RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/14 pp. 7-8
  • Kubaya-baya Foni Pane Vamwe Kuremekedza Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubaya-baya Foni Pane Vamwe Kuremekedza Here?
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvokutumira Mameseji?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kuva Munhu Ane Tsika Kune Basa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Tingori Shamwari Kana Kuti Paita Zverudo?—Chikamu 1 | Vechiduku Vanobvunza Kuti
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ungawana Sei Shamwari Dzechokwadi?
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 9/14 pp. 7-8
Mukomana ari kubaya-baya foni vamwe vachidya
Mukomana ari kubaya-baya foni vamwe vachidya

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Kubaya-baya Foni Pane Vamwe Kuremekedza Here?

DAMBUDZIKO

Ngatitii uri kutaura neshamwari asi meseji yobva yapinda pafoni yako. Unoita sei?

  1. Ndinoverenga meseji yacho uku ndichitaura neshamwari yangu.

  2. Ndinoti sori shamwari rega ndimboona meseji yandatumirwa.

  3. Ndinongosiya zvemeseji yacho ndoramba ndichipisa nyaya nemumwe wangu.

Pamhinduro 3 idzi zvine basa here kuti wasarudza ipi? Ehe!

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kubaya-baya foni uku uchitaura neshamwari hakuna kunaka. Ungati hako, ‘Handiti vose ishamwari dzangu here?’ Kana dziri shamwari dzako ndechimwe chikonzero chokutoti uvaremekedze. Hazvirevi hazvo kuti hauchafaniri kutaura neshamwari dzako panguva imwe chete. Asi chokwadi ndechokuti: Kana usingaremekedzi shamwari dzako, dzichapedzisira dzakusiya.

Nei tichidaro? Nokuti vanhu havadi zvokutarisirwa pasi. Mumwe musikana anonzi Betha anoti, “Zvinondibhowa kuti nditi uku ndiri kutaura nemunhu iye ari kungobaya-baya foni sokunge kuti zvandiri kutaura hazvina basa!” Unofunga kuti ushamwari hwakadaro hunosvikepi?

Tarisa kanyaya kari pakamusoro kakanzi “Dambudziko.” Uri iwe wauzosarudza chipi? Zvimwe watoona kuti kuita zviri paA hakuna hunhu. Ko zviri paB naC? Zvakaipa here kumboverenga meseji yapinda pafoni paunenge uchitaura nemumwe wako? Ko kuramba uchipisa nyaya nomumwe wako worega kutarisa meseji kwakaipa here?

Izvi zvinoratidza kuti nyaya dzetsika dzinonetsa. Asi Bhaibheri rinogona kutibatsira. Rinoti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Ruka 6:31) Zviri kutaurwa nevhesi iyi unogona kuzvishandisa panyaya yokutumirana mameseji pafoni. Sei?

ZVAUNGAITA

Usatumire mameseji panguva dzisingaiti. “Dzimwe nguva ndinotumirwa mameseji pakati pousiku,” anodaro Richard. “Apa meseji dzacho dzinenge dzisingatombokoshi, zvotovhiringa hope dzangu!” Zvibvunze kuti, ‘Ndinotumira mameseji panguva dzokuti vanhu vanogona kunge varara here?’​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 3:1.

Ziva matauriro aunoita. Pakutaura unogona kuona kuti munhu akafara kana kuti kwete nokunzwa inzwi rake, matauriro aari kuita, zvaari kuita chiso chake uye muviri wake. Asi pakutumira meseji pafoni haukwanisi kuona zvimwe zvezvinhu izvi. Saka ungaita sei? “Nyora mashoko anoratidza kuti une tsika,” anodaro mumwe musikana anonzi Jasmine. “Unogona kubvunza kuti, ‘Wamuka sei kana kuti waswera sei?’ uye kuti ‘ndokumbirawo’ kana kuti ‘waita basa.’”​—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaKorose 4:6.

Ziva zvokuita. Tarisazve kanyaya kari pasi pekamusoro kakanzi “Dambudziko.” Kana paine meseji inokosha yapinda uye yawanga uchitarisira, unofanira kuudza wauri kutaura naye kuti pane meseji yauri kuda kumboona. Asi kazhinji dzimwe meseji unogona kuzodziverenga hako pava paya. “Foni yako hapana kwainoenda, saka unogona hako kuzoverenga meseji kana mapedza kutaura neshamwari yako,” anodaro musikana ane makore 17 anonzi Amy. Ndizvo zvaunogona kuita kunyange paunenge uri pane vanhu vakawanda. Musikana ane makore 18 anonzi Jane anoti, “Haikona kungobaya-baya foni nguva dzose, nokuti zvinozoita kuti vanhu vafunge kuti hauna basa navo.”

Tanga wafunga usati watumira meseji. Zvingaitika here kuti meseji yako itadze kunzwisiswa? Musikana ane makore 21 anonzi Amber anoti, “Kana usiri kurevesa isa kapikicha (emoticons) kana mashoko anoratidza kuti uri kutamba, nokuti vanhu vanogona kugumbuka nezvinhu zviduku duku nepo iwe wanga uchitamba.”​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 12:18.

Izvi zvinoratidza kuti unofanira kungwarira pakutumira mameseji!

Zvokufunga nezvazvo: Rudo ndirwo runoita kuti uve netsika dzakanaka. Ungaratidza sei rudo? Bhaibheri rinoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi.” (1 VaKorinde 13:4, 5) Ndechipi chaunoda kudzidzira kuita pane zvataurwa muvhesi iyi?

a Mamwe mazita ari munyaya ino haasi avo chaiwo.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”​—Muparidzi 3:1.

  • “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.”​—VaKorose 4:6.

  • ‘Kutaura usingafungi kwakafanana nokubaya kunoita bakatwa.’​—Zvirevo 12:18.

Elena
Elena

ELENA

“Vamwe vana vanotumira mameseji asingaiti vachifunga kuti meseji haina basa, nokuti zvakasiyana nokuzvitaura. Asi chokwadi chiripo ndechokuti mashoko asingaiti haana kunaka kutaura kana kutumira pameseji.”

Evan
Evan

EVAN

“Pakutumira munhu meseji unogona kunzwa wakasungunuka kutaura zvawada, asi mashoko acho waisazoataura kuri kuti munhu wacho aripo nokuti anokuvadza. Kana pane mashoko okuti waisazoataura munhu wacho aripo, usaanyora mumeseji.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe