4. Takasikirwa Kutambura Here?
Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?
Mhinduro yemubvunzo uyu inochinja maonero atinoita upenyu.
Imbofunga Izvi
Zvine musoro here kuti Mwari akasika nyika yakanaka kudai ndiye anoita kuti titambure?
Vamwe vanoona sekuti kutambura kunoratidza kuti Mwari haana hanya uye havana chokwadi chekuti ariko. Vanoti kutambura kunoratidza kuti (1) Mwari haana simba, (2) Mwari haana hanya, kana kuti (3) Mwari haako.
Izvi ndizvo here zvikonzero zvinoita kuti titambure?
DZIDZA ZVIMWE
Ona vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari? iri pawebsite yedu inonzi jw.org.
Zvinotaurwa neBhaibheri
Mwari haana kutisika kuti titambure.
Anoda kuti tinakidzwe neupenyu.
“Hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti vafare uye kuti vaite zvakanaka muupenyu hwavo, uyewo kuti munhu wese adye nekunwa uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pakushanda kwake nesimba. Icho chipo chaMwari.”—MUPARIDZI 3:12, 13.
Mwari akapa vanhu vaviri vekutanga zvese zvavaida kuti vararame zvakanaka.
Akanga asingadi kuti ivo nevana vavaizobereka vatambure.
“Mwari akavakomborera, akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muitonge.’”—GENESISI 1:28.
Vanhu vaviri vekutanga vakaramba kutongwa naMwari.
Izvi zvakaita kuti ivo nevana vavakazobereka vatambure.
“Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.”—VAROMA 5:12.a
Mwari haana kutisika kuti tizvitungamirire.
Munhu haana kusikwa kuti agare mumvura. Ndizvo zvazvakangoitawo panyaya yekuzvitonga, munhu haana kusikwa kuti atonge munhu.
“Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”—JEREMIYA 10:23.
Mwari haadi kuti titambure.
Haadi kuti tisangane nematambudziko.
“Kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita serwizi.”—ISAYA 48:18.
a Bhaibheri parinotaura kuti “chivi” rinenge risingangorevi mabasa akaipa asi rinenge richirevawo kutadza kwatakaberekwa tiinako kubva kuvabereki vedu vekutanga.