RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/14 pp. 11-12
  • Misodzi Yako Ine Zvakawanda Zvainoreva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misodzi Yako Ine Zvakawanda Zvainoreva
  • Mukai!—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatinodzidza Pamisodzi yaJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Misodzi Yako Inokosha Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kunopfuura Muvengi Ane Utsinye
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 5/14 pp. 11-12
Murume ari kuchema

Misodzi Yako Ine Zvakawanda Zvainoreva

TINOTANGA kuchema kubva musi watinozvarwa. Mumwe mazvikokota anoongorora nezvokuchema kunoita vanhu anotsanangura kuti sezvinongoita vacheche, tinochema nemhaka yezviri kuitika muupenyu hwedu kana kuti nemhaka yezvatinenge tichida. Patinokura tinenge tava kukwanisa kutaura zvatiri kuda, saka nemhaka yei tichichema?

Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti ticheme. Zvimwe zvacho kushungurudzika, kunetseka, kana kuti kukuvara. Asiwo unogona kubuda misodzi yokufara. Ukaona mumwe munhu achichema unogona kunzwawo uchida kuchema. “Ndikaona mumwe munhu achichema kunyange ndisingatombozivi kuti ari kuchemei, ndinobva ndatonzwa misodzi ichiuya,” anodaro María. Zvimwe wakambochema nemhaka yezvawakaona mufirimu kana kuti zvawakaverenga mubhuku.

Musikana ari kuchema, mwana ari kuchema, uye mukadzi ari kuchema

Pasinei nokuti chii chaita kuti munhu acheme, kuchema inzira ine simba yokutaura zviri kuitika kwaari. “Kuchema ndeimwe yenzira shoma inoita kuti munhu ataure zviri pamwoyo pake munguva pfupi,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Adult Crying. Vakawanda vedu tinoomerwa nokuona mumwe munhu achichema asi torega kumubatsira. Tinopedzisira tava kumunyaradza kana kuti kumubatsira.

Vamwe vanamazvikokota vanoti kuchema inzira yakanaka yokubudisa nayo zviri pasi pasi pemwoyo yedu, asi kana munhu akaramba achizvishingisa kuti asacheme, utano hwake hunogona kukanganisika. Vamwewo vanoti hazvisati zvanyatsoonekwa kuti ndezvechokwadi here kuti kuchema kunogona kubatsira pautano. Asi ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vakadzi 85 pa100 uye varume 73 pa100 vakati vakanzwa varerukirwa pashure pokunge vachema. Noemí anoti, “Dzimwe nguva ndinonzwa ndichida kuchema. Kana ndapedza, ndinobva ndatura zibefu uye pfungwa dzangu dzinotanga kufunga zvakajeka uye zvakatwasuka.”

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vakadzi 85 pa100 uye varume 73 pa100 vakati vakanzwa varerukirwa pashure pokunge vachema

Asi kuchema hakusi iko kwoga kunoita kuti tinzwe kurerukirwa. Maitiro anoita vamwe pavanotiona tichichema ane zvaanoitawo patiri. Somuenzaniso, kana tikachema uye vamwe vouya kuzotinyaradza kana kuti kuzotibatsira, tinonzwa tarerukirwa. Asi kana tikasanyaradzwa kana kubatsirwa tinogona kupedzisira tava kunyara kana kuzviona setisingakoshi.

Izvi zvinoratidza kuti misodzi ine zvakawanda zvainoreva uye zvimwe zvacho hazvigoni kunzwisiswa. Chatinoziva ndechokuti kuchema ndeimwe nzira inoshamisa yatakasikwa nayo naMwari kuti tibudise zviri pasi pemwoyo yedu.

WAIZVIZIVA HERE?

Vana vacheche kazhinji havabudisi misodzi pavanenge vachichema. Mumaziso avo mutori neunyoro hunochengetedza maziso, asi vanozobuda misodzi pashure pemavhiki akati kuti kana tsinga dzinofambisa misodzi dzanyatsosimba.

Mhando Nhatu Dzemisodzi

  • 1. Tsinga dzemuziso dzinogara dzichibudisa misodzi inochengetedza ziso kuti rigare riri nyoro. Misodzi iyoyo inobatsirawo kuti tinyatsoona zvakanaka. Patinobwaira misodzi iyoyo inobva yapararira neziso.

  • 2. Misodzi iyi inobuda kana tichinge tatosvorwa nechimwe chinhu. Inobudawo zvekare kana tichishama n’ai kana kuti tichiseka.

  • 3. Misodzi iyi yakasiyana neyemhuka nokuti inobuda kana tichinge tiine zviri kutishungurudza. Misodzi iyi ine mapuroteni akati wandei kudarika iri kutaurwa panhamba 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe