Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Kubiridzira Kwakaipirei?
“Munhu wose anoziva kuti kubiridzira kwakaipa, asi ndizvo zviri nyore.”—Jimmy, ane makore 17.
WATI wambonzwa uchida kudongorera papepa romumwe waunodzidza naye pamunenge muchinyora bvunzo here? Kana zvakadaro, hausiwe woga. Jenna, uyo ari kuita fomu 6, anotaura nezvokushinga kubiridzira kunoita vazhinji vaanodzidza navo achiti: “Vanovhaira vachitaura nezvokuti vanozviita sei,” anodaro. “Vanokuona sedzambiringa munyemba kana usingabiridziri!”
Pakubvunzurudza kwakaitwa muUnited States, 80 kubva muzana yevachiri kuyaruka vaiva shasha mukirasi mavo vakabvuma kuti vanobiridzira, uye 95 kubva muzana “yenjere mupengo” idzi haina kumbobvira yabatwa. Pashure pokubvunza vadzidzi vokusekondari 20 000, Josephson Institute of Ethics yakaguma ichiti: “Kana tava kutaura nezvokuvimbika uye kutendeka, zvinhu zviri kubva pakuipa zvichienda pakuipisisa.” Vanamuzvinadzidzo vari kushamiswa zvikuru nokupararira kwaita miitiro yokubiridzira! Mukuru wechikoro Gary J. Niels akatozoguma ati: “Vasingabiridziri ndivo vatova vashoma.”
Vabereki vazhinji vanotarisira vana vavo kuita zvakanaka kana pava pabasa ravo rokuchikoro. Zvisinei, hazvifadzi kuti vechiduku vakawanda vanorega kuva vakavimbika vobiridzira. Vari kushandisa nzira itsva dzipi? Nei vamwe vechiduku vachibiridzira? Nei usingafaniri kubatanidzwa mumuitiro wacho?
Kubiridzira Pachishandiswa Zvigadzirwa Zvemazuva Ano
Kune nzira dzinoverengeka dzakaipa dzinoshandiswa nevanobiridzira mazuva ano. Zviripo ndezvokuti kubiridzira kuburikidza nokukopa kana kushandisa mapepa ane mhinduro kwava kushoma kana kwoenzaniswa nezvigadzirwa zvemazuva ano. Izvi zvinosanganisira mapeja anogamuchira mhinduro dzemibvunzo kubva kune mumwe munhu ari kure; makarukureta akagadzirwa aine “mamwe” mashoko, tumakamera tuduku tunovigwa mumbatya, tunoshandiswa kutumira mibvunzo kune mumwe mubatsiri ari kure; makarukureta anotumira mashoko kumunhu waunodzidza naye ari pedyo newe; kunyange nzvimbo dzepaIndaneti dzine mibvunzo yekare yezvidzidzo zvose hazvo!
Vanamuzvinadzidzo vari kuedza kuderedza kubiridzira, asi basa racho harisi nyore. Chinoita kuti zvidaro ndechokuti haasi mudzidzi wose—kana mudzidzisi—anobvumirana pane chinonzi kubiridzira. Somuenzaniso, apo zvikwata zvevadzidzi zvinoshanda pamwe chete pane rimwe basa, musiyano uripo pakati pokubatsirana nokufurirana ungasava pachena. Kwozotiwo kune vaya vanoti dzawira mutswanda kana vanzi vashande pamwe chete nevamwe, vovarega vachiita basa rose. “Vamwe vadzidzi vacho vane usimbe zvokuti—hapana kana chavanoita!” anodaro Yuji, ari kudzidza pane imwe koreji. “Zvadaro vose vanopasa zvakafanana. Ini ndinofunga kuti uku kubiridzirawo!”
Nei Vachibiridzira?
Pakumwe kuongorora, kusagadzirira zvakakwana kwakaonekwa kuti ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti vadzidzi vakawanda vasarudze kubiridzira. Vamwe vadzidzi, nemhaka yemakwikwi anenge ari pachikoro kana kuti nemhaka yokuti vabereki vavo vanoda kuti vapase, vanoguma vati hapana zvavangaita. “Vabereki vangu vanoda kuti ndipase chero zvodini,” anodaro Sam, ane makore 13. “Vanondibvunza kuti: ‘Wawana chii pabvunzo dzako dzesvomhu? Wawana chii pabvunzo dzako dzechiRungu?’ Ndakazvivenga!”
Kana vari vamwe, kugara vachimanikidzwa kuda kupasa kunoita kuti vabiridzire. Bhuku rinonzi The Private Life of the American Teenager rinoti: “Pane chimwe chinhu chisina kunaka kana uchinzwa kumanikidzwa zvakanyanya zvokuti kugutsikana nokudzidza kunokundwa nokuda kubudirira, dzimwe nguva nenzira dzisina kutendeseka.” Vadzidzi vazhinji vanobvumirana neizvi. Handizvo here kuti hapana anoda kudofora pabvunzo, ndoda pakosi yose. “Vamwe vanhu vanotya kufoira chaizvo,” anodaro Jimmy, mudzidzi wokusekondari. “Kunyange kana vachiziva mhinduro dzacho, vanongobiridzira kuti vave nechokwadi kuti ndizvo.”
Nhamba huru yevanhu vanobvuma kuva vasina kuvimbika inogona kuita kuti kubiridzira kuite sokusingakuvadzi. Uye dzimwe nguva kunogona kuita sokunobatsira chaizvo. “Nezuro ndakaona mumwe mwana achibiridzira pabvunzo mukirasi medu,” anodaro Greg ane makore 17. “Nhasi patadzorerwa mapepa edu ebvunzo, awana mamakisi akawanda pane angu.” Vazhinji vanofurirwa nokupararira kwakaita kubiridzira pakati peshamwari dzavo. “Vamwe vadzidzi vanofunga kuti ‘kana vamwe vari kuzviita, ndinofanira kuzviitawo,’” anodaro Yuji. Asi ndizvo here?
Chinhu Chinonyengera Chinopinda Muropa
Fananidza kubiridzira nokuba. Chokwadi chokuti vanhu vakawanda vanoba chinoita kuti umbavha huve hwakanaka here? ‘Kwete,’ ungadaro—kunyanya kana iri mari yako iri kubiwa! Nokubiridzira, tiri kuwana mubayiro wechimwe chinhu chatisingafaniri kuva nacho—zvichida kunyange kushandisa vamwe vanhu vanoita zvakanaka. (VaEfeso 4:28) “Hazvina kunaka,” anodaro Tommy, uyo akapedza kudzidza kusekondari nguva pfupi yadarika. “Uri kuti, ‘Ndinoziva zvinhu izvi,’ nepo iwe usingazivi. Saka uri kunyepa.” Bhaibheri rinotaura zvakajeka panyaya iyi pana VaKorose 3:9 richiti: “Musareverane nhema.”
Kubiridzira kunogona kufanana nechinhu chinodhaka chinonetsa kurega. “Vanobiridzira vanodzidza kuti havafaniri kushanda nesimba kuti vapase,” anodaro Jenna, “saka vanongomirira kubiridzira. Uye paya pavanezenge vava voga, havazivi zvokuita.”
Mashoko akanyorwa pana VaGaratiya 6:7 anopengenutsa, anoti: “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” Migumisiro yokubiridzira kuchikoro inogona kuva hana inotambudzika, kusavimbwa neshamwari dzako, uye kusadzidza zvakanaka nokuti unenge usingadi zvokudzidza. Kufanana nekenza inoguma yakomba, unyengeri hwakadai hunogona kupararira kune dzimwe nzvimbo dzoupenyu hwako kwava kukanganisa ukama hwako nevamwe. Zvechokwadi, zvichakanganisa ukama hwako naMwari, uyo asingafadzwi nounyengeri.—Zvirevo 11:1.
Vaya vanovimba nokubiridzira vari kuzvinyengera. (Zvirevo 12:19) Nezviito zvavo vari kuita zvaiitwa nevatungamiriri vaIsraeri wekare muJerusarema, avo vaiti: ‘Nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengera.’ (Isaya 28:15) Zvisinei, chokwadi ndechokuti mubiridziri haakwanisi kuvanzira Mwari zviito zvake.—VaHebheru 4:13.
Usabiridzira!
Kazhinji vechiduku vanoedza chaizvo uye vanoshandisa unyanzvi hwakasiyana-siyana kuti vabiridzire—zvavangadai vachitoita kuti vawane dzidzo yokutendeseka. Sezvakataurwa naAbby ane makore 18 kuti, “dai vaishanda nesimba kuti vadzidze sokushanda nesimba kwavanoita kuti vabiridzire, pasina mubvunzo vaizoita zvakanaka zvikuru.”
Hungu, muedzo wokubiridzira unogona kuva wakasimba zvikuru. Asi unofanira kudzivisa tsika yakaipa iyi! (Zvirevo 2:10-15) Ungaita sei izvozvo? Chokutanga, yeuka chawakauyira kuchikoro—kuzodzidza. Ehe, zvingaita sokuti hapana zvazvinonyanya kubatsira kuunganidza ruzivo rwausingafi wakashandisa. Asi kana nokusiya danho iri kuburikidza nokubiridzira, munhu anenge achizvinyima mano okudzidza zvinhu zvitsva uye kugona kushandisa zivo. Nzwisiso chaiyo haiwaniki pasina kushanda, unotofanira kuishandira. Bhaibheri rinoti: “Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve, uye uchenjeri, nedzidzo, nenjere.” (Zvirevo 23:23) Hungu, unofanira kuva neshungu dzokudzidza nokugadzirira. “Unofanira kuita basa rako,” Jimmy anopa zano achidaro. “Zvichaita kuti uve nechivimbo chokuti unoziva mhinduro dzacho.”
Ichokwadi kuti dzimwe nguva ungasaziva mhinduro dzose, uye izvi zvingaita kuti uwane mamakisi mashoma. Kunyange zvakadaro, kana ukaramba uchiita zvakarurama, ungaona zvaunofanira kuita kuti uite zviri nani.—Zvirevo 21:5.
Yuji, ane mashoko ambotaurwa, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Anotsanangura zvaanoita kana vamwe vaanodzidza navo vakamumanikidza kuti avabatsire kubiridzira: “Chokutanga—ndinovaudza kuti ndiri Chapupu,” anodaro. “Zvakandibatsira chaizvo nokuti vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakatendeseka. Kana mumwe munhu akandikumbira kuti ndimupe mhinduro tichinyora bvunzo, ndinoramba. Pava pashure ndinozomutsanangurira nei ndisingadaro.”
Yuji anobvumirana nemashoko omuapostora Pauro kuvaHebheru okuti: “Tinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Kuramba wakatendeseka zvikuru uye kuramba kubiridzira kunoita kuti mamakisi aunowana ave echokwadi. Unodzoka kumba uine chimwe chezvipo zvakanakisisa zvaungapa vabereki vako—uchapupu hwokuvimbika kwechiKristu. (3 Johani 4) Uyezve, unoramba uine hana yakanaka uye unova nomufaro wokuziva kuti uri kuita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11.
Naizvozvo, pasinei nokuti kungava kwakapararira zvakadini, rega kubiridzira! Nokuita izvozvo, uchachengetedza ukama hwakanaka nevamwe uye, zvinokosha zvikuru, naMwari anoda chokwadi, Jehovha.—Pisarema 11:7; 31:5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Kazhinji mubiridziri anotadza kuona kuti chaizvoizvo ari kuba
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Kakawanda, kubiridzira kunotungamirira kuzvimwe zviito zvokusatendeseka
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
Mubiridziri haakwanisi kuvanzira Mwari zviito zvake
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kudzidza zvakakwana usati wanyora bvunzo kuchakupa chivimbo