RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 7/14 p. 3
  • Zvepasi Rino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvepasi Rino
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Southeast Asia
  • Europe
  • New Zealand
  • Alaska
  • Pasi Rose
  • Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa
    Mukai!—2001
  • Kubatwa Zvisina Kufanira Muvatano Kwavana—Chinetso Chemunyika Yose
    Mukai!—1997
  • Chikonzero Nei Marudzi Ari Mungozi
    Mukai!—1996
  • Zvepasi Rino
    Mukai!—2014
Mukai!—2014
g 7/14 p. 3

ZVEPASI RINO

Southeast Asia

Nyoka yakazvimonerera pamuti
Nyoka yakazvimonerera pamuti

Sangano reWorld Wildlife Fund rakati pakati pa1997 na2011, pakawanikwa marudzi anoshamisa ezvipuka nezvinomera akawanda chaizvo asati amboonekwa, kusanganisira rudzi rwechiva chine maziso matsvuku (Trimeresurus rubeus). Marudzi aya akawanikwa munzvimbo yeGreater Mekong, inobatanidza nyika dzeCambodia, Laos, Myanmar, Thailand, Vietnam, pamwe chete nepurovhenzi yeYunnan iri kuChina. Pazvinhu zvakawanikwa mugore ra2011 chete, 82 zvacho zvaiva zvinomera, 21 madzvinyu, nyoka nezvimwe zvakarerekera ikoko, 13 hove, 5 matatya, uye 5 mhuka.

Europe

Pepanhau reThe Moscow Times rinoti, muEurope yose kutengeswa kwevanhu rava dambudziko rakakura. Vanhu ava vanotengeswa vanonoitiswa chipfambi, mabasa ouranda, uyewo kunyange kuchekereswa. Urombo, kushaya mabasa uye kutarisirwa pasi kwevanhukadzi ndizvo zvimwe zvinhu zvinokonzera kuti vanhu vatorwe vachizotengeswa.

New Zealand

Mwana ari kuona TV
Mwana ari kuona TV

Vanoongorora nezvokuona TV kwevana vari pasi pemakore 19 vanoti, kunyanya kuona TV pamazera aya kunokonzera kuti munhu asazoda zvokutandara nevamwe paanenge ava pazera rokuma20 zvichikwira. Vaongorori ava vanoti zvavakawana pakutsvakurudza uku zvinotsigirana nezvagara zvichitaurwa zvokuti vana havafaniri kuona TV kwemaawa anopfuura maviri pazuva.

Alaska

Zvakaita misha yokuAlaska uchitarisa uri mudenga
Zvakaita misha yokuAlaska uchitarisa uri mudenga

Inenge misha yose yezvizvarwa zvokuAlaska yakavakwa mumhenderekedzo dzegungwa kana kuti pedyo nenzizi, uye misha 86 pa100 yoga yoga inovhiringwa nemafashamo kana kukurwa kwevhu. Mishumo inoratidza kuti kudziya kunoramba kuchiwedzera kuri kunonotsa kuumbika kwechando mumahombekombe icho chinozodzivirira vagari ava pamadutu emvura.

Pasi Rose

Mahwindimiri
Mahwindimiri

Pasinei nemari dzakawanda dziri kushandiswa pakugadzira magwenya emagetsi asingasvibisi pasi akadai seanoshandisa mhepo uye chiedza chezuva, Maria van der Hoeven, mukuru weInternational Energy Agency anotaura kuti hapana chachinja pakusvibiswa kwepasi redu kana tichienzanisa nezvaiitika makore 20 apfuura panyaya yekugadzirwa kwemagetsi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe