RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 3 p. 3
  • Bhaibheri ‘Rakafuridzirwa naMwari’ Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri ‘Rakafuridzirwa naMwari’ Here?
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI KUTI BHAIBHERI ‘RAKAFURIDZIRWA’?
  • “Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Akafuridzira Sei Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwari
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ichokwadi Here Kuti Mashoko Akanaka Akabva Kuna Mwari?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 3 p. 3
Maneja ari kuudza mushandi wake zvekunyora mutsamba

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOBVA KUNA MWARI HERE?

BHAIBHERI ‘Rakafuridzirwa naMwari’ Here?

BHAIBHERI rinobva kuna Mwari here kana kuti zvinhu zvirimo dzingoriwo pfungwa dzevanhu?

Vanhu vakawanda vari kutaura zvakasiyana-siyana nezvenyaya iyi, kunyange vaya vanozviti vaKristu. Semuenzaniso, imwe ongororo yakaitwa kuUnited States muna 2014 nekambani yeGallup, yakaratidza kuti vakawanda vaiti “Bhaibheri rinofanira kunge richibva kuna Mwari.” Asi munhu 1 pa5 aiti Bhaibheri ibhuku “rengano, rinongotaura nyaya dzakaitika kare uye zvinhu zvirimo dzingoriwo pfungwa dzevanhu.” Pana 2 Timoti 3:16 panoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” Asi zvinorevei kuti Bhaibheri ‘rakafuridzirwa naMwari’?

ZVINOREVEI KUTI BHAIBHERI ‘RAKAFURIDZIRWA’?

Bhaibheri rine mabhuku madiki 66 akanyorwa nevanhu vanenge 40, uye zvakatora makore anenge 1 600 richinyorwa. Saka kana Bhaibheri rakanyorwa nevanhu, sei zvichinzi ‘rakafuridzirwa naMwari’? Mashoko ekuti ‘rakafuridzirwa naMwari’ anoreva kuti zvirimo zvakabva kuna Mwari. Bhaibheri rinoti: ‘Vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nemweya mutsvene.’ (2 Petro 1:21) Saka Mwari akashandisa simba rake remweya mutsvene kuudza vanhu ava zvavaifanira kunyora. Zvakafanana namaneja anoudza mushandi wake zvinhu zvaanofanira kunyora mutsamba. Muridzi wetsamba ndimaneja, kwete mushandi ari kuinyora.

Dzimwe nguva Mwari aituma ngirozi kuti dziudze vanhu ava zvavaifanira kunyora. Vamwe vaiita zvekuoneswa uye vamwe vairatidzwa kuhope. Kunyange zvazvo Mwari aimbovabvumira kushandisa mashoko avanoda pakunyora, pamwe pacho aitoita zvekuvaudza mashoko chaiwo avaifanira kunyora. Pasinei nekuti mashoko avainyora vaiaudzwa sei, zvese zvavainyora zvaibva kuna Mwari, kwete mumusoro mavo.

Tinozviziva sei kuti Mwari ndiye akafuridzira vanhu vakanyora Bhaibheri? Verenga nyaya inotevera unzwe zvikonzero 3 zvinoratidza pachena kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe