Kunopfuura Muvengi Ane Utsinye
KURWADZIWA kunopfuurira kunogona kuparadza upenyu hwavanhu. Kunoba rugare rwavo, mufaro, uye zvokurarama nazvo, kuchiita kuti kuti upenyu husafadze zvikuru zvokuti vamwe vanotsvaka zororo kupfurikidza nokuzviuraya. Mufundisi wezvokurapa Albert Schweitzer akagumisa, kuti: “Kurwadziwa ndiishe akaipa zvikuru worudzi rwomunhu anopfuura kunyange rufu rumene.”
Chaizvoizvo mazana amamiriyoni anotambura zvinotyisa. ‘Kudai taigona kuturikwa mudenga risina mugumo pamusoro pegomba rakadzika-dzika umo kutinhira kwapasi rinotenderera kwaigona kunzwika,’ akadaro mumwe chiremba weFrance, ‘taizonzwa kudzvova kwomuzvarirwo kwokurwadziwa kunotaurwa sokunge neinzwi rimwe norudzi rwomunhu runotambura.’
Zvamazvirokwazvo, icho muapostora wechiKristu Pauro akanyora anopfuura makore 1 900 apfuura chinotova nesimba rakawanda nhasi, kuti: “Zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”—VaRoma 8:22.
Chinetso Chikuru Choutano
Mumwe muvaAmerica vasere anotambura kurwadziwa kwakakomba kweosteoarthritis, chimiro chinozivikanwa zvikurusa chearthritis. Kunyange vanhu vakawanda vane kurwadziwa kwomusana kunotambudza. Vamwe vanofanira kutsungirira miuyo inorwadza yekenza uye hosha yomwoyo.
Mamiriyoni akawanda anotambura nemisoro inotema zvikuru, kurwadza kwamazino, kurwadza kwenzeve, hemorrhoids, nezvimwe zvirwere zvakawanda uye kuvadziko. Hakushamisi kuti mugore richangobva kupfuura, vaAmerica vakapedza $17,8 bhiriyoni pazvinoderedza marwadzo zvoga zvisina kurairwa nachiremba, kana kuti kurwadziwa ikoko kunonzi “murakatira wakavandika weAmerica.”
John J. Bonica, zvichida nyanzvi huru pamusoro pokurwadziwa, akati: “Mumurangariro wezvemari, uye mumurangariro wokutambura kwavanhu, kurwadziwa kusingarapiki kunokosha zvikuru kupfuura zvinodokuva zvimwe zvinetso zvose zvokutarisirwa kwoutano zvaiswa pamwe chete.”
Upenyu Husina Kurwadziwa?
Mukutarisana nechinhu chaichoicho chakaoma chakadaro, kungaratidzika kuva kusina mufungo kukarakadza bviro youpenyu husina kurwadziwa. Naizvozvo, icho Bhaibheri rinotaura chingaratidzika kuva chisingaitiki, ndiko kuti: “[Mwari] uchapukuta musodzi uri wose pameso avo . . . uyewo kuchema kana kuti kurira, kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4, NW.
Bva, bviro youpenyu husina kurwadziwa haisiri isingabviri. Asi funga kwechinguvana. Rugwaro irworwo runorevei chaizvoizvo? Kune vanhu nhasi vasingarwadziwi. Vakaberekwa vasinako. Vanofanira kuyemurwa here? Nyanzvi yoruzivo rwemitezo yomuviri Allan Basbaum akati: “Kusava nokurwadziwa kwose ingwavaira.”
Kudai waisakwanisa kunzwa kurwadziwa, zvimwe waisazogona kucherekedza kuti wanga waita mhoni kusvikira rava ronda rinorwadza. Mukuwirirana nomumwe mushumo wenhau, vabereki vomumwe musikana muduku aisanzwa kurwadziwa “padzimwe nguva vainzwa kunhuhwa kwenyama iri kutsva uye vaimuwana akazendama mukusaitira hanya pachitofu.” Nokudaro, kurwadziwa kunopfuura muvengi ano utsinye. Kunogonawo kuva chikomborero.
Zvakadini, ipapo, pamusoro pechipikirwa cheBhaibheri, chokuti: “Kana kuti . . . kurwadziwa hazvichazovipozve”? Ko ichi chipikirwa chatingada chaizvoizvo kuti chizadzike here?
Upenyu Husina Misodzi?
Cherekedza kuti mashoko akapoteredza eiyi ndima anotiwo: “[Mwari] uchapukuta musodzi uri wose mumeso avo.” (Zvakazarurwa 21:4, NW) Ikoku kunokosha, nemhaka yokuti misodzi inokosha. Inobatira kutitaviridza, sezvinoita pfungwa yokurwadziwa.
Misodzi inochengeta maziso edu akanyorova uye inodzivisa kukwizana pakati peziso nefungiro. Inogezawo zvinhu zvisiri zvemo mumeso edu. Mukuwedzera, ine zvinhu zvinouraya utachiona zvinonzi lysozyme, zvinochenesa maziso ndokudzivisa kutapurwa nezvirwere. Mano okubudisa misodzi nokudaro chinhu chinoshamisa chemiviri yedu yakagadzirwa nomutoo unoshamisa, sezvakaita pfungwa yokurwadziwa.—Pisarema 139:14.
Zvisinei, misodzi yakabatanawo zvikuru nokusuruvara, kuchema, uye kutambudzika. “Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu,” akachema kudaro Mambo Dhavhidhi wenguva dzeBhaibheri. “Ndinonyorozva mubhedha wangu nemisodzi yangu.” (Pisarema 6:6) Kunyange Jesu “akachema misodzi” parufu rweshamwari. (Johane 11:35) Mwari haana kukuita donzo pakuvamba kuti vanhu vabudise misodzi yokusuruvara yakadaro. Chivi chomunhu wokutanga, Adhama, chine mutoro nokuda kwomugariro wokusakwana, wokufa wemhuri yohunhu. (VaRoma 5:12) Nokudaro, ndiyo misodzi inobva mumugariro wedu wokusakwana, wokufa isingazovipozve.
Sezvo Bhaibheri richinongedzera kurudzi rwakati rwemisodzi ichabviswa, chipikirwa chokuti kurwadziwa hakuzovipozve chichazadzika sei? Vanhu, panenge panhambo yakati, havazotamburi kurwadziwa kunoparira kusuruvara uye kuchema here?