RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g22 nha. 1 pp. 13-15
  • 4 | Simbisa Tariro Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 4 | Simbisa Tariro Yako
  • Mukai!—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • Zvaunofanira Kuziva
  • Zvaunogona Kuita Iye Zvino
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro Yechokwadi
  • Ndingawanepi Tariro?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
  • Zvaungaita Kuti Uve Netariro Muna 2024—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2022
g22 nha. 1 pp. 13-15
Bhaibheri rakavhurika riri pedyo nevhasi rine maruva.

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

4 | Simbisa Tariro Yako

NEI ZVICHIKOSHA?

Kana munhu akanyanya kunetseka nezvematambudziko ari kuitika munyika, anogona kupedzisira arwara kana kuti ava kushungurudzika. Vanhu vakawanda vakambosangana nematambudziko aya havasisina tariro. Vanoita sei?

  • Vamwe havatombodi kufunga nezveramangwana.

  • Vamwe ndivo vanonwisa doro kana kuita zvemadhiragi vachiitira kuti vakanganwe nhamo dzavo.

  • Vamwewo ndivo vanofunga kuti kufa kuri nani. Vanogona kuzvibvunza kuti, “Chandinoraramira chii?”

Zvaunofanira Kuziva

  • Mamwe matambudziko aunosangana nawo ndeenguva pfupi uye zvinhu zvinogona kungoerekana zvanaka.

  • Kunyange kana zvinhu zvikasachinja, pane zvaunogona kuita kuti utsungirire dambudziko rako.

  • Bhaibheri rinotipa tariro yechokwadi. Rinotivimbisa kuti matambudziko ese evanhu achabviswa zvachose.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Bhaibheri rinoti: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.”—Mateu 6:34.

Usazvinetsa nezveramangwana. Usanyanya kunetseka nezveramangwana zvekuti unotadza kuita zvaunofanira kuita nhasi.

Kunyanya kunetseka nezvezvinhu zvakaipa zvingangoitika, kunoita kuti uwedzere kushungurudzika uye kunoita kuti tariro yako ipedzisire isisina kusimba.

ZVAUNGAITA KUTI UZVICHENGETEDZE​—Mazano Anobatsira

ISA PFUNGWA PAZVINHU ZVINOKURUDZIRA

Mukadzi akatarisa panze nepahwindo.

Bhaibheri rinoti: “Mazuva ese emunhu anotambudzika akaipa, asi munhu ane mwoyo unofara anogara aine mabiko.” (Zvirevo 15:15) Kunyanya kufunga nezvedambudziko rauinaro kunogona kukutadzisa kuona kuti patori nenzira dzekugadzirisa dambudziko racho. Asi kana ukasanyanya kuisa pfungwa padambudziko rako, zvinogona kukubatsira kuti ufunge nzira dzekurigadzirisa.

  • Usanyanya kuona nhau.

  • Panopera zuva rega rega, funga nezvezvinhu zviviri kana zvitatu zvaungada kutenda nezvazvo.

  • Nyora pasi zvinhu zvaunoda kuita uye zvaunokwanisa kuita nhasi. Kana uine zvinhu zvakakura zvauri kuda kuita, unogona kuzvidimbura-dimbura wopota uchiita chimwe chete panguva. Panozopera zuva, unogona kutoona kuti watoita chimwe chinhu.

TSVAGA RUBATSIRO

Murume wechikuru ari kukurukura nemurume wechidiki achimusimbisa.

Bhaibheri rinoti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe . . . anoramba uchenjeri hwese hunobatsira.” (Zvirevo 18:1) Chimbofunga uri mugomba rakadzika. Kuti ubudemo, unotoda kubatsirwa nemumwe munhu.

  • Tsvaga rubatsiro kuhama neshamwari.

  • Uye tsvagawo kuti ungavabatsira sei. Kubatsira vamwe kunoita kuti ubvise pfungwa pamatambudziko auinawo.

  • Kana uchimbonzwa sekuti kufa kuri nani, zviri nani kuti umbonoona chiremba. Dzimwe nguva manzwiro akadaro anoratidza kuti unogona kunge uine chirwere chedepression. Vanhu vakawanda vakabatsirwa nekuenda kunorapwa.a

a Mukai! haina mishonga kana marapirwo ainoti ndiwo akanaka kudarika mamwe.

Bhaibheri Rinotipa Tariro Yechokwadi

Mumwe munyori wepisarema akanyengetera kuna Mwari achiti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, uye chiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Shoko raMwari, Bhaibheri, rakaita serambi uye chiedza pakudii?

Pakunenge kuine rima, rambi rinotibatsira kuona pekutsika. Saizvozvowo, Bhaibheri rine mazano anoshanda anogona kutibatsira patinenge tichida kuita zvisarudzo zvinokosha.

Chiedza chinojekesa nzira yedu zvekuti tinokwanisa kunyatsoona zviri mberi. Ndizvo zvakaitawo Bhaibheri, rinogona kutibatsira kuziva zvichaitika mune ramangwana.

Bhaibheri ibhuku dzvene rinotiudza nezvenhoroondo yeupenyu hwevanhu uye rinotiudzawo nezvetariro yeramangwana. Rinotsanangura kuti:

1

Kutambura kwakatanga sei? Bhaibheri rinoti “chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12.

2

Nei vanhu vakundikana kugadzirisa matambudziko ari munyika? Bhaibheri rinoti “hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Matambudziko ari munyika anoratidza kuti zvinotaurwa nerugwaro urwu ndezvechokwadi.

3

Zvii zvichaitwa naMwari kuti agadzirise matambudziko aya? Bhaibheri rinoratidza kuti “achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvakazarurwa 21:4.

Chikamu chevhidhiyo inonzi “Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?” Mukadzi ari kuratidza murume wake zvaakaverenga muBhaibheri.

DZIDZA ZVIMWE. Ona vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe