RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 1 pp. 3-7
  • Kubatsira Vechidiki Vane Chirwere cheDepression

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Vechidiki Vane Chirwere cheDepression
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIMWE ZVINGAKONZERA DEPRESSION
  • IVA NEHANYA NEUTANO HWAKO
  • Kuziva Chinokonzera Chirwere Chacho
    Mukai!—2001
  • Neiko Ndichipera Mwoyo Zvikuru?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kubatsira Kwaungaita
    Mukai!—2001
  • Kuona Zviratidzo Zvacho
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 1 pp. 3-7
Mukomana akagara pamubhedha achiratidza kuti ane depression

NYAYA IRI PAKAVHA

Kubatsira Vechidiki Vane CHIRWERE CHEDEPRESSION

ANNAa anoti, “Pandinenge ndichizvidya mwoyo, hapana chandinonzwa ndichida kuita, kunyange zvinhu zvandinofarira. Chandinenge ndichingoda kurara chete. Ndinowanzonzwa sekuti handibatsiri uye hapana anondida. Ndinoona senge ndiri kuremedza vamwe.”

Julia anoti, “Ndakambofunga kuzviuraya. Hakusi kuti ndaida kufa. Ndaida kuti ndisaramba ndichisurukirwa. Ndiri munhu ane hanya nevamwe, asi depression painondibata ndinenge ndisina kana basa nemunhu.”

Anna naJulia vakatanga kuva nedepression vachangoti pfuurei makore 12. Vamwe vechidiki vangambosurukirwa pano neapo, asi zvaAnna naJulia zvaitoita mavhiki chaiwo kana kuti mwedzi yakati kuti. Anna anoti, “Unenge uchiita seuri mugomba rakadzika rakati ndoo, risina kana kwekubuda nako. Unoita sewava kurasika pfungwa.”

Zvakaitika kuna Anna naJulia zvinoitikawo kune vakawanda. Nhamba yevechidiki vakawanda vari kubatwa nedepression iri kuwedzera zvinotyisa, uye chirwere ichi “chiri kukonzera zvimwe zvirwere uye kuremara kuvakomana nevasikana vane makore ari pakati pe10 ne19,” rinodaro sangano reWorld Health Organization (WHO).

Munhu anogona kubatwa nedepression paanenge ava kuyaruka uye zvinooneka nekuchinja kwemadyiro aanoita, kufuta kana kuonda uye kuchinja nguva yaanorara. Dzimwe nguva anogona kungosuruvara uye kunzwa sekuti haabatsiri. Anogonawo kuzviita zindoga, kukurumidza kukanganwa, kufunga kuzviuraya, nezvimwewo. Vanachiremba vepfungwa pavanofungidzira kuti munhu ane depression, vanowanzoongorora zvinhu zvinenge zvava nemavhiki zvichiitika uye zvinenge zvichivhiringa mararamiro ake.

ZVIMWE ZVINGAKONZERA DEPRESSION

Sangano reWHO rinoti, “depression inokonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana.” Zvimwe zvacho ndeizvi:

Mhuri Yaunobva. Sezvakaitika kuna Julia, chirwere chedepression chinowanzonge chiri chedzinza, saka chinofamba nemumagenes uye chinogona kunokanganisa mashandiro anoita pfungwa. Chirwere chemwoyo, kuchinja chinja kwemahomoni, uye kushandisa madrugs, zvose izvi zvinogona kukonzera depression. Zvinogonawo kuita kuti depression iwedzere kumunhu anga agara ainayo.b

Kushushikana. Kushushikana zvishoma kunogona kubatsira, asi kukazonyanyisa kunogona kukanganisa utano, uye dzimwe nguva kunoita kuti vechidiki vapedzisire vava nedepression. Chirwere ichi hachisati chazivikanwa kuti chinonyatsokonzerwa nei, nekuti chinogona kukonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana sezvambotaurwa.

Depression inogona kukonzerwa nekurambana kwevabereki, kufirwa, kushungurudzwa, tsaona yakaipisisa, kurwara, uye kunonoka kunoita vana kubata zvaanodzidziswa kuchikoro. Kana mwana achinzwa sekuti haadiwi pamusana pezvikonzero zvataurwa izvi, zvinoita kuti aite depression. Anogonawo kubatwa nechirwere ichi kana vabereki vakanyanya kutarisira kuti aite zvaasingakwanisi, semuenzaniso mune zvedzidzo. Chimwezve ndechokuti anenge achinetswa nemubereki ane depression, kana kuti nevamwe vana kuchikoro, kana kuti achityira kuti ramangwana rake richange rakadini. Ndezvipi zvingabatsira mwana iyeye kana akabatwa nedepression?

IVA NEHANYA NEUTANO HWAKO

Kana depression yanyanyisa inowanzoda mushonga uye mazano avanachiremba.c Jesu Kristu akati: “Vaya vakasimba havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.” (Mako 2:17) Vanhu vanogona kubatwa nezvirwere zvakasiyana-siyana, kunyange kutova nedambudziko repfungwa! Kuchinja zvinhu zvawaiita kunogona kubatsira kuderedza dambudziko redepression.

Kana uine depression, ita zvinhu zvinoita kuti ugare uine utano. Semuenzaniso, idya zvine utano, iva nenguva yakakwana yekurara uye gara uchiekisesaiza. Paunenge uchiekisesaiza, pane makemikari anogadzirwa mumuviri wako anoita kuti unzwe zviri nani, uve nesimba uye unyatsorara zvakanaka. Kana zvichiita, imboedza kuona kuti chii chinowanzokonzera kuti uzosara wakasuruvara uye gara waronga zvauchaita. Udza munhu waunovimba naye zviri kukunetsa. Vemumhuri kana kuti shamwari dzako vanogona kukubatsira paunenge uchizvidya mwoyo. Ita sezvakaitwa naJulia zvekunyora mukabhuku zvaunofunga uye manzwiro aunoita. Chinotonyanya kukosha, ita zvinhu zvekunamata. Izvi zvinogona kukubatsira kuti ufare muupenyu. Jesu Kristu akati: “Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:28.

Musikana ari kudya nevabereki vake, ari kuekisesaiza, uye obva azorara

Idya zvine utano, ita maekisesaizi, uye wana nguva yakakwana yekurara

Musikana ari kuverenga bhaibheri

Unogona kunyaradzwa kana ukaziva Mwari

Anna naJulia vakataura kuti mashoko aya aJesu akavabatsira. Anna anoti: “Kuita zvekunamata kunondibatsira kuti ndifungewo vamwe, kwete kungofunga matambudziko angu. Izvi hazvisi nyore, asi zvinoita kuti ndifare.” Julia anonzwa zviri nani paanonyengetera uye paanoverenga Bhaibheri. Anoti, “Kuudza Mwari zvose zvinondinetsa kunoita kuti ndinzwe kurerukirwa. Uye Bhaibheri rinondibatsira kuona kuti Mwari anondikoshesa uye anondida. Kuverenga Bhaibheri kunoitawo kuti ndive netariro yeramangwana.”

Depression inogona kukonzerwa nemakuriro atakaita, kwatinobva, uye zvinoitika muupenyu hwedu. Musiki wedu, Jehovha Mwari, anonyatsozvinzwisisa. Saka anokwanisa kutipa simba uye kutinyaradza, pamwe pacho achishandisa hama neshamwari. Uyezve, nguva ichasvika Mwari paacharapa zvirwere zvedu zvose. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara,’” inodaro Isaya 33:24.

Bhaibheri rinotovimbisa kuti Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [edu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:4) Mashoko aya anonyaradza uye anopa tariro! Kana uchida kudzidza zvimwe nezvekuti Mwari akasikirei nyika uye vanhu, enda pawebsite yedu inonzi jw.org. Pane Bhaibheri riri nyore kunzwisisa, uye nyaya dzakasiyana-siyana, kusanganisira dzekuzvidya mwoyo.

a Mazita akachinjwa.

b Zvirwere, mishonga uye madrugs zvinogona kuchinja maitiro emunhu, saka zvakanaka kuti anoongororwa navanachiremba.

c Mukai! haisarudziri munhu kuti orapwa sei.

Zvingaitwawo Nevabereki

  • Zivai kuti vechidiki vanenge vaine depression vangaomerwa nekutaura kuti vari kunzwa sei kana kuti vangasanzwisisa kuti chii chiri kunyatsoitika kwavari. Vanogona kusatoziva kuti zviratidzo zvavainazvo ndezvedepression.

  • Zvinoitwa nevechidiki kana vaine depression zvinosiyana nezvinoitwa nevanhu vakuru, saka nyatsotarisai zvinhu zvakadai semadyiro ake, mamoods, nguva yaanorara, uye maitiro ake kana ari pane vamwe vanhu. Ongororai kana izvi zviri kuitika kwemavhiki anotevedzana.

  • Kana mukanzwa achitaura kana kuita zvinhu zvinoratidza kuti anoda kuzviuraya, musazvirerutsa.

  • Kana mukafungidzira kuti ane depression (kwete mamoods), munogona kuenda naye kwachiremba.

  • Mubatsirei kuita zvaanenge audzwa nachiremba, uye kana pasina chiri kuchinja kana kuti mishonga yacho yava kutokonzera mamwe matambudziko, dzokerai naye.

  • Semhuri, ivai nenguva yamunoti ndiyo yekudya, yekuekisesaiza uye yekurara.

  • Garai muchitaura nemwana wenyu, uye mubatsirei nekuti anogona kunge achinyara nedambudziko iri redepression.

  • Depression inogona kuita kuti munhu asurukirwe, anyare kana kunzwa sekuti haabatsiri, saka garai muchiratidza mwana wenyu kuti munomuda.

Zvimwe Zvaungaita

Zvaungaita kana uine depression, zvinosanganisira kuva nenhamba dzefoni dzevanhu vaunofarira, mavhesi, nziyo, nezvimwewo

Kana uine depression, gara waronga zvauchaita paunongonzwa kuti wava kuzvidya mwoyo. Unogona kuita zvinotevera:

  • Iva nenhamba dzefoni dzevanhu vaungazofonera paunenge wakasuwa

  • Iva nenziyo dzaunofarira dzinoita kuti unzwe zviri nani

  • Verenga nyaya dzinokurudzira

  • Nyora mavhesi emuBhaibheri anonyaradza akadai saPisarema 34:18; 51:17; 94:19; VaFiripi 4:6, 7

  • Iva nechinhu chinokuyeuchidza nezvevanhu vanokuda

  • Iva nekabhuku kaunonyora zvinhu zvinokurudzira uye zvinonakidza zvawakambosangana nazvo muupenyu

Depression Yevasikana Vechidiki

Vasikana ndivo vanonyanya kubatwa nedepression kupfuura vakomana. Chimwe chinokonzera izvi kushungurudzwa kwavanoitwa nevamwe vanhu. Mumwe chipangamazano anonzi Sharon Hersh anoti, “Kana zvinoitika mumuviri yevana pavanokura zvikabatana nemamwewo matambudziko emuupenyu, zvinopedzisira zvaita kuti vavhiringidzike.” Vasikana vanogonawo kuda kufanana nevanhu vavanoona mumafirimu kana mumagazini vavanenge vachifunga kuti vane kamuviri kakanaka. Musikana anoona sekuti haana kunaka kana kuti anonyanya kufunga kuti vamwe vanomuona sei ane mukana wakakura wekubatwa nedepression.d

d Ona “Nyaya yakanzi “Zvinotaura Bhaibheri—Runako,” iri muMukai! Nhamba 4 2016.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe