RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 1/15 pp. 10-11
  • Kana Ukanyeperwa Nemwana Wako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Ukanyeperwa Nemwana Wako
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • ZVAUNGAITA
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Neiko Kuri Nyore Kwazvo Kureva Nhema?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Chokwadi Pamusoro Pokureva Nhema
    Mukai!—1997
  • Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 1/15 pp. 10-11
Mwana ari kuramba kuti aputsa vhasi

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kana Ukanyeperwa Nemwana Wako

DAMBUDZIKO

Mwana wako ane makore 5 ari kutambira mumba. Unongoerekana wanzwa kuti pwaa. Unomhanyira kwaari womuona akamira pane vhasi remaruva raputsika. Unomuona achishaya zvokuita.

“Ndiwe waputsa vhasi?” unomubvunza wakasunga chiso.

Anobva apindura kuti, “Aiwa, Mhamha, handisi ini!”

Aka hakasi kokutanga kuti mwana wako akunyepere zviri pachena. Saka woita sei?

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kunyepa kwose kwakaipa. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari anovenga “rurimi runoreva nhema.” (Zvirevo 6:16, 17) Mutemo wakapiwa vaIsraeri waiti munhu chero upi zvake ainyengedza mumwe aifanira kurangwa zvakasimba.—Revhitiko 19:11, 12.

Kunyepa kunosiyana-siyana. Vamwe vanhu vanonyepa kuti vangosvibisa zita romumwe munhu. Vamwe vanonyepa pavanenge vaomerwa, zvichida vachiitira kuti vasanyadziswa kana kuti vasarangwa. (Genesisi 18:12-15) Hapana kunyepa kunganzi kwakanaka, asi pane kumwe kwakazonyanya kuipa. Kana mwana wako akanyepa, funga nezvezera rake uye chamuita kuti asataura chokwadi.

Tanga kumudzidzisa achiri muduku kuti kureva nhema kwakaipa. Dr. David Walsh akanyora kuti, “Zvakakosha kuti vana vadzidze kutaura chokwadi, kunyange pazvinenge zvakavaomera. Kutaurirana chokwadi ndiko kunoita kuti vanhu varambe vachivimbana.”a

Usavhunduka. Usafunga kuti mwana wako zvaakunyepera ava kuita munhu akaipa. Yeuka kuti Bhaibheri rinoti: ‘Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womwana.’ (Zvirevo 22:15) Vamwe vana vanoratidza upenzi hwakadaro nokunyepa, zvimwe vachifunga kuti ndizvo zvingaita kuti vasarangwa. Saka zvakakosha kuti uzive zvauchaita.

ZVAUNGAITA

Edza kuona kuti nei mwana wako ari kunyepa. Ari kutya kurangwa here? Pamwe haadi kukurwadzisa. Kana mwana wako achiita zvokuruka nyaya kuti angofadza shamwari dzake, anodaro nokuti haasati akura zvokukwanisa kunzwisisa kusiyana kwakaita chokwadi nengano here? Kana ukaziva kuti nei mwana wako ari kunyepa, uchakwanisa kumubatsira.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 13:11.

Dzimwe nguva usaita zvokubvunza. Amai vambotaurwa kwokutanga kwenyaya ino vabvunza mwana wavo kuti: “Ndiwe waputsa vhasi?” nepo vanga vachitoziva kuti ndiye. Mwana wacho anyepa, zvimwe achitya kushatirisa amai vake. Asi pane kuti vamubvunze saizvozvo, dai vangoti: “Waputsa vhasika iwe!” Kana amai vacho vakasaita zvokumubvunza, zvinoita kuti mwana wavo asapinda mumuedzo wokunyepa, uye vanomubatsira kuti ave munhu anogara achitaura chokwadi.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaKorose 3:9.

Mutende kana ataura chokwadi. Vana vagara vanoda kufadza vabereki vavo, saka ita kuti vazive kuti unofara kana vakakuudza chokwadi. Ita kuti mwana wako azive kuti mumhuri menyu munoda vanhu vanotaura chokwadi uye kuti ndozvaunotarisira kuti aite.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaHebheru 13:18.

Ita kuti mwana wako azive kuti kunyepa kunoita kuti usavimba naye uye kuti zvinogona kutora nguva yakareba kuti uzovimba naye zvakare. Ukamurumbidza paanenge ataura chokwadi unenge uchimukurudzira kuti arambe aine unhu hwakanaka. Somuenzaniso ungati, “Ndafara chaizvo kuti wataura chokwadi.”

Muratidze kuti zvinoitwa sei. Zviri pachena kuti haugoni kutarisira mwana wako kuti ataure chokwadi kana achimbonzwa iwe uchiti, “Vaudze kuti handipo” kana usingadi kutaura nomumwe munhu pafoni kana kuti, “Nhasi ndiri kumba ndiri kurwara” paunenge uchingoda zvako kumbozorora.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Jakobho 3:17.

Shandisa Bhaibheri. Zvarinodzidzisa uye nyaya dzakaitika dziri mariri zvinotikurudzira kuti titaure chokwadi. Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, rinogona kukubatsira pakudzidzisa mwana wako tsika dzakanaka dzinodiwa naMwari. Chitsauko 22 chine musoro unoti, “Chikonzero Nei Tisingafaniri Kureva Nhema.” (Ona mamwe emashoko acho mubhokisi rakanzi, “Bhuku Rinobatsira Mwana Wako.”) Bhuku rinonzi

a Mashoko aya anowanikwa mubhuku rinonzi No: Why Kids​—of All Ages—​Need to Hear It and Ways Parents Can Say It.

MAGWARO ANOKOSHA

  • ‘Pandaiva mwana, ndaifunga somwana.’​—1 VaKorinde 13:11.

  • “Musareverana nhema.”​—VaKorose 3:9.

  • “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”​—VaHebheru 13:18.

  • “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hahunyengeri.”​—Jakobho 3:17.

BHUKU RINOBATSIRA MWANA WAKO

“Ungaputsa chimwe chinhu kunyange ungave usina chinangwa chokudaro. Kana ukabvunzwa nezvacho, unofanira kutaura kuti mukoma wako kana kuti ihanzvadzi yako yazviita here? Kana kuti unofanira kuita sousingazivi here kuti zvaitika sei? . . . Pasinei nezvatingaita, nguva dzose zvichaita kuti zvinhu zvitoipisisa kana tikareva nhema, uye hatifaniri kumbotaura chokwadi chisina kuzara. Bhaibheri rinoti: ‘Taurai chokwadi.’ Rinotiwo: ‘Musareverane nhema.’ Jehovha anotaura chokwadi nguva dzose, uye anotitarisira kuitawo saizvozvo.​—VaEfeso 4:25; VaKorose 3:9.”

Mashoko aya atorwa mubhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe