RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 5 p. 16
  • “Madzidzisiro Aya Matsva!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Madzidzisiro Aya Matsva!”
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Vhidhiyo Itsva Yokutangisa Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 5 p. 16
Mudzidzisi wekuSouth Korea achiratidza vana vemukirasi yake vhidhiyo yepajw.org

“Madzidzisiro Aya Matsva!”

SOO-JEONG anodzidzisa pane imwe sekondari kuSouth Korea uye anoshandisa mavhidhiyo epajw.org mukirasi yake.Anoti: “Mafariro anoita vana pavanoona vhidhiyo inonzi Shamwari Yechokwadi Munhu Akaita Sei? anondishamisa! Mumwe akati, ‘Handina kumbobvira ndafunga kuti ndozvandinofanirawo kuita. Madzidzisiro aya matsva!’ Vamwe vana vakati vanoenda pawebsite iyi pese pavanenge vachitsvaga mazano.” Soo-jeong anowedzera kuti: “Ndakakurudzira vamwe vadzidzisi kuti vashandise vhidhiyo iyi uye vari kufara nekuti iri kuvabatsira pakudzidzisa.”

Imwe vhidhiyo iri kubatsira vana vakawanda kuSouth Korea inonzi Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi. Mumwe mudzidzisi anoshanda kusangano rinobatsira vana vane misikanzwa, rinonzi Juvenile Violence Prevention Foundation akaratidza kirasi yake vhidhiyo iyi. Anoti, “Vechidiki vanonakidzwa nemapikicha anenge achibuda muvhidhiyo yacho. Inoratidzawo zvavangaita kana vashungurudzwa uyewo zvavangaita kuti vasanetswa nevamwe.” Sangano iri rakakumbira kushandisa vhidhiyo iyi pese pavanenge vachidzidzisa vana vekupuraimari nevekusekondari uye vakabvumidzwa. Kunyange mapurisa ava kutoshandisawo mavhidhiyo ari pajw.org.

Wadii wambovhura website iyi kana wanga usati wamboendapo. Iri nyore kushandisa uye pane mavhidhiyo, zvekuteerera, Bhaibheri nemamwe mabhuku zvaunogona kudhaunirodha usingabhadhari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe