RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 2 pp. 13-15
  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Madzidziro Aunoita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Madzidziro Aunoita?
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVAUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAUNOGONA KUITA
  • Kuita Zvinhu Zvakawanda Panguva Imwe Chete Kwakanaka Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Kukosha Kwekuva Woga
    Mukai!—1998
  • Ndingaita Sei Kuti Pfungwa Dzangu Dzirambe Dziri Pachinhu Chimwe Chete?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 2 pp. 13-15
Murume ari kubika achitevedzera zvaari kuona pavhidhiyo.

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Madzidziro Aunoita?

Vanhu vanogara vachidzidza, zvingava zvinhu zvekuchikoro, zvebasa, kana zvimwewo. Mafoni anogona kuvabatsira. Iye zvino zvava nyore chaizvo kudzidza zvinhu zvakawanda usina kumbobva pamba kana kusimuka chaiko.

Asi vanhu vakawanda vanonyanya kushandisa mafoni . . .

  • vanoomerwa nekuisa pfungwa pazvinhu zvavanenge vachiverenga.

  • vanoomerwa nekuita chinhu chimwe chete panguva.

  • vanokurumidza kubhowekana pavanenge vari vega.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Musikana ari kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Ari kunyora meseji uku achitaura neshamwari yake pavhidhiyo, achishandisawo kombiyuta nebhuku pakudzidza.

KUVERENGA

Pavanenge vachiverenga, vamwe vanhu vanongotarisa-tarisa nyaya yacho kuti vaone kuti iri kuenda nekupi pane kunyatsodzikisa pfungwa kuti vanzwisise zvairehwa nemunyori.

Maverengero akadaro anogona kubatsira paunenge uchida kukurumidza kuwana mhinduro yemumwe mubvunzo. Asi anogona kukutadzisa kunyatsonzwisisa zvaunenge uchiverenga.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Zvinombokuomera here kuverenga pakati kurei? Kuverenga pakati kurei kungakubatsira sei kuti uvandudze madzidziro aunoita?—ZVIREVO 18:15.

KUISA PFUNGWA PACHINHU CHIMWE CHETE

Vamwe vanhu vanofunga kuti foni inogona kuvabatsira kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete, zvakadai sekutumira shamwari dzavo mameseji uku vachidzidza. Asi kana pfungwa dzavo dzisiri pachinhu chimwe chete, hapana chakanaka chinobuda pane zvese zvavanenge vachiita.

Zvinotoda kuzvidzora kuti munhu akwanise kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete, asi zvinobatsira chaizvo. Mumwe musikana anonzi Grace akati: “Hauzonyanyi kukanganisa kana kunetseka. Ndakadzidza kuti zviri nani kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete panguva, pane kuedza kuda kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete.”

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Kuedza kuda kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kunoita kuti uomerwe nekunzwisisa uye kuyeuka zvaunenge wadzidza here?—ZVIREVO 17:24.

PAUNENGE URI WEGA

Vamwe vanhu havanzwi zvakanaka kana vari vega pakangoti zii, saka vanobva vatora foni yavo kuti vazvivaraidze. Mumwe mukadzi anonzi Olivia akati: “Kana ndikaita maminitsi 15 ndakagara, ndisina kumbotarisa foni yangu kana tablet kana kubatidza TV, ndinototanga kubhowekana.”

Asi kuti munhu anyatsokwanisa kubata zvaanodzidza, anoda nguva yekumbova ega achidzamisa pfungwa. Izvi zvinobatsira vanhu vese vangave vakuru kana vadiki.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Unokwanisa kushandisa nguva yaunenge uri wega kuti udzamise pfungwa here?—1 TIMOTI 4:15.

ZVAUNOGONA KUITA

ONGORORA MASHANDISIRO AUNOITA FONI YAKO

Ungashandisa sei zvinhu zvakaita semafoni kuti uvandudze madzidziro aunoita? Foni inogona kukutadzisa sei kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete uye pakudzidza?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa.”—ZVIREVO 3:21.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndinoomerwa here nekunzwisisa kana kuisa pfungwa pazvinhu zvandinoverenga ndichishandisa foni? Chii chinowanzoita kuti zviome?

  • Zvii zvandingaita kuti ndideredze zvinhu izvozvo zvinondivhiringidza?

Zano: Tanga nekuverenga zvinhu zvishoma wozoita uchiwedzera. Verenga nenzwi riri pasi kuti ukwanise kunyatsoisa pfungwa pane zvauri kuverenga.

  • Zvii zvandingaita kuti ndiwane nguva yekunyatsofungisisa zvandinenge ndaverenga?

Zano: Kana wapedza kuverenga iva nemaminitsi 10 ekudzokorora zvaunenge wadzidza.

  • Ndinowanzoda kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kana zvaita sei?

  • Zvii zvandingaita kuti ndidzidze kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete?

Zano: Paunenge uchidzidza, bvisa zvinhu zvinogona kukuvhiringidza pedyo newe.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Wana uchenjeri, wana mwoyo unonzwisisa.”—ZVIREVO 4:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe