RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 2 pp. 14-15
  • Shiri Dzinoyevedza Dzinonzi Macaws

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shiri Dzinoyevedza Dzinonzi Macaws
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2016
  • Zvepasi Rino
    Mukai!—2014
Mukai!—2016
g16 nha. 2 pp. 14-15
Blue-and-yellow macaw

Blue-and-yellow macaw. Yakareba masendimita 85 kubva kumuromo kusvika kubesu

Shiri Dzinoyevedza Dzinonzi Macaws

MAVARA anoyevedza anoti vai vai pamusoro pemiti yemusango, shiri zvadzinobhururuka dzakawanda dzichienda mudenga! Izvi zvakashamisa vaongorori vainge vasvika kuCentral neSouth America vachibva kuEurope pakupera kwemakore ekuma1400. Vakaona shiri dzinonzi mamacaws. Shiri idzi rudzi rwemaparrots ane mabesu marefu uye dzinogona kuwanika munzvimbo dzinopisa uye dzinonaya mvura yakawanda kuAmerica. Pasina nguva, mifananidzo yezvisikwa izvi zvinoyevedza yainge yava kuonekwa pamamepu enharaunda yacho sechiratidzo cheparadhiso yainge ichangobva kuwanikwa.

Shiri idzi dzakasiyana nedzimwe pakuti dzose hono nehadzi dzine mavara akajeka. Uyewo shiri idzi dzakangwara, dzinogara dzakawanda, uye dzinoita ruzha runovhara nzeve. Mapoka eshiri idzi anomukira kunotsvaga mhodzi, michero yemusango nezvimwewo zvinodyiwa. Boka rimwe nerimwe rinenge riine shiri dzinenge 30. Sezvinongoita mamwe maparrots, shiri idzi dzinowanzoshandisa nzara pakubata chikafu, dzojobora nemuromo wadzo muhombe wakakombama. Dzinotogona kutsemura mateko akaoma enzungu! Kana dzapedza kudya, dzinowanzoenda pane mawere kana kuti pamhenderekedzo perwizi kunodya ivhu, iro rinogona kubatsira kuti dzisakuvara nezvimwe zvinhu zvinenge zviri muchikafu chadzinodya. Uye ivhu iri rinenge riine zvimwe zvinoita kuti dzive neutano.

“[Mwari] akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo.”—Muparidzi 3:11

Hono nehadzi yacho dzinowanzogara dzese kweupenyu hwese, uye dzinobatsirana pakuchengeta vana vadzo. Marudzi akasiyana-siyana eshiri idzi anokandira mazai mumhango (buri rinenge riri pamuti), mumwena inenge iri pamahombekombe erwizi nepachuru, kana kuti mumwena inenge iri pamawere. Ipapo unogona kuona hono nehadzi dzacho dzichibvisana tsvina paminhenga. Vana vacho pavanosvika mwedzi 6, vanenge vanyatsokura, asi vanoramba vachigara nevabereki kwemakore anenge matatu. Kana dziri musango shiri idzi dzinorarama makore 30 kusvika ku40, asi dzimwe dzaichengetwa nevanhu dzakararama makore anopfuura 60. Kune mhando dzinopfuura 18 dzeshiri idzi uye dzimwe dzacho dziri kuratidzwa pano.

Green-winged macaws

Green-winged macaw, inonziwo red-and-green macaw. Yakareba masendimita 95 kubva kumuromo kusvika kubesu

Scarlet macaw

Scarlet macaw. Yakareba masendimita 85 kubva kumuromo kusvika kubesu

Hyacinth macaw

Hyacinth macaw. Yakareba masendimita anosvika 100 kubva kumuromo kusvika kubesu. Ndiyo hombe pamaparrots ose, inogona kupfuura 1.3 kg pauremu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe