KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA
Zvii Zvinokonzera Kushushikana?
“Vanhu vakuru vakawanda vanotaura kuti vari kuwedzera kushushikana,” rinodaro sangano rezveutano reMayo Clinic. “Upenyu hwemazuva ano hune zvinhu zvakawanda zviri kuchinja uye zvimwe zvacho zvinoitika usingafungiri.” Zvimwe zvinoita kuti munhu ashushikane ndeizvi:
kurambana
kufirwa
kurwara zvakanyanyisa
tsaona dzakaipisisa
kuparwa kwemhosva
upenyu hwekumhanya-mhanya
njodzi dzinongoitika dzega kana kuti dzinokonzerwa nevanhu
kuwanda kwezvekuita kuchikoro kana kubasa
kuzvidya mwoyo nenyaya yemabasa uye kuriritira mhuri