Sumo
Muupenyu, tese tinombosangana nematambudziko, kungava kurwara, tsaona, njodzi dzinongoitika dzega, kana kurwiswa.
Vanhu vanoshaya kuti nei zvinhu zvakadaro zvichiitika.
Vamwe vanoti zvinoitika muupenyu zvakagara zvarongwa kare saka hatigoni kuzvichinja.
Vamwe vanoti tinotambura nekuti zvinhu zvakaipa zvatakamboita kare zvinenge zvava kutidzokera.
Matambudziko anoita kuti vanhu vave nemibvunzo yakawanda.