RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 1 p. 4
  • Zvii Zvinokonzera Kushushikana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvinokonzera Kushushikana?
  • Mukai!—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kuoneswa Ndondo Nokushushikana Mupfungwa!
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 1 p. 4

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Zvii Zvinokonzera Kushushikana?

“Vanhu vakuru vakawanda vanotaura kuti vari kuwedzera kushushikana,” rinodaro sangano rezveutano reMayo Clinic. “Upenyu hwemazuva ano hune zvinhu zvakawanda zviri kuchinja uye zvimwe zvacho zvinoitika usingafungiri.” Zvimwe zvinoita kuti munhu ashushikane ndeizvi:

  • kurambana

  • kufirwa

  • kurwara zvakanyanyisa

  • tsaona dzakaipisisa

  • kuparwa kwemhosva

  • upenyu hwekumhanya-mhanya

  • njodzi dzinongoitika dzega kana kuti dzinokonzerwa nevanhu

  • kuwanda kwezvekuita kuchikoro kana kubasa

  • kuzvidya mwoyo nenyaya yemabasa uye kuriritira mhuri

“KUPERERWA NEBASA”

Sangano reAmerican Psychological Association rinoti, “kupererwa nebasa kunopedza simba, zvichiita kuti uve nematambudziko akadai sekurwara, kunetsana newawakaroorana naye, kuzvidya mwoyo, kurwara nedepression kunyange kutozviuraya. Kupererwa nebasa kunokanganisa upenyu hwese hwemunhu.”

KUSHUSHIKANA UCHIRI MUDIKI

Vana vanosanganawo nezvinhu zvinovashungurudza. Zvimwe zvacho zvinokonzerwa nevamwe vekuchikoro kana kuti nevavanogara navo kumba. Vamwe vanotoshungurudzwa panyaya dzebonde. Vakawanda vanozvidya mwoyo nekufunga kuti vachapasa here zvidzidzo zvavo. Vamwe vanorwadziwa nekurambana kwevabereki. Izvi zvinoita kuti vamwe varare vachivhumuka, vatadze kudzidza zvakanaka, vaite depression, kana kusangofarira kutamba nevamwe. Vamwe vanobva vatadza kuzvidzora. Mwana ane dambudziko rekushushikana anotoda kubatsirwa nekukurumidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe