RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 4 p. 4
  • 1 Usazviwanzira Zvokuita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Usazviwanzira Zvokuita
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Batsirwa Nezvawajaira Kuita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Sumo
    Mukai!—2016
  • Zvinoita Here Kukunda Tsika Dzakaipa?
    Mukai!—2004
  • 2 Ronga Zvinhu Zvako
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 4 p. 4
Mukadzi ari kunyora zvaanoda kurega nezvaanoda kuita

NYAYA IRI PAKAVHA | KUZVIDZORA PAKUITA ZVAWAKAJAIRA

1 Usazviwanzira Zvokuita

Unogona kunzwa uchida kubva wangochinja zvinhu zvese muupenyu hwako. Unozviudza kuti, ‘Vhiki rino ndicharega fodya, kutaura zvinonyadzisira, kunonoka kurara, ndichatanga kuita maekisesaizi, kudya zvine utano, uye kufonera hama dzangu.’ Asi ukada kuedza kuita zvinhu zvose panguva imwe chete unopedzisira watadza kuita kana chimwe chete!

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.”​—Zvirevo 11:2.

Munhu ane mwero anoziva kuti ane zvimwe zvaasingagoni kuita. Anoziva kuti anogona kushaya nguva, simba uye zvimwe zvinenge zvichidiwa pakuita chimwe chinhu. Saka pane kuti aedze kuchinja zvese panguva imwe chete, anozviita zvishoma nezvishoma.

Ukada kuedza kuita zvinhu zvose panguva imwe chete unopedzisira watadza kuita kana chimwe chete!

ZVAUNGAITA

Sarudza chinhu chimwe kana zviviri zvaunoda kuchinja. Kuita zvinotevera kunogona kukubatsira:

  1. Nyora zvinhu zvaunoda kuregera, uyewo zvaunoda kuita. Nyora zvose zvaungafunga nezvazvo.

  2. Chizviisa manhamba uchitanga nechaunofunga kuti ndicho chinonyanya kukosha.

  3. Sarudza chimwe chete kana kuti zviviri kubva pane zvaunoda kuregera nezvaunoda kuita, woshanda nesimba pazviri. Kana wadaro, chisarudza zvekare chimwe chete kana zviviri.

Kuti ukurumidze kupedza tsiva zvauri kuda kuregera nezvakanaka zvaunoda kuita. Somuenzaniso, ngatitii pazvinhu zvauri kuda kuregera wakanyorawo ‘kunyanya kuona TV’ uye pazvinhu zvaunoda kuzoita wakanyora ‘kugara uchifonera hama neshamwari.’ Unogona kusarudza kuti: ‘Pane kuti ndabva kubasa ndosvika ndichiona TV, ndichatanga nekufonera shamwari yangu kana kuti hama yangu.’

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

‘Ivai nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’​—VaFiripi 1:10.

“Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.”​—Muparidzi 7:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe