RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/14 p. 6
  • 1 Nokuti Zvinhu Zvinochinja

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Nokuti Zvinhu Zvinochinja
  • Mukai!—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Ndadii Ndangozviuraya?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • 4 | Simbisa Tariro Yako
    Mukai!—2022
  • Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvaungaita Upenyu Pahunochinja
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 5/14 p. 6

NYAYA IRI PAKAVHA | CHANDINORARAMIRA CHII?

1 Nokuti Zvinhu Zvinochinja

“Tinomanikidzwa munzira dzose, asi hatimanikidziki zvokusagona kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo zvachose.”—2 VAKORINDE 4:8.

Kuzviuraya kunogona kufananidzwa nomunhu ari kurwadziwa nomusoro obva ati ndava kudimbura musoro wacho. Kunyange zvazvo uchiona sokuti dambudziko racho rakakura zvisingaiti uye harifi rakapera, zvinhu zvinogona kuerekana zvachinja kuva nani.—Ona bhokisi rakanzi “Upenyu Hwavo Hwakachinja.”

Kunyange dambudziko racho rikasapera, zvakanaka kuedza kurigadzirisa zvishoma nezvishoma. Jesu akati: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.”—Mateu 6:34.

Ko kana dambudziko racho rikasapera? Ungaita sei kana une chirwere chava nenguva refu, kana kuti uri kunetseka nemhaka yokurambana kwawakaita nomumwe wako kana kuti kufa kwemumwe munhu wawaida?

Kunyange zvinhu zvakamira saizvozvo, pane chimwe chaunogona kuchinja padambudziko racho: maonero aunoriita. Kuziva kuti pane zvimwe zvinhu zvausingakwanisi kugadzirisa kuchaita kuti uve nemaonero akanaka nezvedambudziko rako. (Zvirevo 15:15) Zvichaitawo kuti utsvake nzira dzokurarama uine dambudziko iroro panzvimbo pokufunga kuzviuraya. Kuita izvi kunobatsirei? Unenge wava kukwanisa kuona kuti dambudziko rawaifunga kuti haufi wakarikunda, uchange wava kukwanisa kurarama kunyange riripo.—Jobho 2:10.

YEUKA IZVI: Pasinei nokuti dambudziko rako rakakura sei, edza kurigadzirisa zvishoma nezvishoma.

ZVAUNGAITA NHASI: Udza mumwe munhu, angava shamwari yako kana kuti hama yako nezvedambudziko rako. Munhu iyeye anogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka nezvedambudziko rako.—Zvirevo 11:14.

UPENYU HWAVO HWAKACHINJA

Funga nezvevanhu ava vaiva vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vakasangana nematambudziko okuti vakaona sokuti kufa kwaiva nani.

  • Ribheka: ‘Kana zvakadai, chandinoraramira chii?’​—Genesisi 25:22.

  • Mosesi: ‘Ndapota ndiurayei henyu. Musaita kuti ndione mamwe matambudziko.’​—Numeri 11:15.

  • Eriya: ‘Chindiurayai henyu, nokuti handisi nani kupfuura madzitateguru angu.’​—1 Madzimambo 19:4.

  • Jobho: ‘Ndakadii hangu kufa pandaizvarwa?’​—Jobho 3:11.

Kana ukaverenga nyaya dziri muBhaibheri dzevanhu ava, uchaona kuti upenyu hwavo hwakachinja hukava nani zvavanga vasingambofungidziri. Ndizvowo zvinogona kuitika kwauri. (Muparidzi 11:6) Usakanda mapfumo pasi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe