RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/14 p. 7
  • Zvepasi Rino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvepasi Rino
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pasi Rose
  • Britain
  • China
  • Europe
  • Chisimba Chinoitirwa Vakadzi—Dambudziko Riri Munyika Yose
    Mukai!—2008
  • Asi Ndicho Chaichoicho Here?
    Mukai!—1992
  • Apo Masimba Masimba Anotapura Musha
    Mukai!—1993
  • Mwari Anonzwa Sei Nezvokuita Chisimba?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 11/14 p. 7

ZVEPASI RINO

Pasi Rose

Mukadzi akarohwa nemurume wake
Mukadzi akarohwa nemurume wake

Sangano reWorld Health Organization (WHO) rinoti, dambudziko revakadzi vanoshungurudzwa riri kuramba richiwedzera uye kuti vakawanda vavo vanoshungurudzwa nevarume vavo.

Britain

Chechi
Chechi

Pavanhu 64 303 vakabvunzwa, vanodarika 51 000 vacho vakataura kuti “zvitendero ndizvo zviri kukonzera matambudziko uye kurwisana kwakawanda kuri kuitika munyika.” Muna 2011, nhamba yevanhu vokuEngland nokuWales vanoenda kuchechi yakaderera chaizvo kana tichiienzanisa neyegore ra2001. Izvi zvinoratidza kuti vakawanda havachadi kunzwa nezvechechi.

China

Vanambuya nanasekuru vokuChina
Vanambuya nanasekuru vokuChina

Vanobudisa nhau vanoti bumbiro remitemo rakagadziriswa kuti rive nemutemo wokuti vana vagare vachishanyira vabereki vavo vakwegura uye vachinzwa zvichemo zvavo. Mutemo wacho hautauri chirango chinopiwa vana vanotadza kuita izvi.

Europe

Zvigadzirwa zvechitsotsi-tsotsi
Zvigadzirwa zvechitsotsi-tsotsi

Kwava nevanhu vari kugadzira zvinhu zvakadai sezvokuzora, sipo, kunyange zvokudya asi zviri zvemhando yepasi pasi vachibiridzira vatengi. Mukuru mukuru wekambani inoona nezvokugadzirwa kwezvokudya anoti, “Kese kese kanotengeseka, vanhu vacho vari kukagadzira.” Mumwewo anoti zvokudya zvakawanda zvinotengwa kubva kunyika dzakabudirira zvinenge zvakagadzirwa zvechitsotsi-tsotsi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe