RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/15 pp. 4-8
  • Mwari Akafuridzira Sei Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akafuridzira Sei Bhaibheri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamburiko Yekungwarira Inodikanwa
  • Zano Rinobatsira—Rinobva Kuna Ani?
  • Nei Akashandisa Vanhu Kunyora?
  • “Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Shoko raMwari” Rinoratidza Uchenjeri Hwake
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Bhaibheri—Bhuku Redu Guru Rinofundwa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/15 pp. 4-8

Mwari Akafuridzira Sei Bhaibheri?

URUKURIRANO nhasi inoshamisa zvikuru kupfuura pane imwe nguva ipi neipi yakapfuura. Mafoni, michina yefax, makombiyuta—makore akapfuura ndiani aigona kufungidzira nezvenguva inenge ichitumirwa mashoko kunoda kuva kwose kwose kupota nyika pakarepo?

Asi rudzi rwunoshamisa zvikurusa rwekurukurirano ndirwo rwusingagoni kunzwisiswa nemunhu—kufuridzirwa naMwari. Jehovha akafuridzira vanhu 40 vainyora kuti vaburitse Shoko rake rakanyorwa, Bhaibheri Dzvene. Sezvo vanhu vane mitoo yakawanda yekukurukura, naizvozvo Jehovha akashandisa mitoo inoverengeka yekukurukura kuti afuridzire Magwaro.

Kutaura. Mwari akataura mashoko akananga ayo akapinzwa gare gare muchinyorwa cheBhaibheri.a Somuenzaniso, funga nezvemirayiro inoumba sungano yeMutemo. “Nyora mashoko iwaya,” Jehovha akaudza Mosesi kudaro, “nokuti ndaita sungano newe navaIsraeri sezvinoreva mashoko iwaya.” (Eksodho 34:27) “Mashoko” iwayo, ayo aka“piwa nengirozi,” akanyorwa naMosesi uye zvino anogona kuwanwa mumabhuku eBhaibheri aEksodho, Revhitiko, Numeri, uye Dheuteronomio.—Mabasa 7:53, NW.

Vamwe vaporofita vakawanda, kusanganisira Isaya, Jeremia, Ezekieri, Amosi, Nahumi, uye Mika, vakagamuchira mashoko akananga akabva kuna Mwari kupfurikidza nengirozi. Pane dzimwe nguva varume ivava vakavamba kuzivisa kwavo nekutaura kwekuti: “Zvanzi naJehovha.” (Isaya 37:6; Jeremia 2:2; Ezekieri 11:5; Amosi 1:3; Mika 2:3; Nahumi 1:12) Ipapo vakanyora zvakataurwa naMwari.

Zviono, Zviroto, uye Zviyeverwa. Chiono mufananidzo, chiitiko, kana kuti shoko rinoiswa mundangariro dzemunhu paanenge akamuka, kazhinji kazhinji kupfurikidza nemutoo unoshamisa. Somuenzaniso, Petro, Jakobho, uye Johane, “vakati vachipepuka,” vakaona chiono chaJesu akashandurwa chitarisiko. (Ruka 9:28-36; 2 Petro 1:16-21) Mune zvimwe zviitiko shoko rakapiwa muchiroto, kana kuti chiono chousiku, chichipiwa mugamuchiri asingazivi paanenge akarara. Dhanieri nokudaro anonyora nezve“zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhovo dzangu”—kana kuti, semashandurire anoita mushanduri Ronald A. Knox, “zvandakarara ndichiona chiroto changu.”—Dhanieri 4:10.

Munhu akaitiswa chiyeverwa naJehovha sezviri pachena akapinzwa mukufungisisa kwakadzama, kunyange zvazvo akanga akatombomuka zvishoma. (Enzanisa naMabasa 10:9-16, NW.) MuBhaibheri shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chiyeverwa” (ekʹsta·sis) rinoreva ‘kurasa kana kuti kudzinga.’ Rine pfungwa yekubvisa ndangariro mumugariro wayo wenguva dzose. Nokudaro, munhu ane chiyeverwa anenge asingazivi zvakapoteredza panguva yaanenge achigamuchira zvizere chiono chacho. Muapostora Pauro sezvingabvira aive nechiyeverwa chakadaro paaka“kwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti aareve.”—2 VaKorinte 12:2-4.

Kusiyana nevaya vakanyora mashoko akataurwa naMwari, vanyori veBhaibheri vaya vakagamuchira zviono kana kuti zviroto kana kuti vakaita zviyeverwa vaiwanzosununguka kurondedzera zvavakaona nemashoko avo pachavo. Habhakuki akaudzwa kuti: “Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa nounomhanya.”—Habhakuki 2:2.

Izvozvi zvinoreva here kuti mativi aya eBhaibheri anenge akafuridzirwa zvishoma kupfuura zvikamu zvemashoko zvakaita zvekutaurwa here? Nyangwe. Achishandisa mudzimu wake, Jehovha akaisa shoko rake mundangariro dzemunyori woga woga, zvokuti pfungwa dzaMwari uye kwete dzemunhu dzakapiwa. Kunyange zvazvo Jehovha akabvumira munyori kusarudza mashoko akakodzera, akatungamirira ndangariro nemwoyo zvemunyori zvokuti hakuna mashoko anokosha akabviswa uye pakupedzisira mashoko acho akarangarirwa zvakarurama seaMwari.—1 VaTesaronika 2:13.

Kuzivisa kwaMwari. Bhaibheri rine uporofita—nhau yakaziviswa ndokunyorwa pachine nguva—inopfuura zvikuru manowo zvawo emunhu. Mumwe muenzaniso ndewekumuka nekuwa kwa“mambo weGirisi,” Alexander Mukuru, kwakafanotaurwa pachine makore 200! (Dhanieri 8:1-8, 20-22) Bhaibheri rinozivisawo zviitiko zvisina kumboonekwa nemaziso evanhu. Kusikwa kwedenga nepasi mumwe muenzaniso. (Genesi 1:1-27; 2:7, 8) Ipapo kune kurukurirano dzaiitika mudenga, dzakafanana nedziya dzinotaurwa nezvadzo mubhuku raJobho.—Jobho 1:6-12; 2:1-6.

Kana zvisina kuziviswa zvakananga naMwari kumunyori wacho, zviitiko zvakadaro zvakaziviswa naMwari kune mumwe munhu zvokuti zvakava rutivi rwenhau yakaita zvekutaurwa nemuromo kana kuti yakanyorwa, yakapiwa kubva kuchizvarwa chimwe kuenda kune chinotevera kutozosvikira yava rutivi rwechinyorwa cheBhaibheri. (Ona bhokisi riri papeji 7.) Muchiitiko chipi nechipi, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha aiva Manyuko emashoko ose akadaro, uye akatungamirira vanyori zvokuti nhoroondo dzavo dzakanga dzisina kusvibiswa nemashoko asina kururama, kukatutsira, kana kuti ngano. Petro akanyora zvinotevera pamusoro peuporofita: “Vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”b—2 Petro 1:21.

Nhamburiko Yekungwarira Inodikanwa

Kunyange zvazvo vanyori veBhaibheri vakanga “vachimutswa noMweya Mutsvene,” kunyange zvakadaro vaifanira kufunga nekungwarira. Somuenzaniso, Soromoni “akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; wakarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji. [A]katsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.”—Muparidzi 12:9, 10.

Vamwe vanyori veBhaibheri vaifanira kuita nzvero yakati kuti vagonyora mashoko avo. Ruka, somuenzaniso, akanyora zvinotevera pamusoro penhoroondo yeEvhangeri kuti: “Ndakati ndanyatsofeya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorereiwo nokutevedzanisa.” Chokwadika, mudzimu waMwari wakakomborera nhamburiko dzaRuka, pasina mubvunzo uchimuita kuti awane zvinyorwa zvenhau zvakavimbika uye kubvunzurudza zvapupu zvakaona zvinovimbika, zvakadai sevadzidzi vakanga vachiri vapenyu uye sezvinobvira amai vaJesu, Maria. Mudzimu waMwari ipapo waizotungamirira Ruka kunyora mashoko acho zvakarurama.—Ruka 1:1-4.

Mukusiyana neEvhangeri yaRuka, nhoroondo yaJohane yaiva yechapupu chakazvionera, yakanyorwa makore 65 pashure pekunge Jesu afa. Mudzimu waJehovha pasina mubvunzo wakakudza kuyeuka kwaJohane zvokuti kwaisagona kuderedzwa nekupfuura kwenguva. Izvozvo zvaizowirirana nezvakanga zvavimbisa Jesu vateveri vake kuti: “Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyeudzirai zvose, zvandakareva kwamuri.”—Johane 14:26.

Mune zvimwe zviitiko vanyori veBhaibheri vakabatanidza mashoko emuzvinyorwa zvezvapupu zvakazvionera zvevanyori vapakuvamba zvikuru venhau, vasiri vose vakanga vakafuridzirwa. Jeremia akaunganidza Madzimambo Wekutanga neWechipiri zvikurukuru nenzira iyoyi. (2 Madzimambo 1:18) Ezra akanongedzera kumanyuko anenge 14 akanga asina kufuridzirwa kuti aunganidze mashoko nokuda kwaMakoronike Wekutanga neWechipiri, kubatanidza “makoronike amambo Dhavhidhi” uye “bhuku yaMadzimambo aJudha naaIsraeri.” (1 Makoronike 27:24; 2 Makoronike 16:11) Mosesi akatonokora mashoko “bhuku yeHondo dzaJehovha”—sezviri pachena chinyorwa chinovimbika chehondo dzevanhu vaMwari.—Numeri 21:14, 15.

Muzviitiko zvakadaro mudzimu mutsvene wakabatanidzwa zvikuru, uchiita kuti vanyori veBhaibheri vasarudze bedzi mashoko anovimbika, ayo gare gare akava rutivi rwechinyorwa cheBhaibheri chakafuridzirwa.

Zano Rinobatsira—Rinobva Kuna Ani?

Bhaibheri rine mazano akawanda anobatsira akavakirwa pakucherekedza kwekuchenjera kwemunhu oga kunoshanda. Somuenzaniso, Soromoni akanyora kuti: “Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.” (Muparidzi 2:24) Pauro akataura kuti zano rake pamusoro peroorano raive “kufunga [kwake],” kunyange zvazvo akawedzera kuti: “Ndinoti neniwo ndine Mweya waMwari.” (1 VaKorinte 7:25, 39, 40) Pauro zvirokwazvo aiva nemudzimu waMwari, nokuti sezvakanyorwa nomuapostora Petro, zvakanyorwa naPauro zvaiva “nokuchenjera kwaakapiwa.” (2 Petro 3:15, 16, kutsveyamisa mashoko ndokwedu) Nokudaro, achitungamirirwa nemudzimu waMwari, aipa mufungo wake.

Vanyori veBhaibheri pavakataura zvavaidavira pachavo, vakaita kudaro pamwe chete nekufunda nekushandisa magwaro aiwanika kwavari. Tinogona kuva nechokwadi chokuti manyoro avo aitsinhirana nekufunga kwaMwari. Zvavakanyora zvakava rutivi rweShoko raMwari.

Chokwadika, Bhaibheri rine mashoko evamwe vaifunga zvisina kururama. (Enzanisa Jobho 15:15 na42:7.) Rinewo kutaura kushomanene kwakapa mirangariro yenhamo yevabatiri vaMwari, kunyange zvazvo kutaura kwakadaro kusina kupa chiono chakakwana chenhau dzacho.c Nepo achitaura zvinhu zvake, munyori akanga achiri kungotungamirirwa nemudzimu waMwari kuti aite chinyorwa chakarurama, izvo zvakabatira kuzivisa nokufumura kurangarira kusina kururama. Zvakare, muchiitiko chimwe nechimwe mashoko akapoteredza anojekesa kumuravi upi neupi ane mufungo kana kufunga kwemunyori wacho kuchishanda.

Mukupfupikisa, tinogona kuva nechivimbo chokuti Bhaibheri rose ishoko raMwari. Zvirokwazvo, Jehovha akava nechokwadi chokuti chinhu chese charinaro chiwirirane nedonzo rake uye chakagovera murayiridzo unokosha nokuda kwaavo vanoshuva kumubatira.—VaRoma 15:4.

Nei Akashandisa Vanhu Kunyora?

Kushandisa vanhu kwaJehovha kuti vanyore Bhaibheri kunoratidza uchenjeri hwake hukuru. Rangarira izvi: Kudai Mwari akanga apa nhau yacho kungirozi, Bhaibheri raizofadza sezvarinoita here? Chokwadi, taizofara kurava nezvemavara aMwari nemaitire ake mukurangarira kwengirozi. Asi kudai rakanga risina kufunga kwemunhu, taizova nechinetso chokunzwisisa shoko reBhaibheri.

Kuenzanisira: Bhaibheri raigona zvaro kungoshuma kuti Mambo Dhavhidhi akaita upombwe ndokuponda uye pashure pezvo akapfidza. Asi zviri nani zvikuru sei kuva nemashoko aDhavhidhi pachake, sezvaakaratidzira nhamo yaiodza mwoyo pamusoro pezviito zvake ndokukumbira kukanganwira kwaJehovha! “Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu,” akanyora kudaro. “Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushoori.” (Pisarema 51:3, 17) Nokudaro, Bhaibheri rine simba, rine zvakasiyana-siyana, uye rinofadza zvichikonzerwa nemafungire evanhu ari mariri.

Hungu, Jehovha akasarudza nzira yakaisvonaka yekutipa nayo Shoko rake. Kunyange zvazvo vanhu vane utera uye vanokanganisa vakashandiswa, vakatsigirwa nemudzimu mutsvene zvekuti kwaisazova nemhosho mumanyoro avo. Nokudaro, Bhaibheri rinokosha zvikuru. Zano raro rakasimba, uye uporofita hwaro pamusoro peParadhiso yemunguva yemberi pasi pano hunovimbika.—Pisarema 119:105; 2 Petro 3:13.

Kuregererei kuita muitiro wekuverenga chikamu cheShoko raMwari zuva rimwe nerimwe? Petro akanyora kuti: “Pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa.” (1 Petro 2:2) Sezvo rakafuridzirwa naMwari, uchawana Rugwaro rwose kuva “runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.

[Mashoko Omuzasi]

a Mune chimwe chete chezviitiko zvakawanda, chiya cheMirayiro Gumi, mashoko acho akanyorwa zvakananga “nomunwe waMwari.” Mosesi panguva iyoyo akangonyora zvake mashoko iwayo pamanyoro kana kuti pane zvimwe zvinhu.—Eksodho 31:18; Dheuteronomio 10:1-5.

b Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “vachimutswa,” pheʹro, rinoshandiswa mune chimwe chimiro pana Mabasa 27:15, 17 kurondedzera ngarava inosundwa nemhepo. Naizvozvo mudzimu mutsvene ‘wakatungamirira’ vanyori veBhaibheri. Wakavasunda kuramba mashoko api neapi enhema uye kubatanidza bedzi aya aiva echokwadi.

c Nokuda kwemienzaniso, enzanisa 1 Madzimambo 19:4 nendima 14 ne18; Jobho 10:1-3; Pisarema 73:12, 13, 21; Jona 4:1-3, 9; Habhakuki 1:1-4, 13.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

Mosesi akawanepi mashoko Ake?

MOSESI akanyora bhuku reBhaibheri raGenesi, asi chinhu chose chaakanyora chakaitika nguva refu asati aberekwa. Zvino, akawana kupi mashoko akadaro? Angave akaaziviswa zvakananga naMwari, kana kuti zvimwe zvezviitiko zvacho zvingave zvakaziviswa zvizvarwa zvaitevera nemuromo. Sezvo vanhu vaiva nenduramo refu munguva dzapakuvamba, zvizhinji zvezvakanyorwa naMosesi muna Genesi zvingave zvakabva kuna Adhama kusvikira kuna Mosesi nevanhu vashanu bedzi—Metusara, Shemi, Isaka, Revhi, uye Amrami.

Mukuwedzera, Mosesi angave akanzvera zvinyorwa. Munhau iyoyi, zvinokosha kuti Mosesi anowanzoshandisa kutaura kwekuti “iyi ndiyo nhau ya,” asati ataura munhu achakurukurwa nezvake. (Genesi 6:9; 10:1; 11:10, 27; 25:12, 19; 36:1, 9; 37:2, NW) Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti shoko rechiHebheru rakashandurwa pano kuti “nhau,” toh·le·dhohthʹ, rinotaura nezvenhau yakanyorwa yaitovapo iyo Mosesi akashandisa semanyuko ekunyora kwake. Chokwadika, izvozvi hazvigoni kunzi ndizvozvo chaizvo.

Mashoko ari mubhuku raGenesi angangove akawanwa nemitoo yose iri mitatu iri pamusoro apa—mamwe kupfurikidza nekuzivisa zvakananga, mamwe kupfurikidza nekutaurwa nemuromo, uye mamwe akabva muzvinyorwa. Chinhu chinokosha ndechekuti mudzimu waJehovha wakafuridzira Mosesi. Nokudaro, zvaakanyora zvinorangarirwa zvakarurama seshoko raMwari.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Mwari akafuridzira vanhu kunyora Bhaibheri nenzira dzakasiyana-siyana

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe