RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/02 p. 1
  • Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Shandisa Zvinhu Zvinooneka Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokushandisa Zvinodzidzisa, Zvinokurudzira, uye Zvinosimbisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 2/02 p. 1

Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu

1 “Mwanakomana wedu ave achiona vhidhiyo yacho kubvira asati ava kugona kufamba. Anoiona aionazve. Zvakanaka chose kuva nezvishandiso zvinoita kuti vana vedu vade Jehovha!” Mubereki wechiKristu uyu akanga achirondedzera vhidhiyo ipi? Iya inonzi Noah—He Walked With God. Vamwe amai vasiri Chapupu vane mwanakomana akanga aona vhidhiyo yaNoah kumba kwomumwe munhu vakatumira mari yomupiro inoita US$90 (Z$4 950,00) kuhofisi yebazi ndokubvunza kana tiine mamwezve mavhidhiyo evana. Mavhidhiyo anobudiswa nesangano raJehovha ari kuva nesimba guru pane vose vaduku nevakuru.

2 Mumhuri: Pashure pokunge imwe mhuri yeZvapupu yaona vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault, amai vacho vakati: “Ndakapedza zuva rose ndichifungisisa nzira iyo Jehovha akagona kuita nayo kuti vanhuwo zvavo vatsungirire zvinhu zvinotyisa! Kufunga izvozvo kwakandiyeuchidza kuti zvinetso zvangu pachangu zviduku. Kuona vhidhiyo iyi nevana vedu kwakavabatsira kunyatsoona kukosha kunoita kuvimba naJehovha. Nokuikurukura navo pashure pokuiona, takabatsira vanasikana vedu kuva vakashongedzerwa zviri nani kubata nokutambudzwa kupi nokupi kwavangasangana nako.”

3 Kuchikoro: Chimwe Chapupu chiri kuyaruka chakakwanisa kuratidza kirasi yacho chikamu chevhidhiyo inonzi Stand Firm, sechikamu chomushumo. Nguva yakanga yapfuura, mudzidzisi wacho akanga ataura kuti haafariri Zvapupu. Pashure pokuona vhidhiyo yacho, akati: “Izvi zvanyatsochinja maonero andinoita Zvapupu zvaJehovha. Ndinovimbisa kuti nguva inotevera yavachauya pasuo rangu, ndichavateerera uye ndichatanga kudzidza Bhaibheri navo!” Chii chakachinja maonero aaitiita? Akati rwaiva “rudo [rwedu] rwechokwadi nokuvimbika.”

4 Muushumiri: Imwe hanzvadzi yakasangana nomumwe mukadzi aizengurira kugamuchira mabhuku, kunyange zvazvo aiva nemibvunzo pamusoro pedu uye zvatinotenda. Hanzvadzi yacho yakadzokera nevhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name ndokuiratidza mukadzi wacho nomurume wake. Vose vakafadzwa zvikuru vachibva vabvuma kudzidza Bhaibheri. Somugumisiro wouchapupu hwakaisvonaka hwavakapiwa, vakatanga kuita kuti upenyu hwavo huenderane nokuda kwaMwari.

5 Uri kushandisa mavhidhiyo edu nepose paunogona here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe