RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 32
  • Kuva Munhu Ane Tsika Kune Basa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuva Munhu Ane Tsika Kune Basa Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita kuti uve netsika
  • Zvaungaita kuti uve netsika
  • Kusakurira Tsika dzechiKristu Munyika Isina Tsika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Zvibatei Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Tsika Dzakanaka—Dzinoratidza Vanhu Vakazvipira Kuna Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kuratidza Tsika Dzakanaka Sevashumiri vaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 32
Mukomana ari kubatsira mbuya kutakura zvavatenga

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kuva Munhu Ane Tsika Kune Basa Here?

‘Vanhu havandikwazise saka ndingavakwazisirei?

‘Zvine basa here kuti nditi “ndinokumbirawo,” “mazvita,” kana kuti “pamusoroi”?’

‘Handioni chikonzero chokuti ndiremekedze vanun’una kana hanzvadzi dzangu nokuti ndevemumhuri.’

Pane zvataurwa pamusoro apa, pane zvaunobvumirana nazvo here? Kana zviripo, ungangove uri kuzvitadzisa kuwana zvinhu zvakanaka zvinobva pakuva netsika dzakanaka!

  • Zvaunofanira kuziva nezvetsika

  • Zvaungaita kuti uve netsika

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvaungaita kuti uve netsika

Kuva netsika dzakanaka kunokubatsira pazvinhu zvitatu zvinotevera:

  1. Maonerwo aunoitwa nevamwe. Mabatiro aunoita vamwe anoita kuti vamwe vakuone zvakanaka kana kuti zvakaipa. Kana uine tsika, vanhu vachakuremekedza. Kana usina hanya zvichaita kuti vamwe vasafunga nezvako panomuka mikana yebasa kana zvimwewo zvinhu. Bhaibheri rinotiwo, ‘munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.’​—Zvirevo 11:17.

  2. Kuwirirana kwaunoita nevamwe. Bhaibheri rinoti: ‘Pfekai rudo nokuti runoita kuti pave nokubatana.’ (VaKorose 3:14) Izvi zvinonyanya kushanda kuvanhu vanenge vari shamwari neshamwari. Kana uine tsika uye uchibata vamwe zvakanaka zvichaita kuti vamwe vade kushamwaridzana newe. Ndiani anoda kushamwaridzana nemunhu ane utsinye uye anogumbura vamwe?

  3. Mabatirwo aunoitwa nevamwe. Jennifer anoti, “Kana uchibata vamwe zvakanaka zvichapedzisira zvaita kuti kunyange vaya vanonzi havaite vagumisire vava kukuitira zvakanaka.” Asi kana usingabati vamwe zvakanaka muchawedzera kutatsurana. Bhaibheri rinoti: ‘Muchayerwa nechiyereso chamuri kuyera nacho vamwe.’​—Mateu 7:2.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Mazuva ose tinosangana nevanhu vakasiyana-siyana. Maitiro ako ndiwo achaita kuti vakuremekedze kana kuti vasakuremekedze. Saka zvinokosha kuva munhu ane tsika!

Zvaungaita kuti uve netsika

  1. Imbozviongorora kuti une tsika dzakadini. Zvibvunze kuti: ‘Ndinotaura nevanhu vakuru zvine ruremekedzo here? Kangani pandinotaura mashoko okuti “ndinokumbirawo,” “mazvita,” kana kuti “pamusoroi”? Pandinenge ndiine vamwe, ndinombokanganwa nezvavo here ndava kubaya-baya foni? Ndinoremekedza vabereki, vanun’una kana hanzvadzi dzangu here kana kuti ndinongoita zvachero nokuti ndevomumhuri?’

    Bhaibheri rinoti: “Pakukudzana tungamiriranai.”​—VaRoma 12:10.

  2. Ronga zvaunoda kuzoita. Nyora zvinhu zvitatu zvaunoda kugadzirisa patsika dzako. Kana ari Allison ane makore 15, akati anoda “kuzonyatsoteerera vamwe pavanenge vachitaura kwete kuti iye angoramba achitaura.” David ane makore 19 anoti anoda kudzidzira kuti asabaya-baya foni kana aine vomumhuri kana shamwari. Anoti “Kuita izvi hakusi kuremekedza vamwe nokuti unenge uchivabata sokuti havakoshi kupfuura zvauri kuita pafoni.” Edward ane makore 17 anoti anoda kusiya tsika yokudimburira vamwe vari pakati pokutaura. Kana ari Jennifer ambotaurwa kare, anoti ari kuda kugadzirisa unhu hwake kana aine vanhu vechikuru. Anoti “Ndaingoti ‘mhoroi’ ndobva ndaenda kune vezera rangu. Asi iye zvino ndava kuzvipa nguva yokuti ndikurukure navo uye izvi zviri kundibatsira chaizvo kuva netsika!”

    Bhaibheri rinoti: ‘Ivai nehanya nezvinodiwa nevamwe kwete chete zvamunoda imi.’​—VaFiripi 2:4.

  3. Pazvinhu zvawanga wakanyora, ndezvipi zvauri kugona? Kwemwedzi wose ongorora mataurire uye maitire ako pazvinhu zvaunoda kugadzirisa patsika dzako. Panopera mwedzi, zvibvunze kuti: ‘Zvandave ndichiita zvandibatsira sei pakuva netsika? Ndichiri kuda kugadzirisa papi?’ Chironga zvimwe zvaunoda kuzogadzirisa.

    Bhaibheri rinoti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”​—Ruka 6:31.

Waizviziva here? Zvinhu zvinonzi ndidzo tsika kune imwe nzvimbo zvinonzi kushaya unhu kune imwe. Somuenzaniso, vanhu vokuJapan vane tsika yokubvisa shangu pamusuo asi kune dzimwe nyika izvi zvinoonekwa sokusaremekedza. Kwaunogara kunoitwa tsika dzipi?

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Selena

Selena

“Vanhu vanokurumidza kuzviona kana uine tsika. Newewo unonzwa kufara nokuti unenge uchiziva kuti uri kuita zvakanaka.”

Megan

Megan

“Kana usina tsika vanhu vachakuona sebenzi. Asi kana uchivaremekedza vachakuremekedzawo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe