RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 2 pp. 6-7
  • Mwari Ndiye Anokonzera Kuti Titambure Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ndiye Anokonzera Kuti Titambure Here?
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?
  • Imbofunga Izvi
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2020
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 2 pp. 6-7
Mupristi ari kupa mharidzo yemariro akabata Bhaibheri.

1. Mwari ndiye Anokonzera Kuti Titambure Here?

Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?

Nekuti vakawanda vanopomera Mwari mhosva yekuti ndiye anokonzera kutambura.

Imbofunga Izvi

Vatungamiriri vakawanda vezvitendero vanodzidzisa kuti Mwari ndiye anoita kuti titambure. Semuenzaniso, vamwe vanoti:

  • Njodzi dzinongoitika dzega ishamhu yaMwari.

  • Vana vanofa nekuti Mwari anenge achida dzimwe ngirozi kudenga.

  • Panenge pachirwiwa hondo Mwari ane vaanenge achitsigira. Asi hondo dziri kuita kuti vanhu vatambure.

Zviri kudzidziswa nevatungamiriri vezvitendero ava ndezvechokwadi here? Mwari anobvumirana nazvo here?

DZIDZA ZVIMWE

Ona vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mwari haasi iye anoita kuti titambure.

Kumuti ndiye anokonzera kutambura kunopesana neunhu hwake hunotaurwa muBhaibheri.

“Nzira [dzaMwari] dzese dzakarurama. . . . Iye akarurama uye akatendeseka.”—DHEUTERONOMI 32:4.

“Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa, uye kuti Wemasimbaose atadze!”—JOBHO 34:10.

“Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.”—JOBHO 34:12.

Mwari anovenga zvitendero zvinodzidzisa nhema pamusoro pake.

Zvinosanganisira zvitendero zvinodzidzisa kuti Mwari ndiye anoita kuti titambure, uye vanotsigira hondo uye kurwisana.

Mwari akati: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu. Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo. Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema . . . uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.”—JEREMIYA 14:14.

Jesu akafumura unyengeri hwezvitendero zvenhema.

“Haasi munhu wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muUmambo hwekudenga, asi uya chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri: ‘Ishe, Ishe, hatina here kuprofita muzita renyu, nekudzinga madhimoni muzita renyu, nekuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu?’ Ini ndichabva ndati kwavari: ‘Handina kumbobvira ndakuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo!’”—MATEU 7:21-23.

Mwari ndiye anokonzera kuti titambure here?

Funga nezvababa vanorera vana vavo vachivachengeta zvakanaka. Asi mumwe mwana anopanduka obva pamba otanga kurarama upenyu hwakaipa. Baba vacho ndivo vanenge vakonzera kuti ararame upenyu hwakaipa here? Kana akawana zvinomuwana angapa baba vacho mhosva here? Nesuwo hatingapi Mwari mhosva yekutambura kwedu.

Saka zvinoreva here kuti kutambura kwatinoita ndisu tinokukonzera tega?

Mhinduro iri munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe