduku kuti hapana chakaipa nokubiridzira.” Asi ndizvo here kuti kubiridzira hakuna kuipa? Pane here pazvinganzi kana ukabiridzira uine chinangwa chokuda kupasa hazvina hazvo kuipa?
Kubiridzira Kwakaipirei?
Zvibvunze kuti, ‘Chinangwa chokudzidza ndechei?’ Hachisi here chokuti munhu azogona kutarisana nezvinhu zvaachasangana nazvo muupenyu zvakadai sokuona njodzi pabasa obva aidzivisa? Munhu anoita tsika yokubiridzira anogona kutadza kudzidza zvimwe zvinhu muupenyu. Saka, vanhu vanogara vachibiridzira vanenge vachivanza zvavasingagoni uye zvinotovatadzisa kubudirira pane zvimwe zvinhu zvavanogona.
Chimwewo chinotoitika ndechokuti, “vanhu vanoita zvinhu nenzira isiri iyo pavanenge vachiri vaduku—zvakadai sokubiridzira zvakanyanya kuchikoro—vanogona kuzoramba vaine tsika iyoyo kunyange kumabasa,” anodaro Callahan. Kuita izvi kwakafanana newachi yaunotenga uchifunga kuti iwachi kwayo asi wozoona kuti zita rayo nderokunyepedzera.
Vanhu vanobiridzira vanogona kubatwa uye kurangwa. Chimwewo ndechokuti unogona kunyara zvokushaya pokupinda. Unogona kudzingwa chikoro kana kuti kupiwa chirango chakaomarara. Bhaibheri rinonyevera pachena kuti: “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Chikonzero chikuru chinoita kuti uve munhu akatendeseka haisi nyaya yokutyira kubatwa. Pane zvikonzero zvinokosha.
Kutendeseka Ndiko Kunoita Kuti Ubudirire
Vechiduku vakawanda vakachenjera vanoedza kuva neunhu hunozovabatsira kwete chete panguva yokunyora bvunzo asi kuti kwoupenyu hwavo hwose. Saka, vanoshanda nesimba kuchikoro kuti vave neunhu hunoita kuti ivo pachavo vazviremekedze uye huchafarirwa nevanhu vavachazoshandira, uye huchaita kuti vazofara kwoupenyu hwavo hwose.
Unhu ihwohwo hunotaurwa nezvahwo muBhaibheri, uye vechiduku vanenge vatevedzera zvinotaurwa neBhaibheri vanofambirwa zvakanaka muupenyu. Sezvinotaurwa pana 2 Timoti 3:16, 17 vachange ‘vashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ Mumwe mwana wechikoro anonzi Jorge akati: “Vandinodzidza navo vanobiridzira nokuti vanoda kupasa vasina kumboshanda nesimba. Asi ini ndinoda kufadza Mwari. Pana Zvirevo 14:2, Bhaibheri rinoti ‘munhu anofamba mukururama kwake anotya Jehovha, asi munhu asina kururama panzira dzake anomuzvidza.’ Ndinozviziva kuti hapana chatingagona kuvanzira Mwari. Saka handibiridziri uye handibatsiri vamwe kuti vabiridzire.”
Vana vechikoro vanoedza kurarama maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri vanogona kunge vasiri vanhu vanogona zvakanyanyisa mukirasi. Asi ndivo vanhu vakachenjera kudarika vamwe nokuti vari kuvaka ramangwana ravo rakasimba richaita kuti vabudirire muupenyu. (Pisarema 1:1-3; Mateu 7:24, 25) Chikuru pane zvose, Musiki wavo anofara nezvavanoita uye anovatsigira.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
● “Muromo wechokwadi ndiwo uchasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi rwenhema ruchangovapo kwenguva duku.”—Zvirevo 12:19.
● “Munhu ane mabasa okutendeka achawana zvikomborero zvizhinji.”—Zvirevo 28:20.
● “Mwari wechokwadi achatonga mabasa emarudzi ose ane chokuita nezvinhu zvose zvakavanzika, zvingave zvakanaka kana kuti zvakaipa.”—Muparidzi 12:14.
● “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.